Ungada Kuziva Zvakawanda Here?
Bhurocha rino rine pfupiso inonakidza yezvinotaurwa neBhaibheri. Zvisinei, chinangwa chepfupiso iyi hachisi chokutsanangura muudzame zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya imwe neimwe.
Somuenzaniso, zvimwe unoda kuziva mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo yakadai seiyi: Mwari ane hanya neni zvechokwadi here? Chii chinoitika kwatiri patinofa? Ndingawana sei mufaro muupenyu?
Mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwe inofadza dzinowanikwa mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Bhuku iri rakagadzirirwa kudzidza chidzidzo chemuBhaibheri chimwe nechimwe panguva. Nzira yakadaro yokudzidza inobatsira kuti munhu awane ndima dzomuBhaibheri dzinotsigira chimwe chidzidzo.
Verenga kana kuti dhaunirodha bhuku rino pawww.jw.org, uye unogona kukumbira kudzidza Bhaibheri pasina mari yaunobhadhara.