Adhamu naEvha
Tsanangudzo: Adhamu ndiye munhu akatanga kusikwa. Shoko rechiHebheru ‘a·dhamʹ rinoshandurwawo zvakakodzera kuti “munhu,” “munhu wepanyika” uye “vanhu.” Evha, mukadzi wokutanga, aiva mudzimai waAdhamu.
Adhamu naEvha vaingovawo zvavo vanhu vokufananidzira (vomungano) here?
Hazvina musoro here kudavira kuti isu tose takabva kuvabereki vamwe chete vepakutanga?
“Sayenzi yava kutsigira zvave zvichiparidzwa nezvitendero zvakawanda kwenguva refu zvokuti: Vanhu vemarudzi ose . . . vakabva kumunhu mumwe chete wokutanga.”—Heredity in Humans (Philadelphia and New York, 1972), Amram Scheinfeld, peji 238.
“Nyaya yomuBhaibheri yaAdhamu naEvha, baba naamai vevanhu vose, yakataura mazana emakore akapfuura chokwadi chimwe chete ichocho chave chichiratidzwa nesayenzi mazuva ano: kuti vanhu vose vepanyika imhuri imwe chete uye vakabva kumwe chete.”—The Races of Mankind (New York, 1978), Ruth Benedict naGene Weltfish, peji 3.
Mab. 17:26: “[Mwari] akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete, kuti agare pamusoro penyika yose.”
Bhaibheri rinotaura nezvaAdhamu somunhu wokufananidzirawo zvake anomiririra vanhu vose vepakutanga here?
Jud. 14: “Inoki, wechinomwe mumutsara kubva kuna Adhamu, akaprofita.” (Inoki aisava wechinomwe mumutsara kubva kuvanhu vose vepakutanga.)
Ruka 3:23-38: “Iye Jesu, paakatanga basa rake, akanga ava nemakore anenge makumi matatu . . . ari . . . mwanakomana waDhavhidhi . . . mwanakomana waAbrahamu . . . mwanakomana waAdhamu.” (Dhavhidhi naAbrahamu vanhu vanozivikanwa zvikuru munhoroondo. Saka hazvina musoro here kugumisa kuti Adhamu aiva munhu chaiyeiye?)
Gen. 5:3: “Adhamu akararama kwemakore zana nemakumi matatu, akazobereka mwanakomana akafanana naye, akatodzana naye, akamutumidza kuti Seti.” (Kutaura zvazviri, Seti haana kuberekwa nevanhu vose vepakutanga, uye vanhu vose vepakutanga havana kubereka vanakomana pazera remakore 130.)
Mashoko okuti nyoka yakataura naEvha anoratidza here kuti nhoroondo yacho ndeyokufananidzira?
Gen. 3:1-4: “Zvino nyoka ndiyo yakanga yakachenjera kupfuura mhuka dzose dzomusango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Naizvozvo yakati kumukadzi: ‘Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya miti yose yomumunda?’ Mukadzi akati kunyoka: ‘ . . . Mwari akati, “Musaudya, kana kuubata kuti murege kufa.”’ Nyoka ikati kumukadzi: “Chokwadi hamungafi.’”
Joh. 8:44: “[Jesu akati:] Dhiyabhorosi . . . murevi wenhema nababa venhema.” (Saka Dhiyabhorosi ndiye akatanga nhema dzokutanga dzakataurwa muEdheni. Akashandisa nyoka somuromo wake. Nhoroondo yaGenesisi haisi kushandisa zvisikwa zvengano kutidzidzisa chidzidzo. Onawo Zvakazarurwa 12:9.)
Muenzaniso: Hazvishamisi kuti munhu aite sokunge kuti izwi rake riri kubva pane chimwe chinhu chakadai sechidhori. Enzanisa naNumeri 22:26-31, inotaura kuti Jehovha akaita kuti mbongoro hadzi yaBharami itaure.
Kana “munhu wokutanga Adhamu” aingovawo zvake wokufananidzira, zvakadini na“Adhamu wokupedzisira,” Jesu Kristu?
1 VaK. 15:45, 47: “Zvakatonyorwa kuti: ‘Munhu wokutanga Adhamu akava mweya mupenyu.’ Adhamu wokupedzisira akava mudzimu unopa upenyu. Munhu wokutanga akabva panyika uye akaitwa neguruva; munhu wechipiri akabva kudenga.” (Saka kuramba kuti Adhamu aiva munhu chaiyeiye akatadzira Mwari kunoreva kusava nechokwadi kuti Jesu Kristu aiva ani. Izvozvo zvinoita kuti munhu arambe kuti Jesu aifanira kufira vanhu. Kuramba izvozvo kunoreva kuramba chiKristu.)
Jesu pachake aiona sei nhoroondo yaGenesisi?
Mat. 19:4, 5: “[Jesu] akati: ‘Hamuna kuverenga here [pana Genesisi 1:27; 2:24] kuti iye akavasika [Adhamu naEvha] kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi? Uyewo kuti akati, “Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe”?’” (Sezvo Jesu aidavira kuti nhoroondo yaGenesisi ndeyechokwadi, isu hatifaniri kudarowo here?)
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Chivi chaAdhamu chaiva kuda kwaMwari, urongwa hwaMwari.’
Ungapindura kuti: ‘Vanhu vakawanda vakataura kudaro. Asi dai ndaizoita chimwe chinhu chamunoda kuti ndiite, maizondipa mhosva pamusoro pacho here? . . . Saka kana chivi chaAdhamu chaiva kuda kwaMwari, nei Adhamu akadzingwa muEdheni somutadzi? (Gen. 3:17-19, 23, 24)’
Kana kuti ungati: ‘Iyoyo ipfungwa inonakidza, uye mhinduro yacho ine chokuita nokuti Mwari munhu akaita sei. Zvaizova zvakarurama kana kuti zviine rudo here kupa munhu mhosva yokuita chinhu chawakamurongera kuti aite?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Jehovha ndiMwari worudo. (1 Joh. 4:8) Nzira dzake dzose dzakarurama. (Pis. 37:28; Dheut. 32:4) Kwakanga kusiri kuda kwaMwari kuti Adhamu atadze; akanyevera Adhamu kuti asadaro. (Gen. 2:17)’ (2) ‘Mwari akabvumira Adhamu kuti asarudze zvaaizoita akasununguka, sokubvumira kwaanotiita. Kukwana hakuna kumutadzisa kuita zvaaida zvokusateerera. Adhamu akasarudza kupandukira Mwari, pasinei nokunyeverwa kuti aizofa.’ (Onawo peji 119.)