Chikamu 7
Kuronga Misi Yokuvhakacha, Rudo, Uye Vemitezo Yakasiana
Iwe wakavamba kucherechedza mutezo wakasiana—zvimwe mumwe munhu zvikurukuru. Kunzwa kutsva nokunyanduka zvinoyerera mumuviri mako. Asika chii chaizvoizvo chauri kunzwa? Rudo here—rudzi rwuya rwunogara nokusingaperi—kana chimwe chinhuwo zvacho? Asika chii chaizvoizvo chaunofanira kuita pamusoro pokunzwa ikoko? Zvino ngatinzverei dzimwe mhinduro dzine mufungo dzemibvunzo yako pamusoro penyaya yorudo.