Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
NYIKA YANHASI ine zvinonetsa zvakawanda kwazvo. Mhuri dzinoputsika. Chisimba mumhuri chakapararira. Mazana amamiriyoni anofa nenzara. Utsotsi hwakatekeshera. Rugare nokuchengeteka hazvibatiki. Nei nyika yakadai? Zvingagona kugadziriswa here? Bhaibheri haringopi mhinduro chete yemibvunzo iyi asi rinopawo nhungamiro mumararamiro ezuva nezuva. Zvino, hatifaniri here kuda kuziva zvinotaurwa neBhaibheri?
Vamwe vanhu vanoti Bhaibheri rinongova mubatanidzwa wengano, nyaya, uye uchenjeri hwavanhu. Zvisinei, vamwe vanoti Bhaibheri iShoko rakafuridzirwa raMwari. Maonero akarurama ndeapi? Bhuku rino, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, richakubetsera kupindura mubvunzo iwoyo. Tinokukurudzira kuti uzvionere wega zvirimo. Kuita kudaro kungangochinja upenyu hwako nekusingaperi.