RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 100
  • Jesu Ari Mubindu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Ari Mubindu
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Kushambadzwa Nokusungwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kristu Anotengeswa Uye Anosungwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anosungwa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Chinotibatsira Kukurira Kutya
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 100
Mubindu reGetsemani, Judhasi anotengesa Jesu nekumutsvoda

NHAU 100

Jesu Ari Mubindu

VABVA mukamuri rapamusoro, Jesu navaapostora vake vanoenda kubindu reGetsemani. Vakauya muno kazhinji kare. Zvino Jesu anovaudza kuti varambe vakamuka vachinyengetera. Ipapo anoenda kure kadaro kaduku, anokotamisira chiso chake pasi kuti agonyengetera.

Gare gare Jesu anodzokera pana vaapostora vake. Unofunga kuti vari kuitei? Vavete! Jesu anovaudza katatu kuti vanofanira kuramba vakamuka, asi nguva imwe neimwe yaanodzokera anovawana vakavata. ʼMungavata seiko panguva yakadai seino?ʼ Jesu anotaura kudaro nguva yokupedzisira yaanodzoka. ʼNguva yasvika yokuti ini ndigamuchidzwe kuvavengi vangu.ʼ

Chinguvanacho chaicho ruzha rweboka guru runonzwika. Tarira! Varume vari kuuya neminondo netsvimbo! Vakabata mazhonje okuvavhenekera. Pavanoswedera pedyosa, mumwe anobuda muboka ndokunanga Jesu. Anomusveta, sezvaunoona pano. Murumeyo ndiJudhasi Iskarioti! Neiko achitsvoda Jesu?

Jesu anobvunza Judhasi kuti: ʼJudhasi, unondichera netsvodo here?ʼ Hungu, tsvodo chiratidzo. Inozivisa vanhu vanaJudhasi kuti uyu ndiJesu, munhu wavanoda. Nokudaro vavengi vaJesu vanouya pamberi kuzomubata. Asi Petro haazovaregi vachitora Jesu pasina kurwa. Anozvomora munondo waauya nawo ndokurova murume ari pedyo naye. Munondo unotipotsei musoro womurumeyo ndokucheka nzeve yake yokurudyi. Asi Jesu anobata nzeve yomurumeyo ndokuiporesa.

Jesu anoudza Petro kuti: ʼDzosera munondo wako mumuhara wawo. Haufungi here kuti ndinogona kukumbira Baba vangu zvuru zvengirozi kuzondiponesa?ʼ Hungu, anogona! Asi Jesu haakumbiri Mwari kutumira ngirozi dzipi nedzipi, nokuti anoziva kuti nguva yasvika yokuti vavengi vake vamutore. Nokudaro anovarega vachienda naye. Ngationei kuti chii chinoitika kuna Jesu zvino.

Mateo 26:36-56; Ruka 22:39-53; Johane 18:1-12.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe