RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 21 p. 24
  • Jesu Mupenyu!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Mupenyu!
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Vaapostora Vanoparidza Vasingatyi
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mwari Anoyeuka Mwanakomana Wake
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Jesu Anomutswa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jesu Anotaura Uprofita Hune Chokuita Nenyika Yose
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 21 p. 24
Jesu achienda kudenga

CHIKAMU 21

Jesu Mupenyu!

Jesu anooneka kuvateveri vake kuti avarayiridze uye avakurudzire

PAZUVA rechitatu pashure pokufa kwaJesu, vamwe vakadzi vaiva vadzidzi vake vakaona kuti dombo rakanga rakavhara pasuo reguva rakanga rakungurutswa. Uyewo, guva rakanga risina chinhu!

Vakaona ngirozi mbiri. Imwe yacho yakati, “Muri kutsvaka Jesu wokuNazareta. . . . Akamutswa.” (Mako 16:6) Pasina kumbononoka, vakadzi vacho vakamhanya kunoudza vaapostora. Vari munzira, vakasangana naJesu. Akati, “Musatya! Endai, munoudza hama dzangu, kuti dziende kuGarireya; uye dzichandiona ikoko.”​—Mateu 28:10.

Pazuva rimwe chete iroro, vadzidzi vaviri vaifamba kubva kuJerusarema vachienda kuEmausi. Mumwe munhu wavakanga vasingazivi akabatana navo ndokuvabvunza kuti vaitaura nezvei. Aitova Jesu akanga amutswa akaoneka aine muviri wavasina kuziva pakutanga. Vachiratidza kusuruvara, vakapindura kuti vakanga vachitaura nezvaJesu. Munhu wacho akatanga kutsanangura zvinhu zvine chokuita naMesiya muMagwaro ose. Chokwadi, Jesu akanga azadzisa uprofita hwose zvahwo hune chokuita naMesiya.a Vadzidzi vacho pavakaziva kuti munhu wacho aiva Jesu, uyo akanga amutswa somunhu womudzimu, akabva anyangarika.

Vadzidzi vacho vaviri vakabva vadzokera kuJerusarema pakarepo. Vakanowana vaapostora vakaungana muimba yakanga yakakiyiwa masuo. Vaviri vacho pavaitsanangura zvakanga zvaitika, Jesu akabva aoneka. Vateveri vake vakanga vashamisika havana kugona kuzvidavira! “Nei mwoyo yenyu isina chokwadi nazvo?” akabvunza kudaro Jesu. “Zvakanyorwa kuti Kristu aizotambura omuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu.”​—Ruka 24:38, 46.

Kwemazuva 40 pashure pokunge amutswa, Jesu akaoneka kuvadzidzi vake pazviitiko zvakasiyana. Pane chimwe chiitiko, akaonekwa nevadzidzi vanopfuura 500! Zvinoita sokuti pachiitiko ichi ndipo paakavapa basa iri rinokosha: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai. Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.”​—Mateu 28:19, 20.

Pamusangano wokupedzisira waakaita nevaapostora vake 11 vakatendeka, Jesu akavimbisa kuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mabasa 1:8) Jesu akabva akwidzwa kudenga, uye gore rakabva raita kuti vasamuona paaikwira kudenga.

—Kubva pana Mateu chitsauko 28; Mako chitsauko 16; Ruka chitsauko 24; Johani zvitsauko 20 ne21; 1 VaKorinde 15:5, 6.

a Kuti uone mienzaniso yeuprofita hunotaura nezvaMesiya hwakazadzika pana Jesu, ona Chikamu 14, Chikamu 15, uye Chikamu 16 mubhurocha rino uyewo nyaya iri mumashoko okuwedzera inoti “Jesu Kristu​—Mesiya Akapikirwa” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

  • Vadzidzi vaJesu vakaziva sei kuti Mwari akanga amumutsa?

  • Jesu akatsanangurei kuvadzidzi vaviri pavaiva munzira kuenda kuEmausi?

  • Jesu akarayirei vadzidzi vake asati aenda kudenga?

MUDZIMU MUTSVENE

Mudzimu mutsvene waMwari isimba guru zvikuru kupfuura ose aripo. Jehovha Mwari akashandisa mudzimu wake, kana kuti simba rinoita basa, pakusika denga nenyika uye pakutungamirira kunyorwa kweBhaibheri. Mudzimu uyu ndiwo simba rakaita kuti zvishamiso zvataverenga nezvazvo zviitike, kusanganisira chishamiso chikuru pane zvose​—kumutsirwa kwaJesu Kristu kuupenyu sechisikwa chomudzimu chine simba.​—Genesisi 1:2; 2 Samueri 23:2; Mabasa 10:38; 1 Petro 3:18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe