RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 26 p. 170-p. 173 ndim. 4
  • Kukurukurwa Kwemashoko Zvinotevedzana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukurukurwa Kwemashoko Zvinotevedzana
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kugadzira Pepa Rehurukuro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kukudziridzwa Kunobvumirana Kwehurukuro
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Anorayiridza, Apiwa Zvakajeka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 26 p. 170-p. 173 ndim. 4

CHIDZIDZO 26

Kukurukurwa Kwemashoko Zvinotevedzana

Unofanira kuitei?

Ronga mashoko nenzira inoita kuti zvijeke kuti pfungwa dzacho dzakabatana sei uye kugumisa kwauchaita kana kuti chinangwa chauri kuedza kusvika.

Nei zvichikosha?

Kana mashoko akakurukurwa zvinotevedzana, zviri nyore kuti vateereri vanzwisise, vagamuchire, uye vayeuke.

MASHOKO asati arongwa zvinotevedzana, unofanira kuva nechinangwa mupfungwa. Chinangwa chako ndechokungoudza vamwe chete pamusoro penyaya—chitendero, pfungwa, unhu, mufambiro, kana kuti nzira youpenyu yakati here? Unotarisira kuratidza kuti imwe pfungwa ndeyechokwadi kana kuti ndeyenhema here? Uri kuvavarira kuti vanhu vanzwisise chimwe chinhu kana kuti unoda kuvakurudzira kuita chimwe chinhu here? Ungave uchizokurukura mashoko ako kumunhu mumwe chete kana kuti boka guru revateereri, kuti uzviite zvinobudirira unofanira kufunga nezvezvavanotoziva nezvenyaya yacho uye kuti vanofungei nezvayo. Kana waita izvi, ronga mashoko ako nenzira ichakubatsira kuita zvawakananga.

Nezvoushumiri hwaSauro (Pauro) muDhamasiko, Mabasa 9:22 inotaura kuti ai“shamisa zvikuru vaJudha vaigara muDhamasiko sezvaairatidza nenzira inonzwisisika kuti uyu ndiye Kristu.” Uchapupu hunonzwisisika ihwohwo hwaisanganisirei? Sezvinoratidzwa noushumiri hwaPauro gare gare muAndiyoki neTesaronika, pakutanga akataura nezvokuti vaJudha vaigamuchira Magwaro echiHebheru uye vaibvuma zvaaitaura nezvaMesiya. Zvadaro, Pauro akasarudza zvikamu zvaitaura nezvoupenyu noushumiri hwaMesiya muMagwaro iwayo. Akatora zvikamu izvozvo ndokuzvienzanisa nezvakaitika chaizvoizvo kuna Jesu. Pakupedzisira, akaratidza zvazvaireva zvaiva pachena, kuti, Jesu ndiye Kristu, kana kuti Mesiya. (Mab. 13:16-41; 17:2, 3) Kana newewo ukataura chokwadi cheBhaibheri zvinonzwisisika, chingava nesimba rinonyengetedza vamwe.

Kuronga Mharidzo Yacho. Mashoko anogona kurongwa nenzira dzakasiyana-siyana dzinonzwisisika. Kana zvichikubatsira, ungasanganisira nzira dzinopfuura imwe. Chimbofunga nezvezvaunogona kuita.

Kuronga maererano netumisoro. Izvi zvinosanganisira kuronga mashoko ako kuva zvikamu, chimwe nechimwe chinobatsira kujekesa chinangwa chako. Zvikamu zvacho zvingava pfungwa huru dzinokosha kuti chinangwa chako chinzwisiswe. Zvingava mashoko akajeka anotsigira kana kuti asingatsigiri chimwe chinhu. Dzimwe pfungwa, kunyange zvazvo dzakabatana nenyaya yacho, dzingawedzerwa kana kubviswa, zvichienderana nevateereri vako kana kuti chinangwa chako.

Ngatimbotarisai muenzaniso wokuronga uchishandisa tumisoro. Hurukuro pfupi pamusoro pezita raMwari ingasanganisira (1) nei zvichikosha kuziva Mwari nezita, (2) Mwari anonzi ani, uye (3) makudziro atingaita zita iroro.

Zvakawanda zvinogona kudzidzwa nezvokuronga mashoko uchishandisa tumisoro nokuongorora mabhuku akanyorwa no“muranda akatendeka, akangwara” kuti ashandiswe pazvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. (Mat. 24:45) Mabhuku aya anowanzosanganisira nyaya dzakati wandei, kana kuti tumisoro, tunogona kubatsira mudzidzi kuongorora chokwadi chinokosha cheBhaibheri. Mabhuku makuru anoshandisa tumisoro kukamura chitsauko chimwe nechimwe. Kamusoro kamwe nekamwe kanogadzirira mudzidzi mashoko anotevera uye kanotsigira musoro mukuru.

Zvinokonzera nezvinozoitika: Kukurukura uchishandisa zvikonzero nezvinozoitika imwe nzira yokukurukura mashoko nenzira yakarongeka.

Kana uchitaura neboka kana kuti munhu mumwe chete anofanira kunyatsofungisisa kuguma kwechimwe chinhu chaari kuita kana kuti chaanoda kuzoita, iyi inogona kuva nzira inobudirira zvikuru. Chitsauko 7 chaZvirevo chinopa muenzaniso wakanaka zvikuru weizvozvi. Chinotsanangura zvakajeka nezvejaya rakapusa “rakashayiwa njere” (chikonzero) rinodanana nehure rozorumwa nechokuchera (chakazoitika).—Zvir. 7:7.

Kuwedzera kusimbisa, ungasiyanisa zvakaipa zvinowira vaya vanokundikana kufamba munzira dzaJehovha nezvakanaka zvinowanikwa nevaya vanoteerera Jehovha. Achishandiswa nesimba raJehovha, Mosesi akasiyanisa saizvozvo paya paakataura kurudzi rwaIsraeri vasati vapinda muNyika Yakapikirwa.—Dheut., chitsa. 28.

Mune zvimwe zviitiko, zviri nani kutanga kukurukura kwako nokubudisa pachena chiitiko (chakazoitika) wozopa uchapupu hwezvakakonzera izvozvo (chikonzero). Izvi zvinowanzosanganisira kutaura dambudziko uye zvinorigadzirisa.

Dambudziko uye zvinorigadzirisa. Muushumiri hwomumunda, paunokurukura dambudziko riri kutyisa vazhinji woratidza kuti pane zvinorigadzirisa zvinogutsa, izvi zvingakurudzira munhu kuti ateerere. Dambudziko racho ringava riya raunototaura iwe kana kuti ringataurwa nomunhu wacho.

Dambudziko racho ringava rokuti vanhu vanokwegura vofa, kuwanda kwemhosva dzinoparwa, kana kuti kusaruramisira kwakapararira. Hapana zvakawanda zvinoda kutaurwa zvinoratidza kuti dambudziko rakadaro riripo, nokuti zviri pachena. Ingotanga nokuratidza dambudziko racho, zvadaro chipa mhinduro iri muBhaibheri.

Asi pane imwe nguva dambudziko racho ringatarisana nomunhu mumwe chete, richisanganisira zvinetso zvinotarisana nomubereki mumwe chete, kuora mwoyo pamusana pokurwara kwakanyanya, kana kuti kuomerwa kuri kutarisana nomunhu pamusana poutsinye hwomumwe munhu. Kuti ubatsire zvakanakisisa, unofanira kutanga nokunyatsoteerera. Bhaibheri rinopa mashoko anobatsira pamatambudziko ose aya. Asi rinofanira kushandiswa nokuchenjera. Kana mumwe munhu wacho achizobatsirwa zvechokwadi nokukurukurirana kwenyu, unofanira kutaura zvinhu zvinobatsira. Jekesa kana uri kutaura ruyamuro rwechigarire, rwenguva pfupi, kana kuti angatsungirira sei zvinhu zvisiri kuzochinja munyika ino. Nemamwe mashoko, iva nechokwadi chokuti ruyamuro runobva muMagwaro rwauri kupa rwakakwana kutsigira magumo enyaya yacho. Zvikasadaro zvaunoti ndizvo zvinopedza dambudziko racho zvingasambonzwisiswa nomunhu wacho.

Zvinotevedzana nenguva. Mamwe mashoko anongokurukurwa zvakanakisisa maererano nokufamba kwenguva. Somuenzaniso, mubhuku raEksodho, Matambudziko Gumi anotaurwa maererano nokutevedzana kwokuitika kwawo. Muna VaHebheru chitsauko 11, varume nevakadzi vokutenda vanotaurwa naPauro vanonyorwa zvichifambirana nenguva yokurarama kwavo.

Kana ukarondedzera zviitiko zvekare maererano nenguva yokuitika kwazvo, izvi zvingabatsira vateereri vako kunzwisisa maitikiro akaita zvimwe zvinhu. Izvi zvinoshandawo kunhau dzezvakaitika dzomuzuva ranhasi pamwe nezviitiko zvenguva inotaurwa muBhaibheri. Saka ungadaro uri kusanganisa mafungiro okufamba kwenguva uye zvinokonzera nezvinozoitika. Kana ukaronga kurondedzera zvinhu zvinoratidzwa neBhaibheri kuti zvichazoitika, kuzvikurukura maererano nenguva kungava ndiko kuri nyore kwazvo kuvateereri vako kuti vayeuke.

Kukurukura uchitevedza kufamba kwenguva hakurevi kuti unofanira kugara uchitangira pokutanga. Mune zvimwe zviitiko, zvingava zvinobatsira kutangira pakanga potsviriridza nyaya yauri kurondedzera. Somuenzaniso, kana uchirondedzera zvakaitika muupenyu, ungasarudza kutaura nezvenguva apo kuvimbika kwomumwe munhu kuna Mwari kwakaedzwa. Waita kuti vanhu vafarire nechikamu ichocho chokurondedzera, unogona kutaura uchitevera nguva yokuitika kwezvinhu zvakatungamirira kuna izvozvo.

Kushandisa Mashoko Akakodzera Chete. Hazvinei kuti unoronga sei mashoko ako, chenjerera kuti ushandise akakodzera chete. Musoro wehurukuro yako unofanira kukubatsira pakusarudza kwako. Unofanirawo kufunga nezvevachateerera. Pfungwa yakati ingava inokosha kune vamwe vateereri asi kune vamwe ingasadiwa. Unofanirawo kuva nechokwadi chokuti mashoko ako ose achabatsira kuti chinangwa chako chibude. Kana zvikasadaro hurukuro yako, kunyange zvazvo ingave ichinakidza, ingatadza kubatsira sezvainofanira kuita.

Pakutsvakurudza mashoko, ungawana mashoko akawanda anonakidza ane chokuita nehurukuro yako. Unofanira kushandisa akawanda sei? Kana ukapa vateereri zvakawandisa, ungakanganisa chinangwa chako. Pfungwa huru shomanana dzinonyatsokurukurwa dzichayeukwa zviri nyore pane pfungwa dzakawanda dzinokurukurwa uri kamuchacha kumhanya. Izvi hazvirevi kuti zvimwewo zvinofadza hazvifaniri kumbotaurwa. Asi ngazvirege kuputira chinangwa chako. Ona kuti mashoko akadaro akashandiswa sei nokungwarira muBhaibheri pana Mako 7:3, 4 uye pana Johani 4:1-3, 7-9.

Sezvaunobva pane imwe pfungwa uchienda pane imwe, rega kungoerekana wachinja zvokuti vateereri vako vanorasikirwa nokufambirana newe. Kuti pfungwa dzishande pamwe chete zvinobudirira, ungada kukochekedzanisa pfungwa imwe ichienda kune imwe. Zvinokochekedzanisa zvingava chikamu chemashoko kana kuti chirevo chakakwana chinoratidza ukama huripo papfungwa dzacho. Mumitauro yakawanda, zvibatanidzo zviri nyore kana kuti zvirevo zvingashandiswa kuratidza ukama hwepfungwa itsva neinoitangira.

Kushandisa mashoko akakodzera chete uchiaronga zvinonzwisisika, kuchakubatsira kuita chinangwa chako.

ZVIBVUNZE KUTI . . . .

  • Chinangwa changu ndechei?

  • Pfungwa huru dzose dzine chokuita nechinangwa ichocho zvakajeka here?

  • Pandasarudza mashoko angu ndafunga nezvezvinodiwa zvevateereri vangu here?

  • Ndaronga mashoko acho zvokuti pfungwa dzevateereri vangu dzinotungamirirwa kubva pane imwe pfungwa dzichienda kune imwe pasina mikaha yavasingagoni kuvhara nyore nyore here?

BASA ROKUITA: Zvawaverenga chidzidzo chino, dzokorora mashoko acho usinganyanyi kumhanya uchitaura mumwoyo zviri kurehwa nendima imwe neimwe. Ona kuti ndima imwe neimwe iri kuyamura sei pakuitwa kwechinangwa chechidzidzo chose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe