Chikamu 3
Fadza Mwari Nomufambiro Wako uye Zvaunoita
Waizopindura sei mubvunzo wokuti: “Jehovha anodei kwauri?” (Mika 6:8) Zvakanyorwa nevaprofita 12 zvinobatsira kunzwisisa izvi. Sezvauchaona muZvitsauko 8 kusvika ku10 zvebhuku rino, zvavakanyora izvozvo zvinogona kukubatsira kurwisana nematambudziko okuti ungataura sei chokwadi pane zvose zvaunotaura uye ungadzivisa sei kuita zvechisimba. Uchaonawo zano rinoshanda razvinopa paupenyu hwemhuri, zano raungangoshandisawo.