Butiro/Peji Yevabudisi
Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?
NHASI kune fariro yakapararira mumidzimu isingaoneki. Vamwe vanhu vanoidavira; vamwe havaidaviri. Ufakazii huripo pamusoro pokuti midzimu ine simba rinopfuura rohunhu iriko chaizvoizvo kana kuti kwete? Tingaziva sei zvechokwadi?
Mishumo isingaverengeki inotaura nezvamashoko anobva mudunhu remidzimu. Vapenyu vangataura zvomenemene navakafa here? Madzisekuru akafa angatibetsera here? Kune mamwe manyuko anobva mashoko omudzimu here?
Bhukwana iri rakabudiswa kukuyamurai kuwana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyoyi.