RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 8
  • Hofori Mupasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hofori Mupasi
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Rupandukiro Munzvimbo Yemidzimu
    Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
  • Ngirozi—Kutibatsira Kwadzinoita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kubatsira Kunobva Kungirozi dzaMwari
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 8
Hofori iri kuda kurova mumwe murume

NHAU 8

Hofori Mupasi

KUDAI mumwe munhu akanga achiuya kwauri uye akareba tsoka pfumbamwe, waizofungei? Kuti munhuyo angava hofori! Pasi pano pane imwe nguva paiva nehofori chaizvoizvo. Bhaibheri rinoratidza kuti madzibaba adzo aiva ngirozi dzakabva kudenga. Asika kungadaro sei?

Yeuka, ngirozi yakaipa Satani yakanga yakabatikana nokuparira chinetso. Yanga ichitoedza kuti ngirozi dzaMwari dzive dzakaipa. Munguva yakati o, dzimwe dzeidzi ngirozi dzakavamba kuterera Satani. Dzakarega basa raiva naMwari rokuti dziite mudenga. Uye dzakaburukira pasi pano ndokuzviitira dzimene miviri yavanhu. Unoziva kuti nei here?

Bhaibheri rinoti imhaka yokuti vanakomana ava vaMwari vakaona vakadzi vakanaka pasi pano ndokuda kugara navo. Saka vakauya kupasi ndokuroora vakadzi ava. Bhaibheri rinoti kwakanga kwakaipa, nokuti Mwari akaita ngirozi kuti dzigare mudenga.

Apo ngirozi navadzimai vadzo vakava navana, ava vana vaiva vakasiana. Pakutanga vangave vasina kuoneka vakasiana kwazvo. Asi vakaramba vachingokura zvikuru, vachingoramba vachisimba zvikuru, kusvikira vava hofori.

Hofori iri kubira imwe mhuri zvekudya

Hofori idzi dzaiva dzakaipa. Uye nokuti dzaiva dzakakura zvikuru uye dzakasimba, dzaizokuvadza vanhu. Dzaiedza kumanikidzira ari wose kuva akaipa saidzo dzimene.

Enoki akanga afa, asika pasi pano paiva nomumwe murume zvino akanga akanaka. Zita romurumeyu rainzi Noa. Aigaroita icho Mwari aida kuti aite.

Parimwe zuva Mwari akaudza Noa kuti nguva yakanga yasvika yokuti Iye aparadze vanhu vose vakaipa. Asi Mwari aizoponesa Noa, mhuri yake nezhinji dzemhuka. Ngationei kuti Mwari akakuita sei.

Genesisi 6:1-8; Judha 6.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe