RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 19 p. 22
  • Jesu Anotaura Uprofita Hune Chokuita Nenyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anotaura Uprofita Hune Chokuita Nenyika Yose
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Vadzidzi Vanokumbira Chiratidzo
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Chiratidzo Chamazuva Okupedzisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mazivire Atingaita Kuti Amagedhoni Yava Pedyo
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Nezvo“mugumo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 19 p. 22
Jesu ari kutaura nevamwe vaapostora vake paGomo reMiorivhi

CHIKAMU 19

Jesu Anotaura Uprofita Hune Chokuita Nenyika Yose

Jesu anotaura zvinhu zvicharatidza kuvapo kwake musimba roumambo uye kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino

PAGOMO reMiorivhi, painyatsooneka kunaka kweJerusarema netemberi yaro, vaapostora vaJesu vana vakamubvunza vari voga nezvezvinhu zvaakanga ambotaura. Jesu akanga achangobva kutaura kuti temberi yaiva muJerusarema yaizoparadzwa. Uye pane imwe nguva yakanga yapfuura, akanga avaudza nezve“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mateu 13:40, 49) Panguva ino vaapostora vakabvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?”​—Mateu 24:3.

Achipindura, Jesu akataura zvaizoitika Jerusarema risati raparadzwa. Asi mashoko ake aisanganisira zvakawanda kupfuura izvozvo. Uprofita hwake hwaizozadzika zvikuru munyika yose pave paya. Jesu akaprofita nezvezviitiko zvakasiyana-siyana uye mamiriro ezvinhu munyika, zvose zvaizoumba chiratidzo. Chiratidzo ichocho chaizoratidza vaya vari panyika kuti kuvapo kwaJesu saMambo mudenga kwakanga kwatanga. Nemamwe mashoko, chiratidzo chacho chaizoratidza kuti Jehovha Mwari akanga aita Jesu Mambo weUmambo hwaMesiya hwakanga hwavimbiswa kwenguva yakareba. Chiratidzo chacho chaizoreva kuti Umambo hwakanga hwava pedyo nokubvisa uipi hwounzira vanhu rugare rwechokwadi. Saka zvinhu zvakafanotaurwa naJesu zvaizoratidza zvinhu zvemazuva okupedzisira enyika iripo​—zvakadai sezvechitendero, zvematongerwo enyika uye mararamiro evanhu—​uye kutanga kwenyika itsva.

Achitsanangura zvaizoitika panyika panguva yokuvapo kwake saMambo mudenga, Jesu akati munyika dzakasiyana-siyana maizova nehondo, kushomeka kwezvokudya, kudengenyeka kwenyika kukuru uye kupararira kwezvirwere. Kusateerera mutemo kwaizowedzera. Vadzidzi vaJesu vechokwadi vaizoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose. Zvinhu zvose izvi zvaizoguma “nokutambudzika kukuru” kusina kumboitika kubvira kare.​—Mateu 24:21.

Vateveri vaJesu vaizoziva sei kuti kutambudzika kukuru ikoko kwakanga kwava pedyo? Jesu akati: ‘Dzidzai pamuonde.’ (Mateu 24:32) Kutunga kwemashizha emuonde pamapazi chiratidzo chinooneka chokuti zhizha rava pedyo. Saizvozvowo, kuona zvinhu zvose zvakafanotaurwa naJesu zvichiitika panguva imwe chete chaizova chiratidzo chakajeka chokuti mugumo wava pedyo. Hapana mumwe kunze kwaBaba aizoziva zuva chairo neawa paizotanga kutambudzika kukuru. Naizvozvo, Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti: “Rambai makamuka, nokuti hamuzivi kuti nguva yakatarwa ichasvika rini.”​—Mako 13:33.

—Kubva pana Mateu zvitsauko 24 ne25; Mako chitsauko 13; Ruka chitsauko 21.

  • Vaapostora vaJesu vaida kuziva zvakawanda nezvei?

  • Chiratidzo chakapiwa naJesu chinorevei uye zvii zvaizobatanidzwa pachiratidzo ichi?

  • Jesu akapa vadzidzi vake zano rei?

CHIRATIDZO CHOKUVAPO KWAKRISTU

Jesu akafanotaura kuti paizova nechiratidzo chinoratidza kuti nguva yava pedyo yokuti Mwari aparadze mamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino. Kutanga neHondo Yenyika I, vanhu vave vachiona zvakaprofitwa naJesu. Zviri kuitika iye zvino muchitendero, mune zvematongerwo enyika uyewo mumararamiro evanhu munyika yose zvakananga nokukurumidza uye zvisinganzvengeki kumugumo wemamiriro ezvinhu aripo. Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanofanira “kuramba vakamuka” uye vanofanira kukurumidza kusarudza kuva kudivi raMwari panyaya youchangamire kuti vapone.a​—Ruka 21:36; Mateu 24:3-14.

a Kuti uwane pamwe panokurukurwa nezvouprofita hwaJesu, ona chitsauko 9 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe