Rwiyo 102
Mufaro Worumuko
1. Razaro arere
Muguva rebwe.
Hanzvadzi dzorira!
Hadzimumutsi.
‘Dai Kristu Jesu
Aiva pano,
Razaro asina
Kuva muguva.’
Paguva She Kristu
Akadanidza,
Kune akafa’yo:
‘Buda, Razaro!’
Akaputirwayo
Akaterera.
Pazuva’ro hama
Dzakafarisa!
2. Vaikarira She
Kuvanunura,
Vakaodzwa mwoyo
Paakazofa.
Shamwari dzaJesu
Dzakamuviga.
Ivowo pamwoyo
Vakarwadziwa!
Masuo eguva
Hakundi Mwari.
M’mazuva matatu
Ja womumutsa.
Vadzidzi vofara
Pakumuona.
Kii dzeHadhesi
Dzakamupiwa.
3. Chivi chaAdhama
Chounza rufu;
Rumuko rwavafi
Rwouya naShe.
Vakafa vachanzwa
Inzwi rakewo
Vomuka murufu
Kuupenyuzve.
Pamberi paMwari
Vachatongerwa
Pazvavakaita
MuUmambo’hwo.
Vanonyorwa zita
M’bhuku raMwari
Vachava vapenyu
Kusina nhamo.