RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gf chidzidzo 3 p. 5
  • Unofanira Kudzidza nezvaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kudzidza nezvaMwari
  • Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Unogona Kuva Shamwari yaJehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Mwari Anokukoka Kuti Uve Shamwari Yake
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mawanirwe Echitendero Chechokwadi
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mawaniro Aungaita Shamwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
gf chidzidzo 3 p. 5

CHIDZIDZO 3

Unofanira Kudzidza nezvaMwari

Kuti uve shamwari yaMwari, unofanira kudzidza nezvake. Shamwari dzako dzinoziva zita rako uye dzinorishandisa here? Dzinodaro. Mwari anoda kuti iwewo uzive uye ushandise zita rake. Zita raMwari ndiJehovha. (Pisarema 83:18; Mateu 6:9) Unofanirawo kudzidza zvaanoda nezvaasingadi. Unofanira kuziva kuti shamwari dzake ndivanaani uye kuti vavengi vake ndivanaani. Zvinotora nguva kuti usvike pakuziva mumwe munhu. Bhaibheri rinoti kuchenjera kutsaura nguva yokudzidza nezvaJehovha.—VaEfeso 5:15, 16.

Shamwari dzaMwari dzinoita zvinomufadza. Chimbofunga nezveshamwari dzako. Kana uchidziitira zvakaipa nokuita zvinhu zvadzinovenga, dzicharamba dziri shamwari dzako here? Chokwadika kwete! Saizvozvowo, kana uchida kuva shamwari yaMwari, unofanira kuita zvinomufadza.—Johani 4:24.

Mhuri yakamira pedyo negedhi yakatarisa vanhu vari kufamba mumugwagwa wakamanikana

Hazvisi zvitendero zvose zvinotungamirira kuushamwari naMwari. Jesu, uyo ari shamwari yaMwari yapedyo zvikuru, akataura nezvemigwagwa miviri. Mumwe mugwagwa muhombe uye wakazara navanhu. Mugwagwa iwoyo unotungamirira mukuparadzwa. Mumwe mugwagwa mutete uye une vanhu vashoma vari kufamba pauri. Mugwagwa iwoyo unotungamirira kuupenyu husingaperi. Izvi zvinoreva kuti kana uchida kuva noushamwari naMwari, unofanira kudzidza nzira yakarurama yokumunamata nayo.—Mateu 7:13, 14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe