RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lr pp. 6-7
  • Zvinodiwa Nevana Kuvabereki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinodiwa Nevana Kuvabereki
  • Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Mashoko Akafanana
  • Vabereki, Dzivirirai Nhaka Yenyu Inokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
lr pp. 6-7

Zvinodiwa Nevana Kuvabereki

Baba vari kuverenga bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru nevana vavo

VABEREKI vose vanoita basa risingagoni kunzwisiswa nomunhu zvakazara. Mumwe nomumwe wavo anopa chikamu chomuviri wake. Somugumisiro chinokura muna amai munhu mupenyu akavakwa zvakakwana. Naizvozvo hazvishamisi, kuti mwana paanoberekwa, vanhu vanotaura nezvechiitiko chacho “sechishamiso chokubereka.”

Ichokwadi kuti kubereka vana kunongova mavambo bedzi ebasa revabereki. Pakutanga, vana vanenge vachida kuitirwa zvose, asi sezvavanokura havangodi kuitirwa zvinhu chete. Vanoda kubatsirwa kukura mupfungwa, mutsika, uye mukunamata.

Kuti vakure zvakanaka, vana vanonyanyoda rudo rwevabereki. Kunyange zvazvo kutaura nomuromo kuti vanodiwa kuchikosha, zviito zvinofanira kutsigira mashoko acho. Hungu, vana vanoda muenzaniso wakanaka wevabereki. Vanoda kudzidziswa tsika, mitemo yokurarama nayo. Uye zvose izvi vanozvida kubva vachiri vaduku. Zvinhu zvinoodza mwoyo zvikuru zvinogona uye zvinoitika chaizvo kana vana vakanonoka kubatsirwa nguva ichipo.

Pamitemo yose ingawanikwa kupi nokupi, yakanakisisa yacho inowanikwa muBhaibheri. Mirayiridzo inobva muBhaibheri ine zvainobatsira zvakasiyana. Kuburikidza nemirayiridzo yakadaro, vana vanosvika pakuziva kuti zvavari kuudzwa, hazvisi kufunga kwevamwe vanhu, asi izvo Musiki wavo, Baba vavo vokudenga vanotaura. Izvi zvinoita kuti zano racho rive nesimba guru kwazvo risina ringagona kuenzana naro.

Bhaibheri rinokurudzira vabereki kushanda nesimba kuti vasimbise tsika dzakarurama mundangariro dzevana vavo. Zvisinei, vana sezvavanokura, vabereki vanowanzoona zvichiwedzera kuoma kutaura navo pamusoro pezvinhu zvinonyanya kukosha. Bhuku rino, Dzidza kuMudzidzisi Mukuru, rakagadzirirwa kubatsira kudzivisa zvinhu zvakadaro kuti zviitike. Richakupai imi nevana venyu mashoko omudzimu okuti muverenge pamwe chete. Asi zvinopfuura ipapo, rinofanira kukurudzira kurukurirano pakati pevaduku nevanoverenga bhuku iri navo.

Uchaona kuti bhuku racho rinoda kuti mwana apindure. Mibvunzo mizhinji yakanyatsoiswa munzvimbo dzakakodzera irimo mubhuku racho. Paunosvika pairi, uchaona mutsetse (—). Ichi chiyeuchidzo chokuti umbomira wokurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga. Vana vanoda kuva nezvokuita. Kana pasina zvaari kuita mwana anokurumidza kufinhwa.

Zvisinei, chinotonyanya kukosha, mibvunzo iyi ichakubatsira kuziva zviri mupfungwa dzomwana. Chokwadi, mwana wacho angapindura zvisiri izvo. Asi mashoko akanyorwa anotevera mubvunzo mumwe nomumwe akagadzirirwa kubatsira mwana kuti ave nemafungiro akanaka.

Chimwe chinhu chinokosha mubhuku racho mifananidzo yaro inopfuura 230. Mizhinji yacho ine mashoko omufananidzo anoda kuti mwana apindure achishandisa zvaanoona nezvaaverenga. Naizvozvo ongorora mifananidzo nomwana. Inogona kuva zvokubatsira kudzidzisa zvakanaka kwazvo zvichabatsira kubudisa zvidzidzo zviri kudzidziswa.

Mwana paanodzidza kuverenga, mukurudzire kukuverengera bhuku racho uye kuzviverengera. Akaramba achiriverenga, zano raro rakanaka richawedzera kusimbiswa mundangariro yake nomwoyo. Asi kuti musimbise ukama hwenyu nokuremekedzwa kwenyu, nepose pazvinogona napo verengai bhuku racho pamwe chete, uye zviitei nguva dzose.

Neimwe nzira yairatidza seisingambofungiki makumi mashomanana emakore apfuura, vana vari kuratidzwa zvinonyadzisa, unzenza, zvemidzimu, nedzimwe tsika dzinokanganisa. Saka vanoda dziviriro iyo bhuku rino rinobatsira kugovera nenzira ine chiremera asi iri pachena. Asi, vana vanofanira kunyanya kuda kutungamirirwa kuTsime rouchenjeri hwose, Baba vedu vokudenga, Jehovha Mwari. Izvi ndizvo izvo Jesu, Mudzidzisi Mukuru, aigara achiita. Tinotarisira nomwoyo wose kuti bhuku rino richakubatsirai pamwe nemhuri yenyu kuvaka upenyu hwenyu kuti mufadze Jehovha, kuti mukomborerwe nokusingaperi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe