CHIKAMU 5
Nyaya Dzemari
Mari inokosha zvakadini kuti ufare?
□ Haikoshi
□ Inokoshawo zvayo
□ Inokosha
Unotaura nezvemari kana kuti zvainogona kutenga kakawanda zvakadini?
□ Kashoma
□ Apo neapo
□ Kakawanda
Zvichida sezvaunogara uchiudzwa nevabereki vako, mari haimeri pamuti. Vanotaura chokwadi. Ndosaka zvichikosha kuti ushandise mari zvakanaka. Kunyange zvazvo mari ingagona kuita zvinhu zvinokosha, ingakutemesa musoro, kukanganisa ushamwari uye kuparadza ukama hwako naMwari. Chokwadi, maonero aunoita mari anogona kuva nezvikuru zvaanoita pauri. Zvitsauko 18-20 zvichakuratidza kuti ungaramba sei uine maonero ari pakati nepakati.
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 148, 149]