RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rq chidzidzo 2 pp. 4-5
  • Mwari Ndiani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ndiani?
  • Mwari Anodei Kwatiri?
  • Mashoko Akafanana
  • Chokwadi nezvaJehovha naJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Mwari Ndiani?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Mwari Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kudza Jehovha Nokuti Ndiye Mwari Wechokwadi Bedzi
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Mwari Anodei Kwatiri?
rq chidzidzo 2 pp. 4-5

Chidzidzo 2

Mwari Ndiani?

Mwari wechokwadi ndiani, uye zita rake ndiani? (1, 2)

Ane muviri worudzii? (3)

Ndeapi ari mavara ake akatanhamara? (4)

Tingashandisa here mifananidzo nezviratidzo mukumunamata kwedu? (5)

Inzirai mbiri dzatinogona kudzidza nadzo pamusoro paMwari? (6)

1. Vanhu vanonamata zvinhu zvizhinji. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti kunongova naMwari mumwe bedzi WECHOKWADI. Akasika chinhu chiri chose mudenga napasi. Nemhaka yokuti akatipa upenyu, Ndiye bedzi watinofanira kunamata.—1 VaKorinte 8:5, 6; Zvakazarurwa 4:11.

2. Mwari ane mazita mazhinji okuremekedza asi ane zita rimwe bedzi. Zita iroro ndiJEHOVHA. MumaBhaibheri mazhinjisa, zita raMwari rakabviswa ndokutsiviwa namazita okuremekedza okuti ISHE kana kuti MWARI. Asi apo Bhaibheri rakanyorwa, zita rokuti Jehovha raioneka mariri kane 7 000!—Eksodho 3:15; Pisarema 83:18.

3. Jehovha ane muviri, asi hauna kufanana nowedu. “Mwari Mudzimu,” rinodaro Bhaibheri. (Johane 4:24, NW) Mudzimu chimiro choupenyu icho chakakwirira zvikuru kwazvo kupfuura chedu. Hapana munhu akamboona Mwari. Jehovha anogara mudenga, asi anogona kuona zvinhu zvose. (Pisarema 11:4, 5; Johane 1:18) Chii, zvisinei, chiri mudzimu mutsvene? Hausi munhu akafanana naMwari. Panzvimbo pezvo, isimba raMwari rinobata basa.—Pisarema 104:30.

4. Bhaibheri rinotiwadzanyurira unhu hwaJehovha. Rinoratidza kuti mavara ake akatanhamara rudo, ruramisiro, uchenjeri, uye simba. (Dheuteronomio 32:4; Jobho 12:13; Isaya 40:26; 1 Johane 4:8) Bhaibheri rinotiudza kuti anewo ngoni, mutsa, anokanganwira, ane rupo, uye anoshivirira. Isu, kufanana navana vanoteerera, tinofanira kuedza kumutevedzera.—VaEfeso 5:1, 2.

5. Tinofanira kukotamira kana kuti kunyengetera kuzvifananidzo, mifananidzo, kana kuti zviratidzo mukunamata kwedu here? Aiwa! (Eksodho 20:4, 5) Jehovha anotaura kuti tinofanira kunamata iye bedzi. Haasati achizogoverana mbiri yake nomunhu upi noupi kana kuti chimwe chinhu chipi nechipiwo zvacho. Zvifananidzo hazvina simba rokutibetsera.—Pisarema 115:4-8; Isaya 42:8.

6. Tinogona sei kusvika pakuziva Mwari zviri nani? Imwe nzira iri kupfurikidza nokucherekedza zvinhu zvaakasika ndokufunga zvikuru pamusoro peizvo zvinotiudza. Zvisiko zvaMwari zvinotiratidza kuti ane simba guru nouchenjeri. Tinoona rudo rwake muzvose zvaakaita. (Pisarema 19:1-6; VaRoma 1:20) Imwe nzira yatinogona kudzidza nayo pamusoro paMwari iri kupfurikidza nokufunda Bhaibheri. Mariri anotiudza zvakawanda zvikuru pamusoro porudzi rwaMwari rwaari. Anotiudzawo pamusoro pechinangwa chake neizvo anoda kuti tiite.—Amosi 3:7; 2 Timotio 3:16, 17.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Tinodzidza pamusoro paMwari muchisiko uye muBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe