RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 103
  • Anopinda Mukamuri Rakakiiwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anopinda Mukamuri Rakakiiwa
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Muguva Hamuna Munhu, Jesu Mupenyu!
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Ndaona Ishe!”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
  • Jesu Anomutswa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mwari Anoyeuka Mwanakomana Wake
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 103
Jesu anozviratidza kuvadzidzi vake pashure pekunge amutswa

NHAU 103

Anopinda Mukamuri Rakakiiwa

PASHURE pokunge Petro naJohane vabva pahwiro pakanga panomuviri waJesu, Maria anosiiwa ari ogapo. Anovamba kuchema. Ipapo anokotama ndokutarira mukati mehwiro, sezvataona mumufananidzo wapfuura. Imomo anoona ngirozi mbiri! Dzinomubvunza kuti: ʼUnochemeiko?ʼ

Maria anopindura kuti: ʼVatora She wangu, uye handizivi kwavamuisa.ʼ Ipapo Maria anotendeuka ndokuona munhu. Anomubvunza kuti: ʼUri kutsvaka aniko?ʼ

Maria anofunga kuti munhuyo murimi webindu, uye kuti angave atora muviri waJesu. Saka anoti: ʼKana mamutora, ndiudzei kwamamuisa.ʼ Asi, zvomenemene, munhu uyu ndiJesu. Apfeka muviri usingazivikanwi naMaria. Asi paanomudana nezita rake, Maria anoziva kuti uyu ndiJesu. Anomanya ndokuudza vadzidzi kuti: ʼNdaona iShe!ʼ

Gare gare muzuvaro, apo vadzidzi vairi vari kuenda kumusha weEmausi, mumwe murume anovakumbanira. Vadzidzi vakasuruvara kwazvo nokuti Jesu akaurawa. Asi sezvavanofamba, munhuyo anotsanangura zvinhu zvizhinji zvomuBhaibheri zvinovaita vanzwe zviri nani. Pakupedzisira, apo vanomira nokuda kwezvokudya, vadzidzi vanoziva kuti murume uyu ndiJesu. Ipapo Jesu anonyangarika, uye vadzidzi vairi ava nokukurumidza vanodzokera Jerusarema kundoudza vaapostora pamsoro pake.

Ikoko kuchiri kuitika, Jesu anoonekawo kuna Petro. Vamwe vanonyandurwa pavanozvinzwa. Zvino vadzidzi vairi ava vanoenda Jerusarema ndokuwana vaapostora. Vanovaudza maonekere akaitawo Jesu kwavari panzira. Uye chinguvana pavanokuzivisa, unoziva here chinhu chinoshamisa chinoitika?

Tarira mufananidzo. Jesu anoonekamo chaimo mukamurimo, kunyange suo rakakiiwa. Haiwa vanofara sei vadzidzi! Hariziri zuva rinonyandura here? Ungaverenga here nguva dzaoneka Jesu kusvikira zvino kuna vateveri vake? Unowana kashanu here?

Muapostora Tomasi haazati ainavo panooneka Jesu. Saka vaapostora vanomuudza kuti: ʼTaona iShe!ʼ Asi Tomasi anoti achatofanira kuona Jesu amene asati akudavira. Eya, mazuva masere pashure vadzidzi vari pamwe chetezve mukamuri rakakiiwa, uye nguva ino Tomasi anavo. Kamwe kamwe, Jesu anooneka imomo mukamurimo. Zvino Tomasi anodavira.

Johane 20:11-29; Ruka 24:13-43.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe