Chikamu 6
Vatano Netsika
Pasina panikiro pwere zhinji dzichatendeukira kune ichi chikamu chebhuku pakutanga. Neiko? Nokuti hapana nyaya inomutsa mibvunzo mizhinji nokuitirana nharo kukuru—nenyongano—sevatano netsika. Zvisinei, tsika dzinomonzvera zvikuru kupinda vatano. Somuenzaniso, unogona here kuidza pwere inoreva nhema neinonyengedza kuti ine tsika? Kana kune migariro here umo nyengedzo iri yakanaka? Sezvineiwo, Bhaibheri rinotipa nhungamiro dzakananga nedzinoshanda pamusoro penhau dzetsika.