RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 11 p. 118-p. 120 ndim. 5
  • Ushamwari uye Kubudisa Manzwiro Aunoita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ushamwari uye Kubudisa Manzwiro Aunoita
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kuratidzira Mbavarira uye Ushamwari
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kufarira Vanhu Uye Kuvanzwira Tsitsi
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mirangariro Yakashata—Unogona Kuikurira Here?
    Mukai!—1992
  • Kuzvidzora Kwako Ngakuvepo Ndokupfachuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 11 p. 118-p. 120 ndim. 5

CHIDZIDZO 11

Ushamwari uye Kubudisa Manzwiro Aunoita

Unofanira kuitei?

Taura nenzira inobudisa manzwiro auri kuita uye zvinoenderana nezvauri kutaura.

Nei zvichikosha?

Zvinokosha kana uchizosvika pamwoyo yevari kuteerera.

MANZWIRO anoita munhu chinhu chinokosha muupenyu hwomunhu. Munhu paanoratidza manzwiro aari kuita, anobudisa zviri pamwoyo pake, kuti munhu akadini, kuti anonzwa sei nezvezvimwe zvinhu uye vanhu. Pamusana poutsinye hwavakamboitirwa—uye mune zvimwe zviitiko pamusana pokusiyana kwetsika—vanhu vazhinji vanovanza manzwiro avo. Asi Jehovha anotikurudzira kukudziridza unhu hwakanaka mumunhu womukati uye toratidza zvakakodzera zvatiri mukati.—VaR. 12:10; 1 VaT. 2:7, 8.

Patinotaura, mashoko atinoshandisa anganyatsoratidza manzwiro edu. Asi kana mashoko edu akasataurwa nemanzwiro anoenderana nawo, avo vanotinzwa vangasava nechokwadi nesu. Asi kana mashoko akataurwa nemanzwiro akakodzera, mashoko edu angava akanaka zvokuti achabaya mwoyo yevari kuteerera.

Kuratidza Ushamwari. Kunzwa kwoushamwari chinhu chinowanzofambidzana nokufunga vanhu. Saka patinotaura nezvounhu hwaJehovha hunoita kuti timude uye patinotaura nezvokunaka kwaJehovha, inzwi redu rinofanira kuratidza mufaro. (Isa. 63:7-9) Uye patinenge tichitaura nevanhu, matauriro edu anofanira kubudisa ushamwari hunokwezva.

Munhu ane maperembudzi anouya kuna Jesu okumbira kuti aporeswe. Fungidzira inzwi raJesu paanoti: “Ndinoda. Cheneswa.” (Mako 1:40, 41) Fungidzirazve zvinoitika sezvo mukadzi ave achibuda ropa kwemakore 12 anoenda kuna Jesu chinyararire nechokumashure obva abata mupendero wenguo yaJesu yokunze. Paanoziva kuti aonekwa, mukadzi wacho anobva angobuda pachena achidedera, owira patsoka dzaJesu, obva adura pamberi pevanhu vose zvamuita kuti abate nguo yake uye kuporeswa kwaaita. Funga nezvematauriro aJesu paanoti kwaari: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa; enda zvako norugare.” (Ruka 8:42-48) Ushamwari hwakaratidzwa naJesu muzviitiko izvozvo hunotibaya mwoyo nanhasi.

Patinonzwira vanhu tsitsi saJesu, uye patinoda kuvabatsira zvechokwadi, zvinoratidzwa nematauriro atinoita. Kutaura kwoushamwari kwakadaro ndokwechokwadi, kwete kwokunyepera. Kuva noushamwari kwedu kunogona kuita kuti vanhu vapindure zvakasiyana nezvavaizoita. Zvizhinji zvezvinhu zvatinotaura mubasa romumunda zvine chokuita noushamwari hworudzi urwu, zvikurukuru patinenge tichibatsirana kufunga, tichikurudzira, tichirayira uye tichinzwira tsitsi.

Kana uchifarira vamwe, zviratidze pachiso chako. Paunoratidzira mufaro, unokwezva vateereri vako sezvinoita moto pamanheru anotonhora. Kana chiso chako chisingaratidzi kuti une ushamwari, vateereri vako vangasava nechokwadi chokuti une hanya navo zvechokwadi. Kuva noushamwari hakugoni kupfekwa sechinhu chokuzvivanza nacho—kunofanira kuva kwechokwadi.

Ushamwari hunofanira kunzwikawo muinzwi rako. Kana rakaomarara, rakakasharara, zvingava zvakaoma kuratidza ushamwari pakutaura kwako. Asi nokufamba kwenguva uye nokuedza nomwoyo wose, ungazodaro. Chimwe chinhu chingabatsira tichireva pakutaura chaiko, kuyeuka kuti, kutaura kupfupi kunoita zvokudimburwa kunoita kuti zviome kuratidza ushamwari. Dzidzira kurebesa kunzwika kwezvinyaudzirwa zvakapfavirira zviri mumashoko. Izvi zvichabatsira kubudisa ushamwari mukutaura kwako.

Zvisinei, zvinotokosha zvikuru ndekwakanangidzirwa mashoko ako. Kana pfungwa dzako dziri pane vauri kukurukurira zvechokwadi, uye uchida nomwoyo wose kutaura chimwe chinhu chingavabatsira, manzwiro iwayo achabudiswa mumatauriro aunoita.

Kutaura kune upenyu kunoita kuti vanhu vamuke, asi kunzwira tsitsi kunodiwawo. Hazvina kukwana kuti tingonyengetedza pfungwa chete; asi tinofanirawo kuchinja mwoyo.

Kubudisa Mamwe Manzwiro Aunoita. Kunzwa kwakadai sokunetseka, kutya, uye kuora mwoyo kungaratidzwa nomunhu ari kushushikana. Tinofanira kugara tichifara nguva dzose muupenyu hwedu uye tinofanira kunzwa takasununguka kuratidza uyu mufaro patinenge tichitaura nevamwe. Asi kumwe kunzwa kunofanira kudzorwa. Hakupindirani nounhu hwechiKristu. (VaEf. 4:31, 32; VaF. 4:4) Manzwiro ose anogona kubudiswa nemashoko atinosarudza, inzwi redu, simba ratinoshandisa pakutaura, zvinenge zvakaita chiso chedu, uye kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri kwatinoita.

Bhaibheri rinotaura nezvemanzwiro akasiyana-siyana evanhu. Dzimwe nguva rinongotaura manzwiro acho chete. Pane dzimwe nguva rinorondedzera zvakaitika kana kuti kutora mashoko anoratidza manzwiro evanhu. Paunoverenga mashoko akadaro zvinonzwika, angava nezvaanoreva zvakasimba, pauri uye pane vari kuteerera, kana inzwi rako rikaratidza kunzwa ikoko. Kuti uite izvozvo unofanira kuzviisa muchinzvimbo chevauri kuverenga nezvavo. Zvisinei, hurukuro hausi mutambo womudariro, saka chenjerera kuti usanyanyise. Ita kuti ndima dzacho dzive noupenyu mupfungwa dzevari kuteerera.

Zvakakodzera Mashoko. Kufanana nokuratidza kuva nechido, ushamwari hwaunoisa pamashoko ako uye mamwe manzwiro aunoratidza anoenderana zvikuru nokuti uri kutaurei.

Vhura Mateu 11:28-30 uone zvainotaura. Zvadaro, chiverenga kutuka vanyori nevaFarisi kwaJesu, kwakanyorwa muchitsauko 23 chaMateu. Hatingambomufungidziri achitaura aya mashoko anorwadza okutuka akatonhora zvake asina kana upenyu.

Unofunga kuti kunzwa kwakadini kunodiwa parondedzero yakaita seiri pachitsauko 44 chaGenesi, Judha paitetererera munun’una wake Bhenjamini? Tarira manzwiro anobudiswa mundima 13, ndima 16 inoratidza manzwiro aJudha pamusoro pechikonzero chokutambura kwavo, uye kuti iye Josefa akaita sei, sezvinotaurwa pana Genesi 45:1.

Saka, tingave tichiverenga kana kuti kutaura, kuti tidaro zvinobudirira tinofanira kufunga zvinopfuura mashoko nepfungwa asiwo manzwiro anofanira kuenderana nazvo.

MARATIDZIRO ATINGAZVIITA

  • Pane kunyanyofunga nezvemashoko auri kushandisa, funga nezvechido chako chokubatsira vateereri vako.

  • Inzwi rako nokutarisika kwechiso chako zvinofanira kuratidza manzwiro anenge akakodzera mashoko ako.

  • Dzidza nokunyatsoongorora vamwe vanotaura zvine upenyu.

BASA ROKUITA: Verenga zvinonzwika zvikamu zveMagwaro anotevera, wodaro uchibudisa manzwiro akakodzera mashoko acho: Mateu 20:29-34; Ruka 15:11-32.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe