RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gf chidzidzo 9 p. 15
  • Shamwari dzaMwari Ndivanaani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shamwari dzaMwari Ndivanaani?
  • Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Mamirioni Ezvisikwa Zvomudzimu
    Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
  • Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Kubetserwa Kwaunogona Kuitwa Nengirozi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
gf chidzidzo 9 p. 15

CHIDZIDZO 9

Shamwari dzaMwari Ndivanaani?

Mambo weUmambo hwaMwari, Jesu Kristu, pamwe chete nengirozi vachitungamirira basa rekuparidza

Jesu Kristu Mwanakomana waJehovha uye ishamwari yake yapedyo, yaanoda zvikuru. Asati ararama somunhu panyika, Jesu akararama kudenga sechisikwa chomudzimu chine simba. (Johani 17:5) Ipapo akabva auya pasi pano kuti adzidzise vanhu chokwadi pamusoro paMwari. (Johani 18:37) Akapawo upenyu hwake somunhu kuti aponese vanhu vanoteerera kubva muchivi norufu. (VaRoma 6:23) Jesu zvino ndiye Mambo woUmambo hwaMwari, hurumende yokudenga ichaunza Paradhiso panyika ino.—Zvakazarurwa 19:16.

Ngirozi ishamwari dzaMwari zvekare. Ngirozi hadzina kutanga upenyu hwadzo sevanhu panyika. Dzakasikwa mudenga Mwari asati asika nyika. (Jobho 38:4-7) Kune mamiriyoni engirozi. (Dhanieri 7:10) Idzi shamwari dzaMwari dzokudenga dzinoda kuti vanhu vadzidze chokwadi pamusoro paJehovha.—Zvakazarurwa 14:6, 7.

Zvapupu zvaJehovha zvichiparidzira mumwe mukadzi

Mwari ane shamwariwo dziri panyika; anodzidana kuti zvapupu zvake. Chapupu mudare chinotaura zvachinoziva nezvemumwe munhu kana chimwe chinhu. Zvapupu zvaJehovha zvinoudza vamwe zvazvinoziva nezvaJehovha uye zvinangwa zvake. (Isaya 43:10) Kufanana nengirozi, Zvapupu zvinoda kukubatsira kuti udzidze chokwadi pamusoro paJehovha. Zvinoda kuti iwe uvewo shamwari yaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe