Rwiyo 181
Kumbanira Murwiyo rwoUmambo!
1. Kune rwiyo, rwom’faro wokukunda;
Rwunokudza Iye wokum’soro.
Mashokowo oita tivimbike.
M’uye nesu m’farikanye rwiyo:
‘Ja wotonga; M’fare pasi.
Matenga’mi, Danidzai.’
Rwiyo rutsva; rwokugadzwa kwaKristu
Vose ngavakudze Ushe hwake.
2. Nerwiyo rutsva tozivisa Ushe.
She wotonga; Achidzora pasi.
Kune rudzi rutsva, takatoudzwa,
Nyika iyo Jesu anotonga.
‘Kotamai Kuna Mwari.
Jesu ndiShe. Tizivise!
Ngatidzidze, rwiyo’rwu rwoUmambo;
Kotamai m’komborerwe naJa.
3. Rwiyo rwoUshe vanyoro voimba.
Mashokowo, Akanaka kwazvo.
M’pasi rose vazhinji vaka’dzidza,
Vanokokera vamwe vachiti:
‘Namatai M’kudze Mwari.
Kubva m’rufu Vanhu vom’tswa.’
Kumbanirai m’kuimbira Mwari
Anofadzwa norwiyo rwoUshe.