Rwiyo 118
Gamuchiranai
Rakaprindwa
1. Munogamuchirwa nhasi uno
Kuti munzwe Shoko raMwari.
Anopa chokwadi choupenyu;
Anotikoka, tobvuma nomufaro.
2. Mwari wedu akatipa hama
Dzinotigam’chira nom’faro.
Ngatidei hama dzakadaro,
Titambire vamwe sezvatakaitwa.
3. Mwari anokoka vanhu vose,
Vanoda vowana chokwadi.
Mwana wake akatidanawo.
Ngatigamuchirane nemwoyo wose.
(Onawo Joh. 6:44; VaF. 2:29; Zvak. 22:17.)