RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp2 p. 1
  • Kavha Yomukati

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kavha Yomukati
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
yp2 p. 1

Kavha Yomukati

Muverengi Anodiwa:

Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Fara hako, iwe jaya [kana kuti mhandara], uchiri muduku, uye mwoyo wako ngaukuitire zvakanaka mumazuva oujaya hwako, uye famba munzira dzomwoyo wako nomuzvinhu zvinoonekwa nemaziso ako.” (Muparidzi 11:9) Paunenge uchiri muduku, upenyu hunogona kunakidza zvikuru uye tinoda kuti unakidzwe nahwo. Zvisinei, tinokukurudzira kuti udaro nenzira inofadza Jehovha Mwari. Usambokanganwa kuti anogona kuona zvauri kuita noupenyu hwako uye achakutonga maererano naizvozvo. Saka unenge wakachenjera kana ukatevera zano raSoromoni rinoti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako.”—Muparidzi 12:1.

Tinonyengetera nomwoyo wose kuti mashoko ari mubhuku rino akubatsire kukurira zvinetso uye miedzo zviri kutarisana nevechiduku mazuva ano uye achakuratidza kuti ungaita sei zvisarudzo zvinoenderana nokuda kwaMwari. Kana ukaita izvi, uchaita kuti mwoyo waJehovha ufare.—Zvirevo 27:11.

Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe