CHIDZIDZO 47
Kushandisa Zvinobudirira Zvinhu Zvinooneka
NEI uchifanira kushandisa zvinhu zvinooneka pakudzidzisa? Nokuti ukadaro zvinogona kuita kuti kudzidzisa kwako kuwedzere kubudirira. Jehovha Mwari naJesu Kristu vakashandisa zvinhu zvinooneka, uye tinogona kudzidza kwavari. Zvinhu zvinooneka pazvinobatanidzwa neshoko rinotaurwa, pane pfungwa mbiri dzinenge dzogamuchira mashoko. Izvi zvingabatsira kubata pfungwa dzevateereri vako, zvosimbisa manzwisisiro avaita. Ungaisa sei zvinhu zvinooneka muhurukuro yako yemashoko akanaka? Ungava sei nechokwadi chokuti uri kuzvishandisa zvinobudirira?
Mashandisiro Akaita Mudzidzisi Mukuru Zvinhu Zvinooneka. Jehovha akashandisa zvinhu zvinooneka zviri nyore kuyeuka, kudzidzisa zvidzidzo zvinokosha. Rimwe zuva usiku akashevedza Abrahamu panze ndokuti: “Zvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga. . . . Ndizvo zvichaita vana vako.” (Gen. 15:5) Kunyange zvazvo zvakanga zvapikirwa zvaiita sezvisingaitiki pakuona kwomunhu, Abrahamu akaororwa akatenda muna Jehovha. Pane imwe nguva, Jehovha akatumira Jeremia kuimba yomuumbi ndokumuita kuti apinde maiumbirwa zvinhu nomuumbi kuti aone murume wacho achiumba. Ichocho chaiva chidzidzo chisingakanganwiki kwazvo chesimba roMusiki pavanhu! (Jer. 18:1-6) Uye Jona aizombokanganwa sei chidzidzo chengoni chaakadzidziswa naJehovha achishandisa muti womunyemba? (Jona 4:6-11) Jehovha akatoudza vaprofita kuti vaite zvokuratidza nezviito mashoko ouprofita vachishandisa zvinhu zvainge zvakakodzera. (1 Madz. 11:29-32; Jer. 27:1-8; Ezek. 4:1-17) Zvimwe zvinhu zvetebhenekeri netemberi, izvo pachazvo zviratidzo zvinotibatsira kunzwisisa zvinhu chaizvo zvokudenga. (VaH. 9:9, 23, 24) Mwari akashandisawo zvikuru zviratidzo kupa mashoko anokosha.—Ezek. 1:4-28; 8:2-18; Mab. 10:9-16; 16:9, 10; Zvak. 1:1.
Jesu akashandisa sei zvinhu zvinooneka? VaFarisi neboka revateveri vaHerodhi pavakaedza kumubata nokutaura kwake, Jesu akakumbira dhinari ndokuratidza mufananidzo waKesari waiva pamari iyi. Zvadaro, akatsanangura kuti zvinhu zvaKesari zvinofanira kudzorerwa kuna Kesari asi zvaMwari zvinofanira kudzorerwa kuna Mwari. (Mat. 22:19-21) Kudzidzisa chidzidzo chokukudza Mwari nezvose zvatinazvo, Jesu akaratidza chirikadzi murombo yaiva patemberi yaiva nomupiro—mari duku mbiri—inova ndiyo yaiva mari yayo yose yokurarama nayo. (Ruka 21:1-4) Pane imwe nguva akashandisa mwana muduku somuenzaniso wokuzvininipisa, kusada mbiri. (Mat. 18:2-6) Iyewo pachake akaratidza zvinorehwa nokuzvininipisa nokugeza tsoka dzevadzidzi vake.—Joh. 13:14.
Nzira Dzokushandisa Zvinhu Zvinooneka. Hatigoni kukurukura nokuonesa zviratidzo sezvinoita Jehovha. Asi mumabhuku eZvapupu zvaJehovha mune mifanikiso yakawanda inoita kuti vanhu vafunge. Ishandise kubatsira vanhu vanofarira kuona Paradhiso yepasi, yakapikirwa muShoko raMwari. Pachidzidzo cheBhaibheri chepaimba, ungaratidza mudzidzi mifanikiso ine chokuita nezvamuri kudzidza womukumbira kuti akuudze zvaari kuona. Zvinokurudzira kuziva kuti muprofita Amosi paakaratidzwa zvimwe zvinhu, Jehovha akabvunza kuti: “Amosi, unooneiko?” (Amo. 7:7, 8; 8:1, 2) Ungabvunza mibvunzo yakadaro sezvaunoita kuti vanhu vatarire mifanikiso yakagadzirirwa kubatsira pakudzidzisa.
Kana ukanyora masvomhu kana kuti ukashandisa chati inoratidza kutevedzana kwezviitiko zvinokosha, izvi zvingabatsira vanhu kunzwisisa nokukurumidza uprofita hwakadai sohwe“nguva nomwe” dziri pana Dhanieri 4:16 uye “vhiki dzina makumi manomwe” dziri pana Dhanieri 9:24. Zvinhu zvinooneka zvinobatsira zvakadaro zvirimo muakawanda emabhuku edu atinodzidza.
Pachidzidzo chenyu chemhuri, kukurukurwa kwezvinhu zvakadai setebhenekeri, temberi yaiva muJerusarema, uye temberi yakaratidzwa Ezekieri kunogona kuitwa kuti zvinzwisiswe nyore kana ukashandisa pikicha kana kuti chati. Izvi zvinogona kuwanikwa muInsight on the Scriptures, zvikamu zvekwokupedzisira kweNew World Translation of the Holy Scriptures—With References, uye dzimwe nyaya dzakasiyana-siyana dzeNharireyomurindi.
Paunenge uchiverenga Bhaibheri nemhuri yako, shandisa mepu. Tevera rwendo rwaAbrahamu kubva kuUri kuenda kuHarani uye kuBheteri. Ongorora nzira yakatorwa nevaIsraeri rudzi rwacho zvarwakabva Ijipiti ruchienda kuNyika Yakapikirwa. Tsvaka nzvimbo yakapiwa dzinza rimwe nerimwe revaIsraeri kuti ive nhaka yaro. Ongorora kukura kwakaita umambo hwaSoromoni. Tevera nzira yakashandiswa naEriya achitiza muJezreeri kusvikira apfuura gwenga riri mberi kweBheerishebha atyisidzirwa naJezebheri. (1 Madz. 18:46–19:4) Tsvaka maguta nemataundi kwakaparidzwa naJesu. Tevera nzendo dzaPauro, sezvinotaurwa mubhuku raMabasa.
Zvinhu zvinooneka zvinobatsira paunenge uchiita kuti mudzidzi weBhaibheri ajairane nokushanda kunoita ungano. Ungaratidza mudzidzi wako purogiramu wotsanangura rudzi rwemashoko atinokurukura pamagungano nekokorodzano. Vazhinji vakaororwa nokutenderedzwa vachiratidzwa Imba yoUmambo kana kuti kuratidzwa hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha. Iyi ingava nzira inobudirira yokururamisa pfungwa dzenhema pamusoro pebasa redu nezvinangwa zvaro. Pakutenderedza munhu uchimuratidza Imba yoUmambo, muratidze kuti yakasiyana sei nedzimwe nzvimbo dzokunamatira. Ratidza kuti Imba yoUmambo inzvimbo isiri yemaoresa yokudzidzira. Muudze zvinhu zvakagadzirirwa basa redu roushumiri kuvanhu vose—nzvimbo dzinotorerwa mabhuku, mepu dzendima, uye mabhokisi omupiro (akasiyana nendiro dzinofambiswa).
Kana une mavhidhiyo akagadzirwa mukutarisira kweDare Rinodzora, ashandise kuvaka chivimbo muBhaibheri, kuita kuti vadzidzi vajairane nebasa reZvapupu zvaJehovha, uye kukurudzira vanoiona kurarama maererano nenhungamiro yeBhaibheri.
Kushandisa Zvinhu Zvinooneka Paboka Guru. Kana zvikanyatsogadzirirwa uye zvikaratidzwa nounyanzvi, zvinhu izvi zvinogona kubatsira kudzidzisa mapoka makuru. Zvinhu zvakadaro zvinowanikwa zvakasiyana-siyana kubva kumuranda akatendeka, akangwara.
Zvidzidzo zvomuNharireyomurindi zvinowanzosanganisira mapikicha anogona kushandiswa nomuitisi kusimbisa pfungwa dzinokosha. Izvi ndizvo zvakaitawo mabhuku anoshandiswa paZvidzidzo Zvebhuku Zveungano.
Dzimwe hurukuro dzavose dzingatoratidza dzoga kuti zvinganaka kushandisa zvinhu zvinooneka kufananidzira dzimwe pfungwa. Zvisinei, rubatsiro rukuru runobva pakuratidza zviri muBhaibheri, rinenge rine vateereri vakawanda mumaoko avo. Kana, pane imwe nguva pikicha kana kuti kurondedzera pfungwa huru kuchidikanwa kujekesa pfungwa imwe kana dzakati wandei dzehurukuro, fanoongorora, uone kuti chauchashandisa chinoonekwa zvakajeka (kana kuti kuverengeka) nomunhu anenge ari kumashure-shure here. Zvinhu zvakadaro hazvidi kuzonyanya kushandiswa.
Chinangwa chedu chokushandisa zvinhu izvi pakutaura nokudzidzisa hachisi chokuvaraidza vanhu. Chinhu chinooneka chakanaka pachinoshandiswa, chinofanira kusimbisa nokuona, pfungwa dzinofanira kukosheswa kupfuura dzimwe. Zvinhu zvakadaro zvinoshanda pazvinobatsira kujekesa shoko rataurwa, zvichiita kuti zvive nyore kunzwisisa, kana kuti pazvinopa uchapupu hwakasimba hwokutsigira zvataurwa. Kana zvikashandiswa zvakanaka, zviya zvakakodzera zvingaita kuti zvinodzidziswa uye pfungwa yomurayiridzo zviyeukwe kwemakore akawanda.
Mano okunzwa nokuona, ose anokosha pakudzidza. Yeuka kuti unyanzvi uhwu hwakashandiswa sei neVadzidzisi vakuru, woedza kuvatevedzera mukuedza kwako kudzidzisa vamwe.