Rwiyo 155
“Gamuchiranai”!
1. Gamuchiranai sezvo Kristu akaita!
ZvaKristu akafira vanhu, votambirwawo.
Avo vakasimba vabatsire vakaneta,
Tariro isimbe zvavotsvaka kururama.
Zvinhu zvakanyorwa kare navaporofita
Zvinoita nyaradzo netariro zvikure.
Hatifaniri kuzvifadza timene bedzi,
Asi tive nefariro dzehama sedzedu.
2. Mwari wounganidza vanhu vasingazorwi.
Nguva yasvika yokuti rugare rwuuye.
Unokoka vanhu vendimi norudzi rwose,
Uye ivo vanoda kuchengeta mitemo.
Nembiri yaMwari m’chiono togamuchira
Vose, tichi’ta shamwari vamarudzi ose.
Kutevera mutsa waMwari iropafadzo.
Mwoyo yedu ikure kufanana naKristu.
3. Tikurudzire vanhu kurumbidza Ja Mambo,
Tichifara norudzi rwake tichim’imbira.
Tipfurire kuparidza pa’mba nom’mugwagwa,
Mashoko akanaka kuna vose tino’na.
Ropafadzo yokudza Mwari hayiuyizve.
Aya mazuva om’gumo kuna vakaipa.
Ngatide dzihama Mwari ave wechokwadi;
Gamuchiranai sezvinodiwa naMwari.