RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 71
  • Mwari Anopikira Paradhiso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anopikira Paradhiso
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • “Toonana muParadhiso!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Mwari Akasika Vanhu Aine Chinangwa Chei?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 71
Vanhu vari kufara vachirarama muParadhiso inotaurwa muuprofita hwaIsaya

NHAU 71

Mwari Anopikira Paradhiso

UYU mufananidzo weparadhiso yakadai seingave Mwari akaratidza muprofita wake Isaya. lsaya akararama chinguvana pashure pokufa kwaJona.

Paradhiso inoreva “bindu“ kana “munhanga.“ Unokuyeuchidza nezvechimwe chinhu chatatoona mubhuku rino here? Unenge zvikuru bindu rakaisvonaka rakaitirwa Adhama naEvha naJehovha Mwari, haudaro here? Asika pasi rose richava paradhiso here?

Jehovha akaudza muprofita wake Isaya kunyora nezveparadhiso itsva inouya yavanhu vaMwari. Akati:ʼMapere namakwai zvichagara murugare pamwe chete. Mhuru navana veshumba zvichadya pamwe chete, uye twana twuchazvifudza. Kunyange mucheche haazokuvadzwi kana akatambira pedyo nenyoka inouturu.ʼ

ʼHakungatongoitiki,ʼ vazhinji vangadaro. ʼPasi pano panguve pane chinetso, uye chichagarovapo!ʼ Asika funga nezvakwo: Mwari akapa Adhama naEvha rudzii rwomusha?

Mwari akaisa Adhama naEvha muparadhiso. Vakarashikirwa nomusha wavo wakaisvonaka, vakakwegura ndokufa nemhaka bedzi yokuti havana kuterera Mwari. Mwari anopikira kuti achapa vanhu vanomuda zvinhu zvimene zvakarashwa naAdhama naEvha.

Muparadhisotsva inouya hapana chinhu chichakuvadza kana kuti kuparadza. Muchava norugare rwakakwana. Vanhu vose vachava vakagwinya navanofara. Kuchava kwakafanana nokwaida Mwari kuti kuve pakuvamba. Asi tichadzidza pashure kuti Mwari achaita sei ikoku.

Isaya 11:6-9; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe