RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 4 p. 7
  • Mwari Anoita Sungano naAbrahamu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anoita Sungano naAbrahamu
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Abrahama naSara—Unogona Kutevedzera Kutenda Kwavo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Abrahamu naSara Vakateerera Mwari
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 4 p. 7
Abrahamu akatarisa nyeredzi

CHIKAMU 4

Mwari Anoita Sungano naAbrahamu

Abrahamu anoteerera Mwari aine kutenda uye Jehovha anovimbisa kumukomborera uye kuwedzera vana vake

PAKANGA papera makore 350 kubva pakaitika Mafashamo enguva yaNoa. Abrahamu wekare aigara muguta rakabudirira reUri mune yava kunzi Iraq mazuva ano. Abrahamu aiva murume aiva nekutenda kunoshamisa. Asi apa kutenda kwake kwakaedzwa.

Jehovha akaudza Abrahamu kuti abve munyika yaakaberekerwa aende kune imwe nyika, yeKenani. Abrahamu akaita saizvozvo pasina kumbozengurira. Akaenda nevanhu veimba yake, kusanganisira mudzimai wake Sara uye Roti mwana womukoma wake, uye pashure perwendo irworwo rwakanga rwakareba, akatanga kugara mumatende muKenani. Musungano yaakaita naAbrahamu, Jehovha akavimbisa kuti aizomuita kuti ave rudzi rukuru, uye mhuri dzose dzepanyika dzaizokomborerwa kuburikidza naye, uye kuti vana vake vaizotora nyika yeKenani yova yavo.

Abrahamu naRoti vakabudirira, vakava nemapoka akakura emakwai neemombe. Achiratidza kusava noudyire, Abrahamu akaita kuti Roti asarudze nzvimbo yaaida. Roti akasarudza nharaunda yaiva neivhu rakanaka yeRwizi rwaJodhani akagara pedyo neguta reSodhoma. Zvisinei, varume veSodhoma vaiva nzenza​—vaitadzira Jehovha zvikuru.

Jehovha Mwari akazovimbisazve Abrahamu kuti vana vake vaizova vakawanda senyeredzi dzokudenga. Abrahamu akatenda chipikirwa ichocho. Asi mudzimai waAbrahamu waaida, Sara, akaramba asina mwana. Abrahamu paakanga ava nemakore 99 uye Sara ava kusvitsa makore 90, Mwari akaudza Abrahamu kuti Sara aizova nemwanakomana. Maererano nezvakanga zvataurwa naMwari, Sara akabereka Isaka. Abrahamu akanga aine vamwe vana, asi Mununuri akavimbiswa muEdheni aizouya kuburikidza naIsaka.

Panguva iyi, Roti nemhuri yake vaigara muSodhoma, asi Roti akarurama haana kuva akafanana nevagari vemuguta racho vaiita unzenza. Jehovha paakatsunga kuparadza Sodhoma, akafanotuma ngirozi kuti dzinyevere Roti nezvekuparadzwa kwaiuya. Ngirozi dzacho dzakakurudzira Roti nemhuri yake kuti vabve muSodhoma uye vasacheuke. Mwari akabva anayisa moto nesarufa muSodhoma neguta reGomora rainge rakaipa raiva pedyo, achiparadza vagari vawo vose. Roti nevanasikana vake vaviri vakapona. Asi mudzimai waRoti akacheuka, zvimwe achishuva zvinhu zvaakanga asiya. Kusateerera uku kwakaita kuti afe.

—Kubva pana Genesisi 11:10–19:38.

  • Nei Abrahamu akatamira kuKenani?

  • Jehovha akaita sungano yei naAbrahamu?

  • Nei Jehovha akaparadza Sodhoma neGomora?

MWARI WESUNGANO

Munguva dzeBhaibheri, sungano yaiva chibvumirano chepamutemo. Achishandisa sungano dzaitevedzana, dzakanga dzakafanana nevimbiso dzakakomba, zvishoma nezvishoma Jehovha akabudisa pachena kuzadziswa kwechinangwa chake chine chokuita neMununuri akavimbiswa muEdheni. Sungano yakaitwa naAbrahamu inoratidza kuti akavimbiswa wacho aizouya nokudzinza raAbrahamu. Dzimwe sungano dzaizotevera dzaizobatsira pakuzivisa munhu wacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe