RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 53
  • Chipikirwa chaJefta

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chipikirwa chaJefta
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Akafadza baba vake naJehovha
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Aidiwa naMwari Uye Neshamwari Dzake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Vimbiso yaJefta
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Vakazadzisa Mhiko Yakaoma
    Famba naMwari Neushingi
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 53
Mwanasikana waJefta achiridza tambureni achinogamuchira baba vake

NHAU 53

Chipikirwa chaJefta

WAKAMBOITA chipikirwa here uye pashure ndokuwana kuti chakaoma kuchengeta? Murume ari mumufananidzo uyu akaita, uye ndokusaka akasuruvara kwazvo. Murumeyu mutongi akashinga anonzi Jefta.

Jefta anorarama apo vaIsraeri vasichirizve kunamata Jehovha. Vava kuitazve zviri zvakaipa. Nokudaro Jehovha anorega vaAmoni vachivakuvadza. Kunoita kuti vaIsraeri vadanidzire kuna Jehovha kuti: ʼTakakutadzirai. Tapota, tiponesei!ʼ

Vanhu vanozvidemba nokuda kwezvinhu zvakashata zvavakaita. Vanoratidzira kuti vanozvidemba nokunamatazve Jehovha. Nokudaro Jehovha anovabetserazve.

Jefta anosarudzwa navanhu kurwisana navaAmoni vakaipa. Jefta anoda zvikuru kuti Jehovha amubetsere muhondo. Nokudaro anopikira Jehovha kuti: ʼKana mukandipa rukundo pavaAmoni, munhu anotanga kubuda mumba yangu kuzosangana neni pandinodzoka kurukundo ndichakupai!ʼ

Jefta anorwadziwa paanoona mwanasikana wake achitanga kuuya kuzomugamuchira

Jehovha anoterera chipikirwa chaJefta, saka anomubetsera kuwana rukundo. Pakadzoka Jefta kumusha, unoziva here ari uyo anotanga kubuda kuzosangana naye? Mwanasikana wake, ari mwana wake mumwe bedzi. ʼ0, mwanasikana wangu!ʼ Jefta anochema. ʼRusuruvaro rwakadini rwaunondiunzira. Asi ndakapikira Jehovha, uye handingakudzori.ʼ

Panonzwa mwanasikana waJefta nezvechipikirwa chake, pakutanga anosuruvarawo. Nokuti chinoreva kuti achatofanira kusiya baba vake neshamwari. Asi achapedzera humwe upenyu hwake mukubatira Jehovha patabernakeri yake muShiro. Nokudaro anoudza baba vake kuti: ʼKana makaita chipikirwa kuna Jehovha, munofanira kuchichengeta.ʼ

Zvino mwanasikana waJefta anoenda Shiro, uye anopedzera humwe hwoupenyu hwake mukubatira Jehovha patabernakeri yake. Mazuva mana mugore riri rose vakadzi vokwaIsraeri vanondomushanyira ikoko, uye vanova nenguva inofadza pamwe chete. Vanhu vanoda mwanasikana waJefta nokuti mubatiri akanaka kwazvo waJehovha.

Vatongi 10:6-18; 11:1-40.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe