RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gf chidzidzo 7 pp. 12-13
  • Kunyeverwa Nezvakamboitika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyeverwa Nezvakamboitika
  • Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Ndivanaani Vakapona Pakanaya Mvura Zhinji, Ndivanaani Vasina?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Areka yaNoa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • ‘Akachengetedzwa Pamwe Chete Nevamwe Vanomwe’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mvura Inoparadza Nyika—Zvichaitika Zvakare Here?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
gf chidzidzo 7 pp. 12-13

CHIDZIDZO 7

Kunyeverwa Nezvakamboitika

Jehovha haazobvumiri vanhu vakaipa kuti vaparadze Paradhiso. Shamwari dzake chete ndidzo dzichagara imomo. Chii chichaitika kuvanhu vakaipa? Kuti uzive mhinduro yacho, chimbofunga nezvenyaya yechokwadi yaNoa. Noa akararama zviuru zvemakore zvadarika. Akanga ari munhu akanaka aiedza nepaaigona napo kuita kuda kwaJehovha nguva dzose. Asi vamwe vanhu vakanga vari pasi pano vaiita zvakaipa. Saka Jehovha akaudza Noa kuti aizounza mafashamo kuti aparadze vanhu vose ivavo vakaipa. Akaudza Noa kuti avake areka kuitira kuti iye nemhuri yake varege kufa paizouya Mafashamo.—Genesi 6:9-18.

Kunyange vanhu vakaipa pavaiona Noa nemhuri yake vachipinza mhuka muareka, havana kuda kuteerera mashoko aaiparidza

Noa nemhuri yake vakavaka areka. Noa akanyevera vanhu kuti Mafashamo akanga achiuya, asi havana kumuteerera. Vakaramba vachiita zvinhu zvakaipa. Areka yapera, Noa akapinza mhuka muareka, uye iye nemhuri yake vakapindawo mukati. Ipapo Jehovha akaunza mvura zhinji. Mvura yakanaya kwemazuva 40 nousiku 40. Mvura yakafashamira pasi pose.—Genesi 7:7-12.

Vanhu vakaipa vakafa, asi Noa nemhuri yake vakapona. Jehovha akavaponesa pamafashamo vachipinda mupasi risina uipi. (Genesi 7:22, 23) Bhaibheri rinoti nguva iri kuuya zvekare apo Jehovha achaparadza vanoramba kuita zvakarurama. Vanhu vakanaka havazoparadzwi. Vachararama nokusingaperi mupasi rinenge rava Paradhiso.—2 Petro 2:5, 6, 9.

Nhasi vanhu vakawanda vanoita zvinhu zvakaipa. Nyika yakazara nezvinetso. Jehovha anoramba achituma Zvapupu zvake kuti zvinyevere vanhu, asi vakawanda havadi kuteerera mashoko aJehovha. Havadi kuchinja nzira dzavo. Havadi kubvuma zvinotaura Mwari pamusoro pezvakanaka nezvakaipa. Chii chichaitika kune vanhu ivava? Vachachinja rimwe zuva here? Vazhinji havazombochinji. Nguva iri kuuya apo vanhu vakaipa vachaparadzwa uye havazomborarami zvekare.—Pisarema 92:7.

Pasi harizoparadzwi; richaitwa paradhiso. Avo vanova shamwari dzaMwari vachararama nokusingaperi muParadhiso pasi pano.—Pisarema 37:29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe