RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 35 pp. 172-175
  • Mashoko Akodzereswa Ushumiri Hwomumunda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Akodzereswa Ushumiri Hwomumunda
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Mashoko Anorayiridza, Apiwa Zvakajeka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kushandisa Mashoko Akapiwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ukoshi Hwegadziriro
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kushandisa Chikoro Kuvandudza Ushumiri Hwomumunda
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 35 pp. 172-175

Fundo 35

Mashoko Akodzereswa Ushumiri Hwomumunda

1-3. Nei kuchikosha kudzidza kukodzeresa mashoko edu noushumiri hwomumunda?

1 Rutivi rukuru rwebasa redu savashumiri vechiKristu nhasi rwunobatanidza kuparidza uye kudzidzisa Shoko raMwari vanhu vanoziva zvishomanene zvikuru pamusoro peBhaibheri. Vamwe vavo havana kutongova naro; vamwe vanongova zvavo nekopi iri pasherefu. Ikoku kunoreva kuti, kana vachizowana betsero yakazara mune zvatinovaudza, tinofanira kuzvikodzeresa namamiriro avo ezvinhu. Hakusati kuri kuti tinochinja shoko racho, asi tinoita nhamburiko chaiyo yokuritaura nomutauro wavachanzwisisa. Chaizvoizvo, kukumbirwa kukodzeresa mashoko edu neiyi nzira muedzo wokuti tinosanoanzwisisa sei isu timene.

2 Kukodzeresa kunoreva kuchinja kuwirirana nemamiriro ezvinhu matsva, kuwiriranisa. Kunoreva kuwiriranisa chimwe chinhu kusvikira pakugutswa kwako umene kana kuti kwomumwe. Kurangarirwa kwenhau yokukodzeresa mashoko noushumiri hwomumunda kunofanira kusimbisa kudikanwa kwokuita kuti mharidzo dzomuushumiri hwomumunda kana kuti imwe hurukuro ipi neipi ive yakapfava uye inonzwisisika kuvateereri vakati uye zvikurukuru vanhu vachangobva kufarira vanosanganwa navo muushumiri hwomumunda. Mukushandira pane iri vara muchikoro, naizvozvo, nguva dzose unofanira kurangarira vateereri vako sezvawaizoita vanhu vaye vaunosangana navo mukupupura paimba neimba.

3 Ikoku hakusati kuchifanira kutaura kuti hurukuro yako inofanira kuva nechimiro chemharidzo yepasuo nesuo paunenge uchishandira pane iri vara. Hurukuro dzose dzichava dzakafanana mumutoo wokupa sezvakarongwa mumirayiridzo yako yazvino yechikoro. Chakunoreva ndechokuti, pasinei zvapo norudzi rwemharidzo rwauri kuita, zvibvumikiso zvaunokudziridza uye mutauro waunoshandisa zvichava rudzi urwo ungashandisa navanhu vanosanganwa navo mumunda. Kuzhinjisa kwokutaura kwedu zvakunoitwa muushumiri hwomumunda, ikoku kunofanira kukubetsera kuziva kudikanwa kwokutaura zvakapfava, pamwero uyo vanhu vazhinjisa vanosanganwa navo mubasa romumunda vangagona kunzwisisa. Wakambogadzirira vara iri muFundo 21. Zvino rinofanira kurangarirwa rakaparadzana nemhaka yokudikanwa kwaro kwakatanhamara noukoshi.

4, 5. Tsanangura chikonzero nei mashoko edu achifanira kuitwa kuti ave anonzwisiswa navanhu.

4 Mashoko aitwa kuti anzwisiswe navanhu vose. Kudikanwa kweiri vara kunoratidzirwa namashoko anoshandisa dzimwe hama muushumiri hwapaimba neimba napafundo itsva. Kunzwisisa kwedu Magwaro kwakaita kuti tive namashoko asingawanzozivikanwi. Tinoshandisa mashoko akadai seokuti “vakasarira,” “mamwe makwai,” uye zvichingodaro. Kana tikaashandisa mukutaura kwedu, mashoko akadaro anowanzosatongopa revo kuna vanhu vaye vatinosangana navo mubasa romumunda. Anofanira kujekeswa kupfurikidza nekushandiswa kweshoko rine revo yakafanana kana kuti tsananguro kuti rinzwisiswe. Kunyange kududza “Amagedhoni” uye “kugadzwa kwoUmambo” kunopa revo duku pasina tsananguro yakati pamusoro perevo yawo.

5 Mukurangarira urwu rutivi, anokupa zano achave achizvibvunza kuti, Munhu asina kurovedzana nechokwadi cheBhaibheri anganzwisisa pfundo irero here kana kuti shoko? Haasati hake achizoita kuti urege kushandisa mashoko akadaro oubati ushe hwaMwari. Iwo rutivi rwamashoko edu uye tinoda kuti vanhu vachangobva kufarira varovedzane nawo. Asika kana uchishandisa api naapi amashoko iwawa, achacherechedza kana achitsanangurwa.

6-8. Mukugadzirira hurukuro dzedu, nei tichifanira kungwarira kusarudza mapfundo akakodzera?

6 Mapfundo akakodzera asarudzwa. Kusarudza kwako mifungo yokupa mubasa romumunda kuchasiyana kungofanana namashoko aunoshandisa anosiyana, kuchitsamira pamamiriro ezvinhu. Ikoko imhaka yokuti kazhinji kazhinji pane zvinhu zvatingasasarudza kukurukura nomunhu achangobva kufarira. Mumamirire ezvinhu akadaro kusarudzwa kwamashoko kuri kwauri chose chose. Asi apo unopiwa mugove muchikoro, mashoko aunofanira kufukidza akafanokusarudzirwa. Chisarudzo chaunongova nacho bedzi chinobva mune zviri mumugove wacho. Chii chaunofanira kuita?

7 Kutanga, zvawakaganhurirwa mumapfundo aunogona kushandisa, unofanira kusarudza marongerwo ehurukuro yako ayo achabvumira kusarudzwa kukurusa kwamapfundo akakodzera. Anokupa zano achafarira mapfundo aunosarudza uye kukodzera kwaanoita mamirire ezvinhu ehurukuro yako. Ikoko imhaka yokuti uri kuratidzira, mune iri vara riri kurangarirwa, kuti mativi akasiyana-siyana ebasa romumunda anoda marudzi akasiyana-siyana amashoko. Somuenzaniso, ungasashandisa mashoko mamwe chetewo mukukoka munhu achangobva kufarira kumusangano sezvaungaita mukupa mharidzo yapasuo nesuo. Naizvozvo, kana mugove wako uchida kurukurirano nasaimba kana kuti uchifanira kuva hurukuro yenguva dzose yapachikuva, zivisa vateereri vakati vauri kutaura kwavari kupfurikidza nezvinhu zvaunotaura uye kupfurikidza namapfundo aunosarudza mumashoko akagoverwa.

8 Kuti asarudze kana mapfundo akakodzera kana kuti asina, anokupa zano acharangarira chinangwa chehurukuro yako. Mushanyo yapaimba neimba donzo rako kazhinji kazhinji nderokudzidzisa uye kunyandura saimba kufunda zvizhinji. Pashanyo yedzokerero chinangwa chako ndechokukudziridza kufarira uye, kana zvichibvira, kutanga fundo yeBhaibheri yapamusha. Kana iri mharidzo pashure pefundo, ipapoka ndeyokuita kuti saimba apinde musangano kana kuti kupinda mubasa romumunda, uye zvichingodaro.

9, 10. Tinogona sei kuziva kana mapfundo atakasarudza akakodzera?

9 Chokwadika, kunyange murutivi rumwe cheterwo rwebasa, kusarudza kwako mapfundo kungasiyana nemhaka yavateereri vako. Naizvozvo ikoku kunofanira kurangarirwawo. Mapfundo aye ari mumashoko ako akagoverwa ayo asina kukodzera chinangwa chako haasati achifanira kupinzwa muhurukuro yako.

10 Nemhaka yeizvi zvinhu marongero acho anofanira kusarudzwa hurukuro isati yagadzirirwa. Zvibvunze kuti: Chii chandinoda kuita? Ndaapi ari mapfundo anodikanwa kuti ndiite iri donzo, uye mapfundo iwawa anofanira kuchinjwa sei kuti agokodzera mamiriro ezvinhu ehurukuro yacho? Kana wangosarudza zvinhu izvi chete, mapfundo akakodzera anogona kusarudzwa pasina chinetso ndokupiwa nenzira yakadaro kuti ukodzerese mashoko acho noushumiri hwomumunda.

11-13. Nei kuchikosha kuonesa ukoshi hunoshanda hwamashoko atapa?

11 Ukoshi hunoshanda hwamashoko hwasimbiswa. Kusimbisa ukoshi hunoshanda hwamashoko kunoreva kuratidza saimba zvakajeka uye zviri pachena kuti ane chokuita naye, kuti ndichimwe chinhu chaanoda kana kuti chaanogona kushandisa. Kubvira pamavambo chaipoipo pehurukuro saimba anofanira kuziva kuti “izvi zvinondibatanidza.” Ikoku kuri madikanwa kuti ugowana ngwariro yavateereri. Asi, kubata ngwariro iyeyo, kuri madikanwa kupfuuridzira kushandisa kumwe cheteko somunhu oga mashoko acho nguva dzose muhurukuro yacho yose.

12 Ikoku kunobatanidza zvinopfuura kutarisana navateereri bedzi uye kubetsera vateereri vako kurangarira. Zvino unofanira kupfuura ndokukodzeresa chaizvoizvo saimba wako nokushandiswa kwamashoko acho. Donzo redu muushumiri hwomumunda nderokudzidzisa vanhu chokwadi cheShoko raMwari uye kuvabetsera kudzidza nzira inoenda kuruponeso. Naizvozvo, nokungwarira pakutaura uye nokurangarira pakutaura, unofanira kuratidza saimba wako betsero dzinoshanda kwaari dzokuteerera nedzokuita chiito pane zvaunotaura.

13 Kunyange zvazvo urwu rutivi rwevara rwuchidudzwa pakupedzisira, hakusati kuri nemhaka yokuti rinokosha zvishomanene. Ipfundo rinokosha uye harisati richitongofanira kufuratirwa. Rishandire, nemhaka yokuti rinokosha muushumiri hwomumunda. Hausati uchizowanzokwanisa kubata ngwariro yasaimba kwourefu hupi nohupi hwenguva kutoti iye achigona kuona zvakajeka kuti zvauri kutaura ndezvoukoshi muupenyu hwake amene.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe