RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 31 p. 190-p. 193 ndim. 2
  • Vamwe Varemekedzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vamwe Varemekedzwa
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Mifananidzo Inobva Muzvinhu Zvinozivikanwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kushandisa Zvinobudirira Zvinhu Zvinooneka
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ndinogona Sei Kuita Kuti Vamwe Vandiremekedze?
    Mukai!—1992
  • Ratidza Kuti Unoremekedza Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 31 p. 190-p. 193 ndim. 2

CHIDZIDZO 31

Vamwe Varemekedzwa

Unofanira kuitei?

Iva nehanya nevamwe, uchivakudza.

Nei zvichikosha?

Kuremekedza vamwe chinhu chinodiwa kumuKristu chinoita kuti vamwe vade kugamuchira zvaunovaudza zvinobva muBhaibheri.

MAGWARO anotiudza kuti “Kudzai vanhu vose,” uye kuti tisa“taure zvakaipa pamusoro pomunhu upi noupi.” (1 Pet. 2:17; Tito 3:2) Ichokwadi kuti vanhu vose vatinosangana navo “vanhu vakavapo ‘vakafanana naMwari.’” (Jak. 3:9) Munhu wose akafirwa naKristu. (Joh. 3:16) Uye vose vakakodzerwa nokunzwa mashoko akanaka kuti vaite chimwe chinhu nawo vozoponeswa. (2 Pet. 3:9) Vamwe vanhu vane unhu kana kuti chiremera chinoita kuti vakodzerwe norukudzo rukuru.

Nei vamwe vangaedza kuzvipembedza kuti vasaratidza ruremekedzo runokurudzirwa neBhaibheri? Tsika dzomunzvimbo iyoyo dzingasarudza kuti ndiani akakodzerwa nokukudzwa maererano nechinzvimbo chake, rudzi, kuti munhurume kana kuti munhukadzi, utano, zera, upfumi, kana kuti zvaari munzanga. Uori hwakapararira pavakuru vakuru vehurumende hwakabvisa kuremekedza chiremera. Mune dzimwe nyika vanhu havatombogutsikani nezvavari muupenyu, zvimwe vanoshanda maawa akawanda kuti vangowana zvishomanana chete, uye vakapoteredzwa nevanhu vasingaremekedzi. Pwere dzinonzwa dzichida kuita zviri kuitwa nevezera radzo zvokupandukira vadzidzisi vasingafarirwi, uye vamwe vanhu vane chiremera. Zhinji dzinofurirwa neterevhizheni inoratidza vana vanozviita vakangwara vachitonga vabereki vavo. Zvinotoda kushanda nesimba chaiko kuita kuti kufunga kwenyama kwakadaro kurege kuchinja kuremekedza kwedu vamwe. Asi patinoremekedza vanhu, izvi zvinoita kuti kukurukurirana kuve nyore zvikuru.

Kusvika Kunoratidza Kuremekedza. Munhu ari kuita basa rechitendero anotarisirwa kuratidza kuremekedza nokupfeka kwake uye kuita zvinhu nenzira yakakodzera. Dzinonzi tsika dzakakodzera dzinosiyana nzvimbo nenzvimbo. Vamwe vanoti kusvika pane munhu wakapfeka ngowani kana kuti ruoko ruri muhomwe kuzvidza. Mune dzimwe nzvimbo, vamwe vanogamuchira tsika idzodzo. Funga nezvezvinogamuchirwa munzvimbo iyoyo kuti usavagumbura. Kuita izvozvo kungakubatsira kusava nezvinokutadzisa kuzivisa mashoko akanaka zvinobudirira.

Izvi zvinoshandawo pamakwazisiro atinoita vamwe, kunyanya vaya vakura. Zvinowanzoonekwa sokusaremekedza kuti pwere ishevedze munhu mukuru nezita rake rokutanga kutoti pwere yacho yawana mvumo yokudaro. Mune dzimwe nzvimbo vakuru vanotarisirwawo kusashevedza vanhu vavasingazivi nezita ravo rokutanga. Uyewo, mitauro yakawanda inoshandisa chisazita chouzhinji pashoko rokuti “iwe” kana imwe nzira kuratidza kuremekedza mumwe munhu mukuru kana ane chiremera.

Kubvuma Kwokuremekedza. Munzanga duku zvinotarisirwa kuti ucharatidza kuti munhu waunosangana naye paunenge uchifamba mumugwagwa kana pakupinda mumba, wamuona. Izvi zvinoitwa nokungokwazisa, kunyemwerera, kugutsurira musoro, kana kungosimudza zvikope. Kusava nehanya nomumwe munhu kunoonekwa sokusaremekedza.

Zvisinei, vamwe vanganzwa sokuti vazvidzwa kunyange ukaratidza kuti wavaona. Sei vachidaro? Pamusana pemanzwisisiro avo okuti hauna kuvaona somunhu. Hazvisi zvitsva kuti vanhu vaiswe muzvinzvimbo zvavo zvakavakodzera pamusana pezvavari. Vanhu vane urema nezvinetso zvoutano vanowanzosiyiwa. Asi Shoko raMwari rinotiratidza maonero atingaita vanhu vakadaro norudo uye ruremekedzo. (Mat. 8:2, 3) Chivi chaAdhamu chatakaberekwa nacho chinotinetsa tose. Waizoona sounoremekedzwa here kudai vamwe vaingogara vachitaura nezvezvaunokanganisa? Hawaizoda kutaurwa nezvezvakanaka zvakawanda zvaunoita here?

Kuremekedza kunorevawo kuziva musoro. Mune dzimwe nzvimbo zvakafanira kutaura nomusoro wemhuri usati waparidzira vamwe vari mumhuri yacho. Kunyange zvazvo basa redu rokuparidza nokudzidzisa richibva kuna Jehovha, tinoziva kuti vabereki ndivo vakapiwa naMwari simba rokudzidzisa, kuranga, uye kutungamirira vana vavo. (VaEf. 6:1-4) Saka patinosvika pamba, kazhinji zvakanaka kutanga tataura nevabereki tisati takurukura nevana zvakanyanya.

Zera rinounzawo ruzivo rwoupenyu runofanira kuremekedzwa. (Jobho 32:6, 7) Kuziva izvi kwakabatsira imwe hanzvadzi yechiduku iri piyona muSri Lanka yakashanyira mumwe murume akanga akwegura. Pakutanga murume uyu akaramba kugamuchira hanzvadzi iyi, achiti: “Pwere yakaita sewe ingandidzidzisa Bhaibheri sei?” Asi yakapindura ichiti: “Chaizvoizvo, handina kuuya kuzokudzidzisai asi kuti ndizokuudzaiwo chimwe chinhu chandakadzidza chikandiita kuti ndifare kwazvo zvokuti ndinofanira kuudza vamwe.” Kupindura nokuremekedza kwapiyona wacho kwakaita kuti murume wacho afarire. “Saka ndiudze, wakadzidzei?” akabvunza kudaro. “Ndakadzidza kurarama nokusingaperi,” akapindurawo. Mukweguru uyu akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Havasi vanhu vose vakwegura vachataura kuti vanoda kuremekedzwa zvakadaro, asi vazhinji vachazvifarira.

Zvisinei, zvinobvira kuzonyanyisawo kuremekedza kwacho. Muzvitsuwa zvePacific nokune dzimwewo nzvimbo, kuremekedza uchishandisa tsika dzokukwazisa paunosvika pane mumwe musha kana kuti madzishe emadzinza kunogona kubatsira Zvapupu kuteererwa uye kuwana mukana wokutaura nemadzishe nevanhu vavanotonga. Asi kubata kumeso hakuna kufanira uye hakuna kukodzera. (Zvir. 29:5) Uyewo, mutauro ungasanganisira mashoko okuremekedza semataurirwo awo, asi kuremekedza kwechiKristu hakudi kuti kunyanyiswe.

Kukurukura Zvine Ruremekedzo. Bhaibheri rinotikurudzira kuti titaure chikonzero chetariro yedu “nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:15) Saka kunyange tingakwanisa kubudisa pachena zvakaipira maonero omumwe munhu, kuchenjera here kuita kudaro nenzira yokuzvidza? Hazvingavi nani here kuteerera nokushivirira, zvichida mubvunze kuti nei achinzwa sezvaanoita, zvadaro tofunga nezvemanzwiro ake sezvatinokurukura naye zviri muMagwaro?

Kuremekedza kwatinoita munhu watinokurukura naye tiri toga kunofanirawo kuonekwa patinokurukura nevateereri tiri pachikuva. Mukurukuri anoremekedza vateereri vake haazovatsoropodzi noutsinye kana kuita sezvinonzi ari kuvati: “Munogona kuita izvi dai maida henyu.” Kutaura kwakadaro kunongoodza mwoyo yevamwe. Zviri nani kuona vateereri seungano yevanhu vanoda Jehovha uye vanoda kumushumira! Tichitevedzera Jesu, tinofanira kunzwisisa patinobata nevaya vangave vasina kusimba pakunamata, vane ruzivo rushoma, kana kuti vanonoka kushandisa mazano eBhaibheri.

Vateereri vachazviona kuti mukurukuri ari kuvaremekedza kana akazvibatanidza sokuti ndiye anofanira kushandisa zvikuru Shoko raMwari. Saka kuchenjera kusagara tichishandisa chisazita chouzhinji “imi” pakuratidza kushanda kwemagwaro. Somuenzaniso, ona kusiyana kwomubvunzo wokuti “Muri kuita zvose zvamunogona here?” nemashoko okuti “Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kuita zvose zvandinogona here?’” Zviri kurehwa nemibvunzo iyi zvakafanana, asi wokutanga unoratidza kuti mukurukuri haasi kuzviisa munzvimbo yakafanana nevateereri vake. Wechipiri unokurudzira munhu mumwe nomumwe, kusanganisira iye mukurukuri, kuongorora zvaari uye zvaanovavarira.

Rega katsika kokuda kutaura zvinosetsa kungoita kuti vateereri vaseke chete. Izvi zvinobvisa chiremera cheshoko reBhaibheri. Ichokwadi kuti tinofanira kufara nebasa redu kuna Mwari. Pane zvatinofanira kukurukura pangatova nezvinosekesa. Asi kuita kuti nyaya dzinokosha dzive dzokusekesa kunoratidza kusaremekedza vateereri uye Mwari.

Maitiro edu, zvatiri, uye kutaura kwatinoita ngakuratidze nguva dzose kuti tinofanira kuona vamwe nemaonero atakadzidziswa naJehovha.

MAITIRWO AZVO

  • Ziva maonero anoita Jehovha vanhu.

  • Ratidza kuti unoziva kuti musoro ndiani, zera, uye chiremera.

  • Rega vanhu vataure zvavanofunga.

  • Nzwisisa vateereri vako.

BASA ROKUITA: Funga nezvomumwe munhu mukuru kana kuti muduku kwazvo kwauri. Funga nezvokuti waizosvika sei paari, zvaungataura kuti utange kukurukura naye, uye zvawaizoita kuratidza kuti zvechokwadi unomuremekedza uye zvaanotaura. Chiita zvawaronga.

Maratidziro andingaita kuremekedza kukuru

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe