RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv p. 5
  • Sumo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sumo
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv p. 5

Sumo

Zvapupu zvaJehovha vanhu vanozivikanwa zvikuru. Kuparidza kwazvo nemanamatire zvakapinda mumapoka amarudzi namadzinza munyika yose uye zvakagamuchirwa navanhu vaduku navakuru, pamwero uri wose wezvemari newedzidzo. Shingairo yazvo savazivisi voUmambo hwaMwari yakaorora kunyange vatsoropodzi vazvo. Kudanana kwazvo kunoita kuti vamwe vasiri Zvapupu vashuve kuti vanhu vakawanda vaite nenzira iyoyo.

Bva, vazhinji vachiri kushamisika kuti, ‘Ndivanaani chaizvoizvo vari Zvapupu zvaJehovha?’ Vamwe vakanyora pamusoro pazvo, pane dzimwe nguva nenzira yokusarura. Zvimwe vakanga vasingazivi maidi ose. Zvirokwazvo, hakuna munhu anoziva nhau yazvo yomuzuva razvino zviri nani zvikuru kupfuura zvazvinoita izvo zvimene. Vapepeti vevhoriyamu ino vakaedza kuva vasina kwavakarerekera ndokupa nhau yakajeka. Kuna vose vanoziva izvo Bhaibheri rinofanotaura nokuda kwamazuva okupedzisira, iyi nhau yavanhu vanodavira zvikuru uye vanoparidza izvo Bhaibheri rinotaura icharayiridza zvikuru.

Vabudisi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe