Kuzvitonga
Tsanangudzo: Munhu anoti anozvitonga anenge achiti haana chaanoda kune vamwe, uye havamuudzi zvokuita. Vanhu zvavakapiwa rusununguko rwokuzvisarudzira, zviri muropa kuti vanzwe vachida kuzvitonga. Asi zvikanyanyisa, zvinoita kuti munhu asateerera, kunyange kutopanduka.
Vanhu pavanoramba zvinotaurwa neBhaibheri, vanosununguka zvechokwadi here?
VaR. 6:16, 23: “Hamuzivi here kuti kana muchiramba muchizvipa kumunhu sevaranda kuti mumuteerere, muri varanda vake nokuti munomuteerera, zvimwe vechivi chinotungamirira kurufu kana kuti vokuteerera kunotungamirira kukururama? . . . Mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.”
VaG. 6:7-9: “Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa; nokuti anodyara nokuda kwenyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake, asi anodyara nokuda kwomudzimu achakohwa upenyu husingaperi hunobva pamudzimu. Naizvozvo tisarega kuita zvakanaka.”
Tsika dzine chokuita nezvepabonde: “Ane tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake.” (1 VaK. 6:18) “Ani naani anoita upombwe nomukadzi, . . . anoparadza mweya wake.” (Zvir. 6:32) (Kana iri nyaya youngochani, ona VaRoma 1:24-27.) (Unzenza hungaita sohunonakidza pahunoitwa. Asi hunozoita kuti munhu abatwe nechirwere chinosemesa, abate pamuviri pasingadiwi, abvise pamuviri, ave neshanje, hana inonetseka, anetseke mupfungwa, uye hunoita kuti munhu asambofarirwa naMwari, uyo anotipa tarisiro youpenyu hwomunguva yemberi.)
Kudzingirirana nepfuma: “Vaya vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo nomukuchiva zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose, uye vachitevera rudo irworwo, vamwe vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.” (1 Tim. 6:9, 10) “Ndichati kumweya wangu: ‘Mweya, une zvinhu zvakanaka zvizhinji zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora zvako, udye, unwe, ufare.’ Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno vachati vanoda mweya wako. Saka, zvinhu zvawakachengeta zvichava zvaani?’ Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:19-21) (Pfuma haiiti kuti munhu afare nokusingaperi. Kuvavarira kupfuma kunowanzoita kuti mhuri dzisafara, vanhu varware, varege kunamata.)
Kunyanyisa kunwa doro: “Ndiani ane nhamo? Ndiani asingafari? Ndiani anokakavara? Ndiani anonetseka? Ndiani ane maronda pasina chikonzero? Ndiani ane maziso asinganyatsooni? Ndevaya vanogarisa pawaini, vaya vanouya kuzotsvaka waini yakavhenganiswa. Pakuguma kwayo inoruma senyoka, uye inobudisa uturu sezvinoita nyoka.” (Zvir. 23:29, 30, 32) (Pakutanga kunwa doro kungaita sokunobatsira munhu kukanganwa matambudziko ake, asi hakuapedzi. Parinopera, matambudziko acho anenge achiripo, kazhinji atowedzera. Kana munhu akanyanyonwisa doro, rinokanganisa kuzviremekedza kwake, utano, upenyu hwemhuri, uye ukama hwake naMwari.)
Kushandisa zvinodhaka: Ona mapeji 431-437, pasi pemusoro unoti “Zvinodhaka.”
Ushamwari hwakaipa: Kudai chikwata chembavha chaizokuudza kuti chaiziva nzira yokuwana nayo mazimari pasina kumbodikitira, waizoenda nacho here? “Usafamba navo munzira imwe chete. Dzora tsoka dzako mumugwagwa wavo. Nokuti tsoka dzavo ndedziya dzinomhanyira zvakaipa, uye vanoramba vachichimbidza kunoteura ropa.” (Zvir. 1:10-19) Kana munhu asinganamati Jehovha, asi achiita semunhu akanaka chaizvo, waizomuona seshamwari yakakodzera here? Shekemu aiva mwanakomana womumwe muchinda womuKenani, uye Bhaibheri rinoti ‘ndiye aikudzwa kwazvo muimba yose yababa vake,’ asi ‘akatora Dhina, akamubata chibharo.’ (Gen. 34:1, 2, 19) Zvine basa here kuti vamwe vanhu vangasatenda chokwadi chawakadzidza muShoko raMwari? “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaK. 15:33) Jehovha aizonzwa sei kudai waizosarudza shamwari dzisingamudi? Mumiririri waJehovha akaudza mambo weJudha akaita izvozvo, kuti: “Jehovha akutsamwirai nokuda kweizvi.”—2 Mak. 19:1, 2.
Ndiani akakurudzira vanhu kunzwa vakasununguka kuzvisarudzira vasina hanya nemirayiro yaMwari?
Gen. 3:1-5: “Zvino nyoka [yaishandiswa kutaura naSatani; ona Zvakazarurwa 12:9] . . . yakati kumukadzi: ‘Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya miti yose yomumunda?’ Mukadzi akati kunyoka: ‘Tingadya hedu michero yemiti yomumunda. Asi kana kuri kudya muchero womuti uri pakati pomunda, Mwari akati, “Musaudya, kana kuubata kuti murege kufa.”’ Nyoka ikati kumukadzi: ‘Chokwadi hamungafi. Nokuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.’”
Munhu paanorega kuva nehanya nezvinoda Mwari kuti agutse zvido zvake, anenge aine mafungiro api?
VaEf. 2:1-3: “Ndimi makaitwa vapenyu naMwari kunyange makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu, mamakambofamba maererano nemamiriro ezvinhu enyika ino [iri kutongwa naSatani], maererano nomutongi wesimba remhepo, iwo mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri. Chokwadi, pane imwe nguva isu tose takambozvibata maererano nokuchiva kwenyama yedu tiri pakati pavo, tichiita zvinhu zvaidiwa nenyama nepfungwa dzedu, uye takazvarwa tiri vana vokuitirwa hasha sevamwe vose.”
Zvinokosha kuti vaya vanoti vanoshumira Mwari vadzivise mafungiro api okuzvitonga?
Zvir. 16:18: “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.”
Zvir. 5:12: “Uchazoti: ‘Chokwadi ndakavenga kurangwa uye mwoyo wangu hauna kuremekedza kutsiurwa!’” (Mafungiro akadaro angaita kuti munhu ave mumatambudziko asingaiti, sezvinoratidzwa nemavhesi ari pedyo nendima iyi.)
Num. 16:3: “Naizvozvo vakaunganira Mosesi naAroni [vaishandiswa naJehovha kutarisira vanhu vake], vakati kwavari: ‘Zvakwana imi, nokuti ungano yose, vose zvavo vatsvene uye Jehovha ari pakati pavo. Saka, nei muchizvikwidziridza paungano yaJehovha?’”
Jud. 16: “Vanhu ava vagunun’uni, vanyunyuti pamusoro pomugove wavo muupenyu, vanoita maererano nokuchiva kwavo, uye miromo yavo inotaura zvinhu zvokuzvikudza, asi vachiyemura vanhu kuti ivo pachavo vabatsirwe.”
3 Joh. 9: “Dhiyotrefesi, uyo anoda kuva nenzvimbo yokutanga pakati pavo, haagamuchiri chinhu chinobva kwatiri noruremekedzo.”
Zvir. 18:1: “Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.”
Jak. 4:13-15: “Chinzwai, zvino, imi munoti: ‘Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri uye tichapedza gore tiri ikoko, uye tichaita bhizimisi towana mubereko,’ imi musingazivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana. Nokuti muri mhute inooneka nguva duku yobva yanyangarika. Panzvimbo paizvozvo, munofanira kuti: ‘Kana Jehovha achida, tichararama toitawo ichi kana icho.’”
Chido chomunhu chokuzvitonga pachinoita kuti atevedzere nyika kwete ungano yechiKristu, anova pasi paani? Uye Mwari anotii nazvo?
1 Joh. 2:15; 5:19: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari.” “Nyika yose iri musimba reakaipa.”
Jak. 4:4: “Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari.”