RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 32-37
  • Bhabhironi Guru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhabhironi Guru
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonzi Bhabhironi Guru?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Bhabhironi Rine Simba Simba Renyika Guru Rechitatu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Budai Pakati peBhabhironi”
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
  • Guta Guru Rinoparadzanywa
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 32-37

Bhabhironi Guru

Tsanangudzo: Mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose, unosanganisira zvitendero zvose zvine dzidziso netsika zvisingaenderani nokunamatwa kwechokwadi kwaJehovha, Mwari mumwe chete wechokwadi. Mafashamo omuzuva raNoa apera, chitendero chenhema chakatanga paBhabheri (yakazozivikanwa seBhabhironi). (Gen. 10:8-10; 11:4-9) Nokufamba kwenguva, dzidziso dzechitendero netsika zvechiBhabhironi zvakapararira kunzvimbo dzakawanda. Saka Bhabhironi Guru rakava zita rakakodzera rezvitendero zvose zvenhema.

Uchapupu hupi hunozivisa Bhabhironi Guru, rinotaurwa muna Zvakazarurwa?

Haringavi guta rekare reBhabhironi. Bhuku raZvakazarurwa rakanyorwa zana remakore rokutanga C.E. rava kunopera uye rinotsanangura zviitiko zvaizosvika munguva yedu. The Encyclopedia Americana inoti: Guta racho [Bhabhironi] rakatorwa muna 539 B.C. nevaPezhiya vaitungamirirwa naKoreshi Mukuru. Pave paya, Arekizanda Mukuru akaronga kuti Bhabhironi rive guta guru rokumabvazuva kwenharaunda yaaitonga, asi paakafa, kukosha kweBhabhironi kwakadzikira zvishoma nezvishoma.” (1956, Vol. III, peji 7) Mazuva ano guta racho idongo.

Richitaurwa nenzira yokufananidzira muna Zvakazarurwa, Bhabhironi Guru rinonzi i“guta guru,” “umambo” hunotonga mamwe madzimambo. (Zvak. 17:18) Seguta, raizova nemasangano akawanda, uye soumambo hune madzimambo ahwo, raizobatanidza nyika yose. Rinotsanangurwa serine ushamwari nevatongi vezvematongerwo enyika uye riri kuita kuti vanhu vanoita zvokutengeserana vapfume, iro pacharo riri chinhu chechitatu chazova “nzvimbo inogarwa nemadhimoni” uye mutambudzi ‘wevaprofita nevatsvene.’—Zvak. 18:2, 9-17, 24.

Bhabhironi rekare raizivikanwa zvikuru pamusana pechitendero charo uye kuzvidza kwaraiita Jehovha

Gen. 10:8-10: “Nimrodhi . . . akava muvhimi ane simba airwisana naJehovha. . . . Umambo hwake hwakatanga paBhabheri [yakazozivikanwa seBhabhironi].”

Dhan. 5:22, 23: “Asi imi [Bheshazari mambo weBhabhironi] . . . makazvikwidziridza kuna Ishe wokumatenga, uye . . . marumbidza vanamwariwo zvavo vesirivha nevendarama, mhangura, simbi, matanda nematombo, vasingaoni chinhu kana kunzwa chinhu kana kuziva chinhu; asi hamuna kukudza Mwari ane mhepo yenyu yokufema muruoko rwake uye ane nzira dzenyu dzose.”

Chimwe chinyorwa chekare chinoti: “MuBhabhironi mune temberi 53 dzavanamwari vakuru, makamuri okunamatira 55 aMarduk, makamuri okunamatira 300 avanamwari vepanyika, 600 avanamwari vokudenga, atari 180 dzamwarikadzi Ishtar, 180 dzavanamwari vanonzi Nergal naAdad uye dzimwe atari 12 dzevamwe vanamwari vakasiyana-siyana.”—Mashoko akatorwa muThe Bible as History (New York, 1964), W. Keller, peji 301.

The Encyclopedia Americana inoti: “Kubudirira kweSumer [iyo yaiva chikamu cheBabylonia] kwaitungamirirwa nevapristi; mukuru wenyika ari lugal (zvinoreva ‘murume akakurumbira’), mumiririri wevanamwari.”—(1977), Vol. 3, peji 9.

Saka, zvine musoro kuti Bhabhironi Guru rinotaurwa muna Zvakazarurwa rinzi nderechitendero. Zvarakaita seguta uye soumambo, harisi boka rimwe chete rechitendero asi rinosanganisira zvitendero zvose zvinopesana naJehovha, Mwari wechokwadi.

Dzidziso dzechitendero netsika dzeBhabhironi rekare zvinowanika muzvitendero pasi pose

“Dzidziso dzechitendero cheBhabhironi dzakasvikawo muIjipiti, Pezhiya neGirisi . . . Muvhenganiswa wakasimba uyu wedzidziso dzechiSemitic waiva mudzidziso dzepakutanga dzechiGiriki uye mutsika dzechiGiriki wava kubvumwa zvikuru nenyanzvi zvokuti hapana chimwe chingataurwa nezvawo. Dzidziso idzi dzechiSemitic dzakarerekera zvikuru kuchiBhabhironi.”—The Religion of Babylonia and Assyria (Boston, 1898), M. Jastrow, Jr., mapeji 699, 700.

Vanamwari vavo: Kwaiva nemapoka aiva navanamwari vatatu vatatu, uye pakati pavanamwari vavo paiva neavo vaimiririra masimba ezvakasikwa akasiyana-siyana uye ayo aiva nezvaaiita zvinokosha pazvimwe zvinoitwa nevanhu. (Babylonian and Assyrian Religion, Norman, Okla.; 1963, S. H. Hooke, mapeji 14-40) “Utatu hwaPlato, hunongova kurongwa zvakare kwoutatu hwainamatwa nevanhu vekare, hunoita sokuti ndihwo utatu hwouzivi pakabva vanamwari vatatu vanodzidziswa mumachechi echiKristu. . . . Dzidziso yomuzivi uyu wechiGiriki [Plato] pamusoro poutatu hwavanamwari . . . inogona kuwanika muzvitendero zvose zvekare [zvechihedheni].”—Nouveau Dictionnaire Universel (Paris, 1865-1870), rakapepetwa naM. Lachâtre, Vol. 2, peji 1467.

Kushandiswa kwezvifananidzo: “[Muchitendero chokuMesopotamiya] zvifananidzo zvaishandiswa zvikuru muchitendero chacho uyewo pakunamata kwaiita munhu ari oga, sezvinoonekwa nokupararira kukuru kwemicherechedzo isingadhuri yezvifananidzo zvakadaro. Chaizvoizvo, zvaidavirwa kuti mwari aiva muchifananidzo chaimumiririra kana chaiva nezvimwe zvinhu zvakati uye chaitarisirwa nenzira yakakodzera.”—Ancient Mesopotamia—Portrait of a Dead Civilization (Chicago, 1964), A. L. Oppenheim, peji 184.

Zvaidavirwa pamusoro porufu: “Vanhu kana kuti vatungamiriri vechitendero [muBhabhironi] havana kumbofunga kuti chinhu chakambovapo chinogona kuparara zvachose. Rufu yaiva nzira yaiendesa kune humwe upenyu.”—The Religion of Babylonia and Assyria, peji 556.

Nzvimbo youpristi: “Kusiyana kwomupristi nemunhuwo zvake kwaionekwa muchitendero ichi [cheBhabhironi].”—Encyclopædia Britannica (1948), Vol. 2, peji 861.

Kushopera, mashiripiti, uroyi uye zvokuongorora nyeredzi: Munyori wezvakaitika kare A. H. Sayce akanyora kuti: “[Mu]chitendero chomuBabylonia yekare . . . chinhu chose uye simba rezvakasikwa zvaifanira kuva nezi kana mudzimu wazvo, waigona kudzorwa nokuteterera kwemashiripiti kwaShaman, kana kuti mupristi anoroya.” (The History of Nations, New York, 1928, Vol. I, peji 96) “VaKadheya [vaBhabhironi] vakabudirira zvikuru pakuongorora nyeredzi nokuedza kuziva ramangwana munyeredzi. Uku ndiko kwatinoti ‘kuongorora nyeredzi.’”—The Dawn of Civilization and Life in the Ancient East (Chicago, 1938), R. M. Engberg, peji 230.

Bhabhironi Guru rakafanana nehure rinorarama muumbozha hwokusanyara

Zvakazarurwa 17:1-5 inoti: “‘Uya, ndichakuratidza kutongwa kwehure guru rinogara pamvura zhinji [vanhu], iro madzimambo [vatongi vezvematongerwo enyika] enyika akaita ufeve naro, asi vaya vanogara panyika vakadhakwa newaini youfeve hwaro.’ . . . Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita, rakavanzika rokuti: ‘Bhabhironi Guru, amai vemahure uye vezvinhu zvinonyangadza zvenyika.’” Zvakazarurwa 18:7 inowedzera kuti ‘rakazvikudza rikararama muumbozha hwokusanyara.’

Hazvisi zvechokwadi here kuti masangano ezvitendero akakurumbira anogara achishamwaridzana nevatongi vezvematongerwo enyika kuti vave nesimba uye vapfume, kunyange izvi zvakaguma nokutambura kwevanhuwo zvavo? Hazvisiwo zvechokwadi here kuti vafundisi vakuru vari kurarama muumbozha, kunyange zvazvo vakawanda vavanofanira kushumira vangava varombo?

Nei zvitendero zvinozviti ndezvechiKristu zvingaonekwa zvakakodzera sechikamu cheBhabhironi Guru, pamwe chete nezviya zvisingazivi Mwari wemuBhaibheri?

Jak. 4:4: “Imi mhombwekadzi, hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari? Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari.” (Naizvozvo kunyange vachiziva zvinotaura Bhaibheri pamusoro paMwari, vanozviita vavengi vake kana vakasarudza kushamwaridzana nenyika nokutevedzera zvainoita.)

2 VaK. 4:4; 11:14, 15: ‘Mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino akapofumadza pfungwa dzevasingatendi, kuti varege kupenyerwa nokuvhenekera kwemashoko akanaka anokudzwa ane chokuita naKristu, uyo ari mufananidzo waMwari.’ “Satani anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza. Saka hachisi chinhu chikuru kana vashumiri vake vachiramba vachizvichinjawo kuva vashumiri vokururama. Asi kuguma kwavo kuchava maererano nemabasa avo.” (Saka muvengi mukuru waJehovha, Satani Dhiyabhorosi pachake, ndiye ari kutokudzwa navose vasinganamati Mwari wechokwadi nenzira yaakasarudza, kunyange zvazvo vangazviti vaKristu. Onawo 1 VaKorinde 10:20.)

Mat. 7:21-23: “Haasi munhu wose anoti kwandiri [Jesu Kristu], ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga. Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu here?’ Asi ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.”

Nei vanhu vachifanira kubuda muBhabhironi Guru pasina kunonozeka?

Zvak. 18:4: “Budai mariri, vanhu vangu, kana musingadi kugovana naro zvivi zvaro, uye kana musingadi kuwana mamwe matambudziko aro.”

Zvak. 18:21: “Ngirozi yakasimba yakasimudza dombo rakaita seguyo guru, ikarikanda mugungwa, ichiti: ‘Bhabhironi guta guru richangoerekana rawisirwa pasi seizvi, uye harizombowanikizve.’”

Ruka 21:36: “Saka rambai makamuka, muchigara muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye kumira pamberi poMwanakomana womunhu.”

Chii chichaitika kuvanhu vakanga vasingazivi chokwadi chomuBhaibheri asi vakararama kare vakafa vari veBhabhironi Guru?

Mab. 17:30: “Mwari akafuratira nguva dzokusaziva kwakadaro, asi zvino ari kuudza vanhu kuti kwose kwose vose vanofanira kupfidza.”

Mab. 24:15: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mwari ndiye achasarudza kuti ndivanaani “vasina kururama” vachamutswa.)

Job. 34:12: “Chokwadi, Mwari haaiti zvakaipa, uye Wemasimbaose haatsaudziri pakutonga.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe