RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sn rwiyo 102
  • Uyai Tiimbe Rwiyo rwoUmambo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uyai Tiimbe Rwiyo rwoUmambo!
  • Imbirai Jehovha
  • Mashoko Akafanana
  • Uyai Tiimbe Rwiyo rweUmambo!
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • Kumbanira Murwiyo rwoUmambo!
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Kudzai Jehovha
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • Rwiyo Kuno Wokumusorosoro
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
Ona Zvimwe
Imbirai Jehovha
sn rwiyo 102

Rwiyo 102

Uyai Tiimbe Rwiyo rwoUmambo!

Rakaprindwa

(Pisarema 98:1)

1. Urwu rwiyo rwokufara kukunda;

Rwunokudza Iye mukurusa.

Rwunopa tariro rwokurudzira.

Ngatiimbei nezvoUmambo:

(KORASI)

‘Ngatinamatei Mwari.

Zivisai; Jesu Mambo!

Uyai tidzidze rwiyo rwoUshe;

Gwadamai, rumbidzai Mwari.’

2. Rwiyo urwu rwozivisa Umambo.

Jesu Kristu anotonga nyika.

Kune vagari venhaka yoUshe

Vakafanoziviswa, vanoti:

(KORASI)

‘Ngatinamatei Mwari.

Zivisai; Jesu Mambo!

Uyai tidzidze rwiyo rwoUshe;

Gwadamai, rumbidzai Mwari.’

3. Vanyoro vanodzidza rwiyo urwu,

Rwakajeka uye runofadza.

Nyika yose vazhinji vorudzidza,

Vari kukoka vamwe vachiti:

(KORASI)

‘Ngatinamatei Mwari.

Zivisai; Jesu Mambo!

Uyai tidzidze rwiyo rwoUshe;

Gwadamai, rumbidzai Mwari.’

(Onawo Pis. 95:6; 1 Pet. 2:9, 10; Zvak. 12:10.)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe