RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 74
  • Murume Asingatyi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Murume Asingatyi
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jeremiya Haana Kurega Kutaura nezvaJehovha
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Kushumira Mu“mazuva Okupedzisira”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Jehovha Anotuma Jeremiya Kunoparidza
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • “Ndaisa Mashoko Angu Mumuromo Mako”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 74

NHAU 74

Murume Asingatyi

ONA vanhu vanoseka iri jaya. Unoziva kuti iro ndiani here? Uyu ndiJeremia. lye muprofita anokosha zvikuru waMwari.

Nokukurumidza Mambo Josia atanga kuparadza zvidhori munyika, Jehovha anoudza Jeremia kuva muprofita Wake. Zvisinei, Jeremia anofunga kuti mudukusa zvokusagona kuva muprofita. Asi Jehovha anotaura kuti lye achamubetsera.

Jeremia anoudza valsraeri kurega kuita zvinhu zvakashata. ‘Vamwari vanonamatwa navanhu vamarudzi ndevenhema,’ anodaro. Asi valsraeri vazhinji vaizotosva zvavo vanamata zvidhori panokunamata Mwari wechokwadi Jehovha. Apo Jeremia anoudza vanhu kuti Mwari achavarangira ushati hwavo, vanongomuseka bedzi.

Makore anopfuura. Josia anofa, uye mwedzi mitatu gare gare mwana wake Jehoiakimi anova mambo. Jeremia anopfuurira kuudza vanhu kuti: ‘Jerusarema richaparadzwa kana musingachinji nzira dzenyu dzakashata.’ Vaprista vanobata Jeremia ndokuti: ‘Unofanira kuurairwa kutaura zvinhu izvi.’ lpapo vanoudza machinda alsraeri kuti: ‘Jeremia anofanira kuurawa, nokuti akashurikidza guta redu.’

Ko Jeremia achaitei zvino? Haatyi! Anoudza ivo vose kuti: ‘Jehovha akandituma kuzokutaurirai zvinhu izvi. Kana musingachinji mararamire enyu akashata. Jehovha achaparadza Jerusarema. Asika ivai nechokwadi cheizvi: Kana mukandiuraya, muchave muchiuraya munhu asina kuita chakashata.’

Machinda anorega Jeremia ari mupenyu, asi valsraeri havachinji nzira dzavo dzakashata. Gare gare Nebhukadnezari, mambo weBhabhironi, anosvika ndokurwisana neJerusarema. Pakupedzisira Nebhukadnezari anoita valsraeri vabatiri vake. Anoenda nezvuuru zvizhinji Bhabhironi. Haiwa, chimbofunga hako kuti kwaizova kwakadini kuti vanhu vechienzi vakubvise mumusha wako ndokuenda kunyika yechienzi!

Jeremia 1:1-8; 10:1-5; 26:1-16; 2 Madzimambo 24:1-17.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe