Kavha Yokuseri
ZUVA RAJEHOVHA . . . ndiyo nyaya huru inodzokororwa yadzokororwazve mumabhuku 12 okupedzisira eMagwaro echiHebheru. Vanhu vakawanda havazivi zviri mumabhuku iwayo ouprofita, asi maari uchawana mashoko anoshanda aunogona kushandisa muupenyu hwako hwezuva nezuva. Unoziva here kuti sei? Uye mabhuku iwaya angakubatsira sei kugadzirira zuva guru raJehovha?