Fundo 38
Kuenderera Mberi Kwako Ngakuoneke
1, 2. Nei isu tose tichifanira kufunga pamusoro pokuenderera mberi?
1 Wasanofunga uye washandisa zvidzidzo zvose zviri mubhuku rino, zvino wagadzirira here kupedza Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari? Aiwa, nokuti ichochi ipurogiramu inopfuurira yokurovedza vashumiri. Hapana kupedza kana toreva nezvokuvanzarika kuziva Mwari uye kushandisa zvaunodzidza. Panzvimbo pezvo, somudzidzi anoshingaira unogona kupfuurira kuita kuenderera mberi kunocherechedzwa naavo vakarovedzana newe.
2 Muapostora Pauro akakurudzira munamati biyake muduku Timotio ku‘pfuurira kuzvishandisa kurava pachena, kurayira, kudzidzisa, kufungisisa zvinhu zvaakanga adzidza, kunyura mazviri, kuti kuenderera mberi kwake kuoneke navanhu vose.’ (1 Tim. 4:13, 15) Iwewo somunamati waMwari mumwe cheteyo unogona kuita kuti kuenderera mberi kwako kuoneke kuvamwe. Unogona kupfuurira kuita kudaro usingambosviki nguva pasisina mukana wokufambira mberi. Jehovha ndiye mavambo ezivo yose yechokwadi, uye mavambo iwawo akaita setsime risingayereki remvura inozorodza. Kunyange zvazvo tisingatongogoni kunzwisisa udzame hwaro chose chose, tinogona kupfuurira kuwana upenyu uye zorodzo mahuri kusvikira kunguva isingazivikanwi. (VaR. 11:33, 34; Isa. 55:8, 9) Ipapoka, kuenderera mberi kwako kunogona kuonekwa sei navacherechedzi?
3, 4. Kuenderera mberi kunoratidzwa sei muchikoro choushumiri napamimwe misangano yeungano?
3 Nzira dzinooneka nadzo kuenderera mberi. Imwe nzira inooneka nayo kuenderera mberi kwako ihurukuro dzako dzechikoro choushumiri. Unganzwa hako kuti hausati waenderera mberi zvikuru, asi vamwe vangacherechedza kufambira mberi kwako kunyange kupfuura zvaunoita. Muna ikoku tose takafanana nomwana anoshuva kuti dai kusina kutora nguva refu kwazvo kukura, asi apo hama dzokunyama dzinoshanya, dzinokuwa kuti: “Maiwe, wakura chaizvo!” Funga shure kusvikira kuhurukuro yokutanga chaiyo yawakakurukura muchikoro. Unoiyeuka here? Enzanisa iyoyo nehurukuro dzawakakurukura nguva pfupi yapfuura. Wadzidza zvakawanda ndokuwana ruzivo rwokuzviwanira runokosha kuvambira panguva iyeyo, hauna here? Ipapo ramba uchifambira mberi.
4 Hamusati muchingova muhurukuro bedzi muchikoro choushumiri umo kuenderera mberi kunooneka. Kunocherechedzwawo pamisangano yeungano. Unopinda misangano nguva dzose here? Kana uchidaro, kunoratidza kuti uri kufambira mberi, kuti unoonga gadziriro dzaJehovha dzegarikano yedu yomudzimu. Mukuwedzera, kunaka kwetsinhiro dzinopiwa pamisangano kunogona kupa ufakazi hwokuenderera mberi. Avo vanopa tsinhiro mumashoko avo vamene, panzvimbo pokungorava, vanoratidza kufambira mberi. Nomutoo wakafanana, avo vanotsinhira pamusoro perevo uye ukoshi muupenyu hwedu pamusoro pamashoko ari kufundwa vanoratidza kuti vari kukudziridza nzwisiso. Nokudaro, kupinda misangano nguva dzose uye kunaka kwokutora rutivi kwomunhu oga mairi zvakafanirwa necherechedzo pakurangarira kuti kuenderera mberi kwakadini kwakaitwa.
5. Chii chinopa ufakazi hwokuenderera mberi muushumiri hwomumunda hwomunhu?
5 Uye zvakadiniko nezvokuenderera mberi kwawakaita muushumiri hwomumunda? Unoyeuka manzwire awakaita apo wakasvika suo riya rokutanga sezvawakatanga mubasa here? Enzanisa ikoko nemano ako pamasuo zvino. Pave pane vandudziko, pave pasina here? Asi, pasina mubvunzo unoziva kuti pane nzvimbo yeimwe vandudziko mukubudirira pakuparidza napakudzidzisa. Uyewo, ungagona here kuva negoverano yakazara zvikuru mumativi ose ebasa anokubvirira? Muapostora Pauro akarayira kuti: “Sezvamakadzidza kwatiri mutoo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambawo, . . . muwanze nokuwanzisisa pana izvozvo.” (1 VaT. 4:1) Sezvaunoramba uchienderera mberi, uchiva negoverano yakazara zvikuru mubasa raJehovha, kuparidza kwako nokudzidzisa hazvisati zvichingova bedzi zvinobudirira zvikuru, asi kunzwisisa kwako ropafadzo yokubatira Jehovha kuchakudzwa. Kunyange apo kuita kwavanasaimba kunenge kusina kunaka, uchangokurangarira seropafadzo yokuve washandiswa naJehovha kuendesa shoko rake kuvanhu.
6. Kurukurirano yomunhu ingagona sei kuratidzira kukura mumudzimu?
6 Kuenderera mberi kwomunhu kunoonekawo mukurukurirano. Jesu akataura kuti ‘muromo womunhu unotaura zvinobva muzvakawanda zvomwoyo wake.’ (Ruka 6:45) Apo kurukurirano yomunhu inonyanyonanga pana Jehovha namadonzo ake, kuri pachena kuti pave pane kuenderera mberi. Kunoratidza kuti munhu iyeyo ari kukura mukunzwisisa Jehovha, kuti ari kuswedera pedyo zvikuru naMwari. Uye kana tikaswedera pedyo zvikuru naye, kuchabatira zvikuru sedziviriro kwatiri.
7. Kuenderera mberi mukushandisa nheyo dzeBhaibheri kungava pachena kupi?
7 Kuenderera mberi kunooneka mukushandiswa kwenheyo dzeBhaibheri muupenyu hwezuva nezuvawo. Hakusati kuri kwechokwadi here kuti unozviwana uchiita zvinhu nomutoo wakasiyana zvino kupfuura zvawaiita kare usati warovedzana neShoko raJehovha? Sezvingabvira uku kufambira mberi mukuita zvinhu nenzira yaJehovha kunoratidzirwa mumubato wako munzvimbo iri yose. Kunooneka mumusha mako, mukubata kwako nemimwe mitezo yemhuri yako. Kunoratidzirwa mukuita kwaunoita mitoro yako. Kubasa rako rokunyika unongwarira zvikuru kushandisa nheyo dzeBhaibheri. Kwose ikoku ufakazi hwokuti waita mwero wakati wokufambira mberi. Asi panowo tose tinogona kushandira vandudziko, tichitsvaka kushandisa nheyo dzeBhaibheri zvizere zvikuru.
8, 9. Kana tichizviita vanoshandisika kuti tibatsire vamwe vaparidzi, ikoku kunoratidzirei, uye mikanai iripo yaikoku?
8 Zviite anoshandisika. Imwe nzira yokuita nayo kuti kuenderera mberi kuoneke ndeyokuzviita vanoshandisika nokuda kwebasa raJehovha kusvikira kutambanuko huru zvikuru. Pisarema 110:3 (NW), inoti: “Vanhu venyu vachazvipa nokudisa pazuva resimba renyu reuto.” Ikoko ndokwechokwadi newe here? Kungagona kuva kwechokwadi nezvako here kunyange kusvikira kutambanuko huru zvikuru munguva yemberi?
9 Unogona kuratidza kudisa kupfurikidza nokuva anoshandisika kubetsera vamwe, kuvaratidzira kuitira hanya kwechokwadi. Vakuru vari muungano vangakukumbira kubatsira hama kana kuti hanzvadzi munzira yakati. Ivava vangada betsero mukusvika kumisangano. Unoshandisika kuti ubatsire here? Hausati uchifanirawo kumira kutozosvikira mumwe munhu akumbirawo rubatsiro rwako. Kuregerei kuzvipira, uchipa betsero kuavo vanoratidzika kuida? Mumwe munhu ari kurwara here kana kuti ari muchipatara? Hakusati kuri madikanwa kumira kutozosvikira vakuru vatiudza ikoku, asi unogona kutanga ndokuvashanyira kana kuti kubetsera nenzira yakati kana uchiziva nezvokudikanwa kwacho. Une fundo yenguva dzose yemhuri yeBhaibheri mumusha mako here? Kungabetsera mhuri ichangobva kusonganira isina fundo yakadaro kudai ukavakoka kukumbanira mhuri yako nokuda kweiyi fundo panguva nenguva here? Kana kuti kana uchipinda muushumiri hwomumunda uri woga, pane vamwe here vangabuda ukakarakadza kuenda navo? Kuregerereiko kufanoronga kukoka mumwe muparidzi kuti aende newe? Hungu, vabatiri vaJehovha vakabatikana zvikuru mazuva ano, asi kudisa kwedu kubatsira dzimwe hama nehanzvadzi ndiwo mwero wokuenderera mberi kwedu. “Zvino zvatine nguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kuna veimba yokutenda.”—VaG. 6:10.
10, 11. Mutsinhirano na1 Timotio 3:1, hama dzinogona sei kuzviita dzinoshandisika?
10 Kana uri hama, unogona kuzviita anoshandisika kupfurikidza nokushandira kusvitsa zvikwaniriso zvakarongwa muShoko raMwari nokuda kwaavo vanotungamirira muungano. Timotio Wokutanga 3:1 anorumbidza avo vanosvasvavirira utariri. Iyi haisati iri nhau yokuzvisunda kuti ugocherechedzwa, kana kuti kupitsirana navamwe. Inhau yokushandira kuzvibvumikisa kuva muKristu akakura mumudzimu, “murume mukuru,” akakwaniriswa uye anodisa kubatira munzvimbo ipi kana ipi inodikanwa. Uye kunodikanwa “varume vakuru” na“vabatiri vanoshumira” vazhinji muungano imwe neimwe vokutungamirira mukudzidzisa, kuparidza uye kutarisira mabasa eungano.
11 Vanodisa vanogona kufarikanya ropafadzo zhinji muungano. Vangakumbirwa kuva mumienzaniso mumusangano webasa kana kuti kubatsira vakuru kana kuti vabatiri vanoshumira nemhaka yokuti vakaratidza kudisa uye vakazviratidza kuva vakavimbika mukutarisira basa ripi kana ripi ravakapiwa. Apo kudikanwa kunomuka, kudisa kwavo uye kuenderera mberi zvingavaratidzira sehama dzingarumbidzwa savabatiri. Vanogadzirwei? Nemhaka yokuti vakaratidza kudisa uye vakaenderera mberi, zvino vosvitsa zvikwaniriso izvo Jehovha akaronga muShoko rake. Avo vanogadzwa savabatiri vanokokwa kuZvikoro Zvoushumiri hwoUmambo zvapanhambo nenhambo nokuda kwerovedzo yokuwedzera mukutarisira zvinhu zveungano.
12, 13. Ndimamwe maropafadzoi akazarukira vazhinji vanodisa uye vanokwanisa kuzviita vanoshandisika?
12 Kune ropafadzo dzokuwedzera idzo vose vangafarikanya kana vachidisa uye mamiriro avo ezvinhu achibvumira. Ungagona kuzvipa here panhambo nenhambo sapiyona webetsero seizvo makumi ezviuru avamwe akaita? Zvichida ungagona kuva piyona wenguva dzose ndokukumbanira nhamba dzavo dzinokura. Mamiriro ako ezvinhu zvomunhu oga uye murangariro wako kubasa raJehovha ndezviya here zvingaita kuti ungatova anodisa kutamira kune imwe nzvimbo kunobatira, kana kuriko kunodikanwa? Vazhinji vakaita ikoku samapiyona chaiwo, kana kuti kupfurikidza nokuenda kuchikoro cheGilead ndokupinda mubasa roufundisi, kana kuti savaparidzi vakatamira kunobatira kune kushayiwa kukuru zvikuru. Vamwe vakatanga kushanda mumisha yakasiyana-siyana yeBheteri munyika yose. Ivo vakakomborerwa zvikuru kwazvo nemhaka yokuti vakazvipa nokudisa kuna Jehovha.
13 Dzino inguva dzinofadza dzokurarama madziri. Jehovha ari kuita kuti basa rakaisvonaka rokuparidza nokudzidzisa riitwe mupasi muna ano “mazuva okupedzisira.” Apo, kupfurikidza nesangano rake, Jehovha anotambanudza kokero yorutivi rwakati rwebasa, zvibvunze kuti: “Ichecho ndichimwe chinhu icho Jehovha ari kutaura kwandiri here?” Nzvera mamirire ako umene ezvinhu, mwoyo wako umene. Sezvingabvira zvikuru watoita mwero wakati wokuenderera mberi uye unoratidza kudisa kwakati, uye ikoko kwakaisvonaka. Asi pane dzimwe nzira umo kuenderera mberi kwako kunogona kuitwa kuti kuoneke, kupfurikidza nokuzviita anoshandisika kusvikira kumwero wakazara zvikuru here? Sezvaunokura mukugamuchira murayiridzo waJehovha nokuzviisa pasi penhungamiro yake, uchakomborerwa zvikuru kwazvo. Vabatiri vanodisa vaJehovha munyika yose vanogona kupupurira kuti ikoku kwakadaro. Zvirokwazvo, pakuenderera mberi kwedu pakatsamira chikomborero chikurusa chazvose, upenyu husingagumi munyika itsva yaMwari. Ndicho chikonzero nei Shoko raMwari richikurudzira kuti: “Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe navanhu vose. Ramba uchizvingwarira iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti kupfurikidza nokuita izvi uchazviponesa iwe naavo vanokuteerera.”—1 Tim. 4:15, 16, NW.