RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 111
  • Mukomana Akabatwa Nehope

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mukomana Akabatwa Nehope
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Patinofanira Kunge Takamuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • “Ndakachena Paropa Revanhu Vese”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Chikepe Chinovhunika Pachiwi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Timoti—Mubetseri Mutsva waPauro
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 111
Yutiko angozvambarara pasi akafa

NHAU 111

Mukomana Akabatwa Nehope

Maiwe-e! Chii chiri kuitika pano? Mukomana avete pasi akuvara kwazvo here? Tarira! mumwe wavarume vanobuda mumba ndiPauro! Ungaonawopo Timotio here? Ko mukomana awa napawindi here?

Hungu, ndozvaitika chaizvo. Pauro anga achikurukura hurukuro kuvadzidzi vomuno muTroa. Aiziva kuti haazovaonizve kwenguva refu nokuti anofanira kuenda neigwa mangwana. Nokudaro akapfuurira kutaura kusvikira pakati pousiku.

Eya, uyu mukomana anonzi Yutiko anga agere pawindi, ndokubatwa nehope. Awira pasi, napawindi chaipo, nhurikidzwa nhatu kusvika pasi! Saka unogona kuona kuti nei vanhu vachinge vanonetsekana kwazvo. Apo vanhu vanosimudza mukomana, kuri sezvavanotyira chaizvo. Afa!

Panoona Pauro kuti mukomanayo wafa, anovata pamusoro pake ndokumufungatira. Ipapo anoti: ʼMusanetsekana. Arinani hake!ʼ Mupenyu! Inenji! Pauro amudzorera kuupenyu! Fungu romufaro rinopararira mubokaro.

Vose vanokwirazve kumusoro ndokudya zvokudya. Pauro anopfuurira kutaura kusvikira kwoedza. Asika ungasimbisira kuti Yutiko haachabatwizve nehope! Ipapo Pauro, Timotio naavo vanofamba navo vanopinda mugwa. Unoziva kwavari kuenda here?

Pauro naTimoti vanoona kuti Yutiko adonha akabva afa

Pauro achikungobva kupedza rwendo rwake rwechitatu rwokuparidza, uye ari kuenda kumusha. Parwendo urwu Pauro akanga agara makore matatu muguta reEfeso roga bedzi. Saka urwu rwunotova rwendo rurefu kupinda rwendo rwechipiri.

Vabva Troa, igwa rinomira paMireto kwechinguvana. Efeso zvairi mamaira mashomanene chaizvo kure, Pauro anodana varume vakuru mudziungano kuti vayambukire Mireto kuti agotaura navo kwenguva yokupedzisira. Pashure pacho, panosvika nguva yokuti igwa riende, haiwa vanosuruvara sei kuona Pauro achienda!

Pakupedzisira igwa rinodzokera Kesaria. Apo Pauro anogara muno paimba yomudzidzi Firipo, muprofita Agabhasi anonyevera Pauro. Anotaura kuti Pauro achaitwa musungwa paanosvika Jerusarema. Chokwadi, ndozvinoitika. Ipapo, ava mutorongo kwamakore mairi muKesaria, Pauro anotumirwa Roma kundotambwa mhaka pamberi pomubati ushe weRoma Kesari. Ngationei chinoitika parwendo rwokuRoma.

Mabasa ganhuro 19 kusvikira ku 26.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe