Misa
Tsanangudzo: Sezvakataurwa neSacred Congregation of Rites yeChechi yeRoma, Misa inoreva “Chiitiko apo Chibayiro choMuchinjikwa chinoramba chichiitwa; Kuyeuka rufu uye rumuko rwaIshe, uyo akati ‘itai izvi muchindiyeuka. (Ruka 22:19);—Mutambo mutsvene, vanhu vaMwari pavanobatsirwa neChibayiro chePaseka, kuburikidza nokugoverana Muviri neRopa zvaIshe, vanoita kuti Sungano Itsva iyo Mwari akaita nevanhu kamwe chete zvachose kuburikidza neRopa raKristu irambe ichishanda, uye vaine kutenda netariro, vanotarisira kuzodya muumambo hwaBaba, vachizivisa Rufu rwaIshe ‘kusvikira auya.’” (Eucharisticum Mysterium, May 25, 1967) Ndiwo maitiro anoitwa neChechi yeRoma zvavanoti ndozvakaitwa naJesu paKudya Kwemanheru Kwokupedzisira.
Chingwa newaini zvinochinjwa zvechokwadi here kuva muviri neropa zvaKristu?
MuSolemn Profession of Faith” yomusi waJune 30, 1968, Pope Paul VI akati: “Tinodavira kuti sezvo chingwa newaini zvakaitwa zvitsvene naIshe paKudya Kwemanheru kwokupedzisira zvakachinjwa kuva Muviri Wake neRopa Rake izvo zvaizopiwa pamuchinjikwa nokuda kwedu, saka chingwa newaini zvakatsveneswa nomupristi zvinochinjwa kuva Muviri neRopa zvaKristu akakwidziridzwa akagadzwa pachigaro choumambo kudenga, uye Tinodavira kuti kuvapo kwaIshe kusinganzwisisiki, nokuvapo kwezvinhu izvozvo zvatinoona sezvakafanana pashure pokunge Zvatsaurirwa uye zvisati, ndekwechokwadi, uye kwakakura. . . . Chechi inodana kuchinja uku kusinganzwisisiki nenzira yakakodzera kuti kuchinja kwechingwa newaini kuva muviri neropa zvaKristu.” (Official Catholic Teachings—Christ Our Lord, Wilmington, N.C.; 1978, Amanda G. Watlington, peji 411) Magwaro Matsvene anowirirana nedzidziso iyoyo here?
Jesu airevei paakati, “Uyu ndiwo muviri wangu,” “Iri ndiro ropa rangu”?
Mat. 26:26-29, BD: “Zvavakanga vachidya kudaro, Jesu akatora chimedu chechingwa ndokuchikomborera. Akachimedura ndokuchipa vadzidzi vake achiti, ‘Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.’ Akatorawo mukombe une waini. Akatenda ndokuupa kwavari achiti, ‘Inwai waini iyi mose, nokuti ndiro ropa rangu, rechitenderano chitsva. Rinodeurirwa kuti vazhinji varegererwe zvitadzo zvavo. Natsai kucherechedza mashoko angu aya nokuti handichazonwi waini zvakare kusvikira zuva randichazonwa nemi yava itsva muumambo hwaBaba vangu.’”
Nezvemashoko okuti “ndiro ropa rangu” uye “uyu ndiwo muviri wangu,” zvinotevera zvinokosha: Mo inoti, “chinoreva muviri wangu,” “iyi inoreva ropa rangu.” (Tatsveyamisa mabhii.) NW inoshandisa mashoko akafanana. LEF inoti, “ichi chinomirira muviri wangu,” “iyi inomirira ropa rangu.” (Tatsveyamisa mabhii.) Shanduro idzi dzinopindirana nezvinotaura mashoko akapoteredza, Mt 26 mundima 29, mushanduro dzakasiyana-siyana dzeChechi yeRoma. BR inoti: “Handichatongozonwizve zvibereko izvi zvomuvhaini kusvikira zuva randichazozvinwa nemi zvava zvitsva muumambo hwaBaba vangu.” (Tatsveyamisa mabhii.) CC, NAB, Dy anoratidzawo Jesu achitaura kuti chakanga chiri mumukombe “chibereko chomuzambiringa,” uye kuti paiva pashure pokunge Jesu ataura kuti, “Iri iropa rangu.”
Funga nezvemashoko anoti “uyu ndiwo muviri wangu” uye “iri ndiro ropa rangu” kana toreva nezvomumwe mutauro wakajeka wakashandiswa muMagwaro. Jesu akatiwo, “Ndini chiedza chenyika,” “Ndini musuo wemakwai,” “Ndini muzambiringa wechokwadi.” (Joh. 8:12; 10:7; 15:1, BD) Mashoko ose aya haarevi kuti aizoita zvishamiso zvokuchinja, handiti?
Pana 1 VaKorinde 11:25 (JB), muapostora Pauro akanyora nezvoKudya Kwemanheru Kwokupedzisira uye akabudisa pfungwa idzodzo nemashoko akati siyanei. Pane kutora mashoko aJesu nezvemukombe seaiti, “Inwai . . . mose, nokuti ndiro ropa rangu, rechitenderano chitsva,” akazvitaura nenzira iyi: “Mukombe uyu ndicho chitenderano chitsva chinoitwa neropa rangu.” Zvechokwadi izvozvo zvakanga zvisingarevi kuti mukombe wakanga wachinjwa nechishamiso kuva chitenderano chitsva. Hazvina musoro here kugumisa kuti zvaiva mumukombe zvaimiririra ropa raJesu raiita kuti sungano itsva ishande?
Jesu airevei nemashoko ake pana Johani6:53-57?
“Jesu akati kwavari, ‘Zvirokwazvo ndinoti kunemi kana musingadyi nyama yoMwana womunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Ani naani anodya nyama yangu, nokunwa ropa rangu ane upenyu husingaperi. Ini ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu ndiko kudya kwechokwadi, uye ropa rangu ndiko kunwa kwechokwadi. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, neni ndichigarawo maari. Baba vangu vapenyu ndivo vakandituma, uye ndinoraramawo nokuda kwake. Saka ani naani anondidya anoraramiswawo neni.’”—Joh. 6:53-57, BR.
Izvi zvinofanira kunzwisiswa sezvinoreva kuti vaifanira kudya nyama yaJesu uye kunwa ropa rake chairo here? Kana zvakadaro, Jesu angave aitsigira kutyorwa kweMutemo uyo Mwari akanga apa vaIsraeri achishandisa Mosesi. Mutemo iwoyo wairambidza kudyiwa kweropa chero ripi zvaro. (Revh. 17:10-12) Asi pane kuti atsigire chinhu chakadaro, Jesu akataura zvakasimba kuti aipesana nokutyorwa kwezvaidiwa muMutemo chero zvipi zvazvo. (Mat. 5:17-19) Saka Jesu angave aifunga nezvokudya uye kunwa kwokufananidzira, nokutenda mukukosha kwechibayiro chake chakakwana.—Enzanisa naJohani 3:16; 4:14; 6:35, 40.
Jesu akarayira here vadzidzi vake kuti vasangoyeuka rufu rwake chete asi kuti vaite tsika yokuchengeta chiitiko chaizoita kuti chibayiro chake chive chitsva?
Maererano neThe Documents of Vatican II: “Pakudya Kwemanheru Kwokupedzisira, pausiku hwaakatengeswa, Muponesi wedu akatanga Chidyo Chechibayiro choMuviri wake neRopa rake. Akaita izvi kuti chibayiro chomuChinjikwa chirambe chichiitwa . . . ”—(New York, 1966), rakapepetwa naW. M. Abbott, S.J., peji 154; tatsveyamisa mabhii.
The Catholic Encyclopedia inoti: “Chechi inoda kuti Misa ionekwe se‘chibayiro chechokwadi uye chakarurama’ . . . Zvisinei, dzidziso dzedu dzinonyanya kubva patsika, idzo kubvira kare dzinozivisa kukosha kwekuteterera kunoitwa neChibayiro cheMisa.”—(1913), Vol. X, mapeji 6, 17.
Jesu pachake akati: “Itai izvozvo kuti muzogara muchindirangarira.” (Ruka 22:19; 1 VaK. 11:24, BR) Pana Ruka 22:19, Kx uye Dy anoti: “Itai izvi muchindirangarira.” NAB inoti: “Itai izvi muchindiyeuka.” Jesu haana kuti zvaakaita Pakudya Kwemanheru Kwokupedzisira chaiva chibayiro chake kana kuti vadzidzi vake vaifanira kuita chibayiro chake zvakare.
VaH. 9:25-28, BD: “Haana kupinda munzvimbo iyi kazhinji achinozvipira sezvinoita mupristi mukuru kupinda neropa rechipfuwo munzvimbo inoyera yapasi pano gore negore. Kudai kuita uku kwaiva iko kunokosha Kristu angadai aifanira kufa nguva nenguva kubva pakusikwa kwenyika. Asi zvino iye akazviratidza kamwe chete pakupedzisira kwenguva kuti abvise zvitadzo nokuzviita chibayiro iye pachake. Sezvo vanhu vakatemerwa kuti vafe kamwe chete kutongwa kwozotevera, saizvozvowo Kristu akafa kamwe chete sechibayiro.” (Tatsveyamisa mabhii.)
Chinongovawo zvacho “chakavanzika chisinganzwisisiki” here?
Bhaibheri rinotaura nezvezvakavanzika zvaMwari kana kuti zvakavanzika zvitsvene. Asi hapana chimwe chazvo chinopesana nechokwadi chomuMagwaro chakanyorwa zvakajeka. Nezvevaya vanokoshesa tsika dzavo kupfuura Magwaro, Jesu akati: “Imi vanyengeri! Isaya akareva chokwadi paakati nezvenyu, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo chete asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo hakubatsiri nokuti vanodzidzisa mitemo yavanhu vachiti ndiyo dzidziso yaMwari.”—Mat. 15:7-9, BD.
Jesu aireva here kuti chirangaridzo ichi chaifanira kuchengetwa zuva nezuva kana kuti vhiki nevhiki?
Basic Catechism inoti: “Mabasa Anokosha evaKristu veChechi yeRoma” anosanganisira “kupinda Misa musi weSvondo woga woga uye zuva dzvene rebasa.” (Boston, 1980, peji 21) “Chokwadi vanhu vakatendeka vanokurudzirwa kudya Misa uye kugamuchira Chibayiro chokugoverana, kunyange zuva nezuva.”—The Teaching of Christ—A Catholic Catechism for Adults, Abridged Edition (Huntington, Ind.; 1979), peji 281.
Magwaro ose anotaura ‘nezvokumedura chingwa’ anoratidza kuti vakanga vari kuyeuka rufu rwaKristu here? (Mab. 2:42, 46; 20:7, BR) Jesu ‘akamedura chingwa’ paaipa vanhu zvokudya kunyange Kudya Kwemanheru Kwokupedzisira kusati kwaitwa. (Mako 6:41; 8:6) Chingwa chaishandiswa nevaJudha panguva iyoyo hachisi chakajairwa nevanhu vakawanda mazuva ano. Pavaichidya, vaiwanzomedura kana kuti kudimbura chimedu.
Jesu haana kutaura zvakananga kuti Chirangaridzo chorufu rwake chaifanira kuchengetwa kakawanda sei. Zvisinei, akachitanga pamusi wePaseka yechiJudha, iyo yakatsiviwa neChirangaridzo chorufu rwaKristu chaizochengetwa nevadzidzi vake. Paseka yaiitwa gore negore, musi waNisani 14. Saizvozvowo, Mutambo wechiJudha Wemakeke Asina Kuviriswa, Mutambo Wemavhiki (Pendekosti), Mutambo Wematumba, kana kuti Wokuunganidza, uye Zuva Rokuyananisira yose yaiitwa kamwe pagore.
Zvinotaurwa paMisa zvinozorodza mweya iri mupurigatori here?
The Teaching of Christ—A Catholic Catechism for Adults inoti: “Shoko rokuti ‘purigatori’ harimo muBhaibheri, uyewo dzidziso yepurigatori haidzidziswi zvakananga imomo. . . . Zvakanyorwa navanaFata zvinotaura kakawanda kwete nezvepurigatori chete asiwo zvokuti vakafa vakatendeka vanogona kubatsirwa neminyengetero yevapenyu kunyanya neChibayiro cheMisa.”—mapeji 347, 348.
Nezvemamiriro ezvinhu evakafa, Magwaro Matsvene anoti: “Vanhu vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havana chavanoziva.” (Mup. 9:5, BR) “Mweya [“mweya,” Kx; “munhu,” BR] unotadza, uchafa.” (Ezek. 18:4, BUS) (Onawo mapeji 307, 308, pasi pomusoro unoti “Rufu.”)