RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 5 p. 97-p. 100 ndim. 4
  • Kumbomira Kwakakodzera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kumbomira Kwakakodzera
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Inzwi uye Kutindika
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kuverenga Nomazvo
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • ʽZvishandise Kuti Urave Pamheneʼ
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Zano Rinovaka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 5 p. 97-p. 100 ndim. 4

CHIDZIDZO 5

Kumbomira Kwakakodzera

Unofanira kuitei?

Kumira chaiko kwakakodzera paunenge uchikurukura. Dzimwe nguva ungamira zvishomanana kana kuti kungoita kuti inzwi ridzikire wobva wanyarara. Kumbomira kwacho kwakakodzera kana kune chinangwa chinokosha.

Nei zvichikosha?

Kumbomira kwakakodzera, chinhu chinokosha pakutaura kunogona kunzwisiswa zviri nyore. Kumbomira kunoitawo kuti pfungwa dzinokosha dzibude pachena.

PAKUTAURA, kumbomira kunoitwa panzvimbo yakakodzera kunokosha. Izvi ndozvazviri kana uchipa hurukuro kana kuti kutaura nomumwe munhu. Pasina kumbomira kwakadaro, zvinotaurwa zvinganzwika sokungozavaza pane kuti zvive mashoko ane zvaanoreva. Kumbomira kwakakodzera kunobatsira kuita kuti zvauri kutaura zvijeke. Kunogonawo kushandiswa kuita kuti pfungwa dzako huru dzisakurumidze kukanganwika.

Ungasarudza sei paunofanira kumbomira? Kumbomira kwacho kunofanira kureba zvakadini?

Kumbomira Pane Nyora. Nyora dzomutauro dzazova chinhu chinokosha chomutauro unonyorwa. Dzingaratidza panogumira chirevo kana kuti mubvunzo. Mune mimwe mitauro dzinoshandiswa kuratidza mashoko akataurwa. Dzimwe nyora dzinoratidza kufambidzana kwechikamu chechirevo nezvimwe zvacho. Munhu anozviverengera anogona kuona nyora idzi. Asi paanoverengera vamwe kuti vanzwe, inzwi rake rinofanira kubudisa zviri kurehwa nechero nyora dziri pamashoko akanyorwa. (Kuti uwane mamwe mashoko, ona Chidzidzo 1, “Kuverenga Nomazvo.”) Kukundikana kumbomira pazvinenge zvichidiwa nenyora kuti udaro kungaita kuti zviomere vamwe kunzwisisa zvawaverenga kana kuti kungatovhiringidza zviri kurehwa nemashoko acho.

Kuwedzera panyora, mataurirwo anoitwa pfungwa muchirevo anobatsirawo kusarudza nzvimbo dzakakodzera kumbomira. Mumwe muimbi ane mukurumbira akamboti: “Handigoni kuridza manotsi kupfuura vanoridza piano vazhinji. Asi kumbomira pakati pemanotsi, ehe-e ipapo ndipo pane unyanzvi hwangu.” Ndizvo zvazviri nokutaura. Kushandisa kwako unyanzvi hwokumbomira kwakakodzera kuchawedzera runako uye zvinorehwa nemashoko ako akanyatsogadzirirwa.

Pakugadzirira kuverengera vanhu, zvingakubatsira kumaka mashoko acho auchaverenga. Isa kamutsetse kaduku kakamira panofanira kumbomirwa zvishomanana, zvimwe panongoda kuzeza. Isa mitsetse miviri yakamira panoda kumbomirwa kwenguva yakati. Kana ukawana kuti mamwe marongerwe emashoko anoti vhiringidzei kwauri uye unoramba uchingomira panzvimbo isiri iyo, maka nepenzura uchibatanidza mashoko ose anoumba chikamu chakaoma kuverenga. Zvadaro woverenga chikamu chacho kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira. Ndizvo zvinoita vakurukuri vazhinji vave noruzivo.

Kumbomira mukutaura kwezuva nezuva hakuwanzonetsi nokuti unoziva zvauri kuda kutaura. Zvisinei, kana une tsika yokumbomira kakati wandei pasinei nokuti pfungwa yacho inodei, kutaura kwako hakuzovi nesimba uye kunova kusina kujeka. Mazano okuti uvandudze anotaurwa muChidzidzo 4, “Kukurukura Uchitsetsenura.”

Kumbomira Kuti Uchinje Pfungwa. Kana uchichinja pane imwe pfungwa huru uchienda pane imwe, kumbomira kungapa mukana wokuti vateereri vambofunga, vagadzirire, vazive nezvokuchinja kuri kuitika, uye vanzwisise zvakajeka pfungwa iri kutevera. Chinhu chinokosha kwazvo kuti umbomira pakuchinja kubva pane imwe pfungwa uchienda kune imwe, sokukosha kwazvinoita kana wasvika pakona uchityaira uchibva mune mumwe mugwagwa uchipinda mune mumwe.

Chimwe chikonzero chinoita kuti vamwe vakurukuri vamhanye kubva pane imwe pfungwa vachienda kune imwe, vasingambomiri ndechokuti vanoedza kukurukura mashoko akawandisa. Kune vamwe, tsika iyoyo inoratidza matauriro avo ezuva nezuva. Pamwe vanhu vavanogara vanavo ndomatauriro avo. Asi izvozvo hazvigumi nokudzidzisa kunobudirira. Kana une chimwe chinhu chinokosha kuti chinzwiwe uye chiyeukwe, ipapo wana nguva yokuchitaura zvakajeka. Ziva kuti kumbomira kunokosha pakutaura kuya kunopa pfungwa zvakajeka.

Kana uchizopa hurukuro uchishandisa pepa rehurukuro, mashoko ako anofanira kurongwa zvokuti zviri pachena kuti uchamira papi pakati pepfungwa huru. Kana uchizoverenga hurukuro yokuverenga, maka nzvimbo dzinoratidza kuchinja kubva pane imwe pfungwa kuenda kune imwe.

Kumbomira kwokuchinja pfungwa kazhinji kwakati rebei pane kumbomira kwenyora dzomutauro—zvisinei hakuna kureba zvokuti kunoita kuti kukurukura kwacho kuve kwokunonoka chaiko. Kana kwakarebesa, kunopa pfungwa yokuti hauna kunyatsogadzirira uye uri kuedza kufunga kuti woti chii.

Kumbomira Kwokusimbisa. Kumbomira kwokusimbisa kunoita sokupererwa nemashoko, ndiko kuya kunotangira kana kuti kunotevera mashoko kana kuti mubvunzo wataurwa nesimba. Kumbomira kwakadaro kunoita kuti vateereri vawane mukana wokufunga zvataurwa, kana kuti kunovaita kuti vatarisire zvichatevera. Kumbomira uku hakuna kufanana. Sarudza kuti kwakakodzera kushandisa ndokupi. Asi yeuka kuti kumbomira kwokusimbisa kunofanira kungoitirwa mashoko anokosha zvechokwadi. Ukasadaro kukosha kwemashoko iwayo hakuzobudi.

Jesu paakaverenga Magwaro zvinonzwika ari musinagogi yeNazareta, akashandisa kumbomira zvinobudirira. Akatanga averenga basa rake mumupumburu womuprofita Isaya. Zvisinei, asati aratidza kushanda kwacho, akapeta mupumburu wacho, akaudzosera kumushumiri, akabva agara pasi. Zvadaro, maziso ose evaiva mutemberi akati ndee paari, iye akabva ati: “Nhasi rugwaro urwu rwamuchangobva kunzwa rwazadzika.”—Ruka 4:16-21.

Kumbomira Kana Zvichidiwa Nemamiriro Ezvinhu. Kumbodzongonyedzwa kunoda kuti umbomira pakutaura kwako. Ruzha rwemota dziri kupfuura kana kuti mwana ari kuchema zvingada kuti umbomira pakukurukurirana nomuridzi wemba wawasangana naye muushumiri hwomumunda. Kana patinenge takaungana pakava nechinovhiringidza chisina ruzha rwakakura, ungakwanisa kushevedzeresa woenderera mberi. Asi kana chiri kuvhiringidza chine ruzha uye chichipfuurira, unofanira kumbomira. Kunyange ukapfuurira vari kuteerera vanenge vasingachateereri. Saka shandisa kumbomira zvinobudirira, uchifunga nezvokubatsira vateereri vako kuti vayamurwe zvizere nezvinhu zvakanaka zvaunoda kuvaudza.

Kumbomira Kuti Uone Zvavanoita. Kunyange zvazvo ungave uchipa hurukuro isina kugadzirirwa kuti vateereri vapindure, zvinokosha kuita kuti vateereri varatidze zvavari kunzwa, kwete zvinonzwika, asi nepfungwa dzavo. Kana ukabvunza mibvunzo inofanira kuita kuti vateereri vako vafunge asi wokundikana kumbomira zvakakwana, kukosha kwemibvunzo yacho hakuzobatsiri.

Chokwadi, zvinokosha kumbomira kwete chete pakutaura uri pamberi pevanhu asiwo paunenge uchipupurira kune vamwe. Kunenge kuti vamwe vanhu havambomiri. Kana iroro riri dambudziko rako, edza nomwoyo wose kushandira pane uhwu unyanzvi hwokutaura. Uchavandudzika pakukurukurirana kwako nevamwe uye pakubudirira muushumiri hwako hwomumunda. Kumbomira, kanguva kokumbonyarara, uye zvakataurwa nomazvo pazvakanzi kunyarara kunombozorodza, kunosimbisa, kunorayira kuteererwa, uye kunopazve simba kunzeve.

Kukurukurirana kwezuva nezuva kutaurirana kwevanhu. Vamwe vangada kukuteerera kana iwe uchivateererawo uchiratidza kuti unofarira zvavanotaura. Izvi zvinoda kuti umbomira zvakaringana kuvapa mukana kuti vataurewo.

Muushumiri hwomumunda, kupupurira kwedu kunowanzobudirira pakunoitwa munzira yokukurukurirana. Kana makwazisana, Zvapupu zvakawanda zvinoona kuti zvinowanzobudirira kutaura zvazvafambira zvobva zvabvunza mubvunzo. Zvinombomira kuti zvipe munhu wacho mukana wokupindura, zvadaro zvotaura chimwe chinhu pane zvataurwa nomuridzi wemba. Pakukurukurirana kwacho, zvingapa wazviri kukurukurirana naye mikana inoverengeka yokutaurawo. Zvinoziva kuti zvingabatsira munhu zvikuru kana zvichiziva maonero ake panyaya iri kukurukurwa.—Zvir. 20:5.

Chokwadi havasi vanhu vose vachapindura mibvunzo nenzira yakanaka. Asi izvozvo hazvina kuita kuti Jesu arege kumira kwenguva yakaringanira kubvumira kunyange vashori kuti vapindure. (Mako 3:1-5) Kupa mumwe munhu mukana wokuti ataure kunomukurudzira kuti afunge, uye zvingamuita kuti agume ataura zviri mumwoyo wake. Kutaura zvazviri, chimwe chezvinangwa zvoushumiri hwedu kuita kuti vanhu vapindure nemwoyo yavo yose nokuvaudza nhau dzinokosha dziri muShoko raMwari dzavanofanira kuzvisarudzira padziri.—VaH. 4:12.

Zvechokwadi kumbomira zvakakodzera, patinenge tichikurukura tiri muushumiri, unyanzvi. Kana kumbomira kukashandiswa zvinobudirira, pfungwa dzichataurwa zvakajeka uye kazhinji kacho dzichayeukwa zvechigarire.

MAITIRWO AZVO

  • Nyatsotarisisa nyora paunoverenga zvinonzwika.

  • Nyatsoteerera vakurukuri vanokwanisa pavanenge vachikurukura, ona pavanomira uye kuti vanomira zvakareba sei.

  • Kana wataura chimwe chinhu chaunonyatsoda kuti vamwe vayeuke, imbomira kuti chidzike mumwoyo.

  • Pakutaurirana, kumbira vamwe kuti vataure zvavanofunga, zvadaro woteerera pavanopindura. Varege vapedze. Usapindire vasati vapedza.

BASA ROKUITA: Verenga Mako 9:1-13 zvinonzwika; mira zvakakodzera panyora dzirimo. Usanonoke pakuverenga kwacho. Kana wadzidzira, kumbira mumwe munhu kuti akuteerere okupa mazano kuti uvandudze pakumbomira kwako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe