RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 396-400
  • Vakadzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakadzi
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Murume Nomukadzi—Mumwe Nomumwe Ane Basa Rinokudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kufukidza Musoro Kunoitwa Riini Uye Kuchiitirwei?
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Sei Vakadzi Vachifanira Kuzviisa Pasi Pemisoro Yavo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 396-400

Vakadzi

Tsanangudzo: Vanhukadzi vabva zera. Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti mukadzi ndi’ish·shahʹ, rinoreva “munhukadzi.”

Bhaibheri rinoderedza vakadzi kana kuti rinovaita sokunge kuti vanhu vasingakoshi here?

Gen. 2:18: “Jehovha Mwari akati: ‘Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari oga. Ndichamuitira mubatsiri, kuti ave mukwanisi wake.’” (Pano murume haatsanangurwi naMwari somunhu ari nani kupfuura mukadzi. Asi Mwari akaratidza kuti mukadzi aizova nounhu hwaizozadzisa hwomurume muurongwa hwaMwari. Shoko rokuti mukwanisi rinoreva mumwe wezvikamu zviviri zvinoita kuti chimwe chinhu chive chakakwana. Saka vakadzi seboka vane zvimwe zvavanonyatsokwanisa uye varume vane zvavowo. Enzanisa na1 VaKorinde 11:11, 12.)

Gen. 3:16: “Kumukadzi [Mwari] akati: ‘ . . . uchapanga murume wako, uye achakutonga.’” (Mashoko aya akataurwa pashure pokunge Adhamu naEvha vatadza akanga asiri mashoko ezvinofanira kuitwa nevarume asi ezvaifanozivikanwa naJehovha kuti vaizoita sezvo panguva iyi vanhu vakanga vava noudyire. Nhoroondo dzinoverengeka dzeBhaibheri dzakazoitika dzinoratidza zvinhu zvisingafadzi zvakazotanga pamusana poudzvinyiriri hwakadaro hwevarume. Asi Bhaibheri haritauri kuti Mwari anofarira zvinhu zvakadaro kana kuti vamwe vanofanira kuzvitevedzerawo.)

Kunzi murume ndiye musoro kunoderedza vakadzi here?

Kutungamirirwa hazvirevi kuderedzwa. Nyaya yokuva musoro inoita kuti zvinhu zviitwe nenzira chaiyo, uye Jehovha “haasi Mwari wenyonganyonga, asi worugare.” (1 VaK. 14:33) Jesu Kristu ari pasi paJehovha Mwari, uye anogutsikana zvikuru nazvo.—Joh. 5:19, 20; 8:29; 1 VaK. 15:27, 28.

Murume anopiwawo nzvimbo ine mwero yokuva musoro, kunyanya mumhuri uye muungano yechiKristu. Mwari haana kupa murume simba rose rokutonga mukadzi; murume anofanira kuzvidavirira kumusoro wake, Jesu Kristu, uye kuna Mwari pakushandisa kwaanoita umusoro hwakadaro. (1 VaK. 11:3) Uyezve, varume vanorayirwa kuti vanofanira “kuda madzimai avo semiviri yavo” uye ‘kukudza’ madzimai avo. (VaEf. 5:28; 1 Pet. 3:7) Muurongwa hwaMwari hwevanhu vakaroorana, zvinodiwa nomurume panyaya dzezvepabonde hazvikosheswi kupfuura zvomudzimai wake. (1 VaK. 7:3, 4) Sezvinotaurwa muBhaibheri, basa romudzimai anokwanisa rinoratidza kukosha kwake mumhuri uye kune vamwe vanhu. Rinomubvumira kuita zvakawanda nenzira yaanoda asi achiratidza kuti anonzwisisa kuti murume wake ndiye musoro. (Zvir. 31:10-31) Bhaibheri rinorayira vana kuti vasangokudza baba vavo chete asiwo amai vavo. (VaEf. 6:1-3) Rinotaurawo nezvokutarisira chirikadzi. (Jak. 1:27) Saka pavaKristu vechokwadi, vakadzi vanogona kunzwa vakachengeteka zvikuru, vanonzwa vachigutsikana nokuva zvavari uye nezvavanoita somunhu mumwe nomumwe.

Chiremerera chenzvimbo yevakadzi muurongwa hwaMwari chinoratidzwawo nechokwadi chokuti Jehovha anotaura nezvesangano rake rezvisikwa zvomudzimu zvakatendeka somukadzi, mudzimai wake, amai vevanakomana vake. (Zvak. 12:1; VaG. 4:26) Uyewo, ungano yaJesu Kristu yevakazodzwa nomudzimu inotaurwa nezvayo somwenga wake. (Zvak. 19:7; 21:2, 9) Panyaya yezvokunamata, hapana musiyano pakati pevanhurume nevanhukadzi pane vaya vanodanwa kuti vatonge naKristu muUmambo hwokudenga.—VaG. 3:26-28.

Vakadzi vanofanira kuva vashumiri here?

MuBhaibheri varume ndivo vanopiwa basa rokutarisira ungano. Vaapostora vaJesu Kristu vose vari 12 vaiva varume, uye vaya vakazosarudzwa pava paya kuti vave vatariri uye vashumiri vanoshumira muungano dzechiKristu vaiva varume. (Mat. 10:1-4; 1 Tim. 3:2, 12) Vakadzi vanorayirwa kuti ‘vadzidze vakanyarara vachizviisa pasi zvizere’ pamisangano yeungano, pakuti havabvunzi mibvunzo inoita sokuti vava kuda kutora nzvimbo yevarume. Vakadzi ‘havafaniri kutaura’ pamisangano yakadaro kana zvavanenge vachida kutaura zvichizoratidza kusazviisa pasi. (1 Tim. 2:11, 12; 1 VaK. 14:33, 34) Saka, kunyange zvazvo vakadzi vaine zvavanoita zvinokosha muungano, hapana urongwa hwokuti vatungamirire pakudzidzisa ungano kana varume vakakodzera varipo.

Asi vakadzi vangava vaparidzi, vazivisi, vashumiri vemashoko akanaka here pasiri pamisangano yeungano? PaPendekosti ya33 C.E. mudzimu mutsvene wakadururwa pana vose varume nevakadzi. Achitsanangura, muapostora Petro akatora mashoko ari pana Joeri 2:28, 29, anoti: “‘Nemazuva okupedzisira,’ Mwari anodaro, ‘ndichadurura mumwe mudzimu wangu pavanhu vemarudzi ose, vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita uye majaya enyu achaona zviratidzo uye vakwegura venyu vacharota hope; ndichadurura mumwe womudzimu wangu mumazuva iwayo kunyange pavarandarume vangu nevarandakadzi vangu, uye ivo vachaprofita.’” (Mab. 2:17, 18) Saizvozvowo nhasi, vakadzi vanonyatsoitawo ushumiri hwechiKristu, vachiparidza paimba neimba uye vachiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha.—Onawo Pisarema 68:11; VaFiripi 4:2, 3.

Nei pane dzimwe nguva vakadzi vechiKristu vachipfeka chifukidziro chomusoro?

1 VaK. 11:3-10: “Musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari. . . . Mukadzi wose anonyengetera kana anoprofita musoro wake usina kufukidzwa anonyadzisa musoro wake . . . Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro wake, zvaari mufananidzo nokukudzwa kwaMwari; asi mukadzi kukudzwa kwomurume. Nokuti murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume; uyezve, murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi akasikirwa murume. Ndokusaka mukadzi achifanira kuva nechiratidzo chesimba mumusoro make nokuda kwengirozi.” (Mukadzi wechiKristu paanopfeka chifukidziro chomusoro panguva dzakakodzera, izvi zvinoratidza kuti anoremekedza urongwa hwoumusoro hwakatangwa naMwari. Kristu anoremekedza urongwa hwaMwari hwoumusoro; murume nomukadzi vanosungirwawo kudaro. Murume wokutanga Adhamu haana kuzvarwa nomukadzi asi akasikwa naMwari. Paaisika Evha, Mwari akashandisa mbabvu yakabva pana Adhamu, uye Mwari akati Evha aizova mubatsiri waAdhamu. Saka murume ndiye akanzi ndiye musoro nokuti ndiye akatanga kusikwa. Murume haapfeki chifukidziro chomusoro paanenge ‘achinyengetera kana kuti kuprofita’ nokuti panyaya youmusoro, murume ‘mufananidzo waMwari,’ zvaasina musoro uri panyika pano mumhuri yake. Zvisinei, kungava kusaremekedza nzvimbo yakapiwa murume naMwari uye kumunyadzisa kuti mukadzi ‘anyengetere kana kuti kuprofita’asina chifukidziro chomusoro. Kunyange ngirozi idzo dziri nhengo dzesangano rokudenga romudzimai waJehovha dzinoona “chiratidzo chesimba” chinopfekwa nevakadzi vechiKristu vakatendeka uye dzinoyeuchidzwa nezvokuzviisa pasi paJehovha kwadzinoita.)

Ndepapi pazvakakodzera kuti mukadzi apfeke chifukidziro chomusoro?

Paanenge ‘achinyengetera kana kuti achiprofita,’ sezviri pana 1 VaKorinde 11:5. Izvi hazvirevi kuti anofanira kupfeka chifukidziro chomusoro paanenge achinyengetera ari oga kana kuti paanenge achitaura nevamwe nezvouprofita hweBhaibheri. Zvisinei, anofanira kupfeka chifukidziro chomusoro sechiratidzo chokuremekedza umusoro hwemurume paanenge achiita zvinhu zvine chokuita nokunamata zvaifanira kunge zvichiitwa nomurume wake kana kuti nomumwe munhu wechirume. Kana achizvinyengeterera iye nevamwe zvinonzwika kana kuti achiitisa chidzidzo cheBhaibheri chakarongwa murume wake aripo, anenge ari kudzidzisa saka anofanira kupfeka chifukidziro chomusoro kunyange murume wacho asinganamatiwo. Asi sezvo Mwari achimubvumira kuti adzidzise vana vake, haafaniri hake kupfeka chifukidziro chomusoro paanenge achinyengetera kana kuti achidzidzisa vana vake vasina kubhabhatidzwa murume wake paanenge asipo. Pazvinoitika kuti munhurume akazvitsaurira womuungano aripo kana kuti mukadzi uyu ari kufamba nomutariri anofambira, pakadaro, paanoitisa chidzidzo cheBhaibheri chakarongwa, anofanira kufukidza musoro wake, asi munhurume wacho ndiye anofanira kunyengetera.

Zvakakodzera here kuti vakadzi vapodepode kana kuti vapfeke zvishongo?

1 Pet. 3:3, 4: “Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka bvudzi uye kwokupfeka zvishongo zvendarama kana kwokupfeka nguo dzokunze, asi ngakuve munhu akavanzika womwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chomudzimu wakanyarara uye munyoro, uyo unokosha kwazvo pamberi paMwari.” (Izvi zvinoreva here kuti vakadzi havafaniri kupfeka zvishongo? Kwete; sezvazviriwo pachena kuti hazvirevi kuti vanhu havafaniri kupfeka nguo dzokunze. Asi vari kukurudzirwa kuti vave pakati nepakati panyaya dzokushambidzika uye kupfeka, vachinyanya kusimbisa kutsvinda mune zvokunamata.)

1 Tim. 2:9, 10: “Ndinoda kuti vakadzi vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vaine mwero nepfungwa dzakanaka, vasingaruki bvudzi nendarama kana nemaparera kana kupfeka nguo dzinodhura kwazvo, asi nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari, naiwo mabasa akanaka.” (Chii chinonyanya kukosha kuna Mwari—chitarisiko chokunze here kana kuti mwoyo womunhu? Mwari angafara here kana mukadzi akarega kupodapoda kana kupfeka zvishongo asi achiita unzenza? Kana kuti anofarira here vakadzi vane mwero uye vane pfungwa dzakanaka pakushandisa kwavanoita zvishongo uye kupodapoda uye vanoratidza unhu hwaMwari uye mararamiro echiKristu? Jehovha anoti: “Maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari, nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.”—1 Sam. 16:7.)

Zvir. 31:30: “Chimiro chinganyengera, uye kunaka kungasabatsira; asi mukadzi anotya Jehovha ndiye anorumbidzwa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe