RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 17 pp. 84-90
  • Nzira Yokunyora Nayo Tsamba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yokunyora Nayo Tsamba
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Kunyorerana Tsamba
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Tsamba Dzakanaka
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 53—2 VaTesaronika
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 17 pp. 84-90

Fundo 17

Nzira Yokunyora Nayo Tsamba

1, 2. Tsamba dzinogona kuita madonzoi akanaka?

1 Muungano yapakuvamba yechiKristu tsamba dzakashandiswa zvakanaka munzira dzakati. Dzaiva mutoo wekukurukura nawo neungano. (VaF. 1:1) Dzaishandiswa kukurudzira avo vakanga vagamuchira mabasa chaiwo. (2 Tim. 1:1, 2, 6) Tsamba dzakavaka avo vakanga vachangobva kuva vatendi kana kuti avo vaitarisana nechinetso. (1 VaT. 1:1-7; 3:1-7) Uye vaKristu vapakuvamba vaishandisa tsamba kuti vataure naavo vakanga vava pedyo navo mubasa raShe.—3 Joh. 1, 14.

2 Vashumiri voUbati Ushe hwaMwari vanhasi vanewo zvikonzero zvizhinji zvokunyora tsamba, uye tsamba idzodzi dzinogona kuita zvakanaka zvizhinji. Tsamba dzebhizimisi dzingava dziri madikanwa padzimwe nguva. Vakuru vakuru vehurumende vanganyorerwa pamusoro pebasa roUmambo. Vanogara mumafurati, pamwe chete naavo vanogara munzvimbo dziri kure, kazhinji kazhinji vanogona kuitwa kuti vawane “mashoko akanaka” kupfurikidza bedzi netsamba. Vamwe vaparidzi vari muungano menyu vangave vakatama, kana kuti hama dzokunyama dzingagara kune daro rakati, uye iwe ungada kuratidzira kuvaitira hanya kwako kworudo kupfurikidza nokunyora tsamba. Uyewo, pane nguva apo unotumira tsamba yokuratidzira kuonga kana kuti yokunzwira urombo.

3. Kuti dzive dzinofanirwa noushumiri hwedu, chii chinofanira kuratidzira tsamba dzedu?

3 Tsamba dzedu dzinofanira kuva dzakakodzera ushumiri hwedu hwatakapiwa naMwari. Dzinofanira kuva dzine ushamwari, dzokungwarira pakutaura uye dzinoratidza kurangarira kworudo avo vanodzirava. Dzinofanira kuva dzakanaka nedzinovaka, panzvimbo pokuva dzakaipa uye dzichiratidzira mudzimu wokunyunyuta, unoparadza kutenda nokuodza mwoyo muravi. “Rudo runosimbisa,” rinodaro Shoko raMwari. (1 VaK. 8:1) Rangarirawo chitarisiko chose uye murangariro uchapiwa netsamba yacho. Kungoitira rutsvindo, zvinobetsera kuva nomucheto wakaenzana zvikuru mumativi uye pasi petsamba yacho. Kusvibisa nokudzima hakupi murangariro wakanaka. Uyewo, zviperengo zvakanaka nokuronga mitsetse zvinofanira kungwarirwa. Zvisinei, kana usiri nyanzvi pana izvozvi, usarege zvichikuodza mwoyo kuti urege kunyorera shamwari. Ushamwari, fariro uye mbavarira zvinowanzotsiva zvikuru zvikanganiso zvezviperengo nemarongerwe emitsetse. Asi zviperengo zvinogona kuvandudzwa nokushandisa duramanzwi, uye marongerwe emitsetse anogona kuvandudzika sezvatinocherechedza mabatanidzire anoita vamwe mashoko uye zvikamu zvamashoko. Tichirangarira mapfundo iwawa, ngatinyatsonzvera zvino marudzi akasiyana-siyana etsamba dzatingava nenhambo yokunyora pamusoro poushumiri hwedu.

4. Rondedzera chimiro chakafanira chetsamba yebasa.

4 Tsamba dzebasa. Paunonyora tsamba yebasa, kune mufungo kuisa zita rako, kero nomusi pamusoro petsamba. Iwoyu unonzi musoro uye unooneka kurutivi rwokurudyi rwepepa. (Mutsamba dzokuWatch Tower Society, musoro wacho unofanirawo kuva nezita reungano yomutumiri, kana ichibata nenhau dzeungano.) “Kero yomukati” iri kurutivi rworuboshwe rwepepa asi iri pasi zvishoma pemusoro. Pano unogovera zita nekero zvefemu kana kuti munhu wauri kunyorera. Chinotevera munhevedzano ikwaziso. Pakunyorera mafemu kana kuti vamwe vanhu vasina kubatana nezvapupu zvaJehovha, kwaziso dzakadai sokuti “Changamire Anodiwa,” “Machinda,” “Va— Vanodiwa” zvichingodaro dzakakodzera. Pakunyorera Sosaiti navamwe vari zvapupu zvaJehovha, ndokwomuitiro kushandisa kwaziso dzakadai sokuti “Hama Dzinodiwa” kana kuti “Hama Inodiwa——.” Pakupedzisira pane chikamu chamashoko chakadai sechokuti “Wenyu wapachokwadi” kana kuti “Wenyu zvechokwadi.” Pakunyorera avo vari mukati mesangano raJehovha zvikamu zvamashoko zvokupedzisira zvakadai sezvokuti “Hama yenyu” kana kuti “Mubatiri biyenyu” zvakakodzera. Ichochi chinovambira pakati pepeji uye chinoteverwa nekoma. Pazasi pacho zvishomanene, saina zita rako. Apo tsamba inonyorerwa Sosaiti ichimiririra ungano kana kuti dunhu, munyori wacho angaratidzirawo basa rake, zvakadai sokuti “Mutariri Anotungamirira” kana kuti “Mutariri Wedunhu,” pazasi zvishomanene pesiginicha yake.

5, 6. Chii chinofanira kutanga kutaurwa mutsamba, uye chii chinowanzobetsera kuti pave nemhinduro yakanaka?

5 Pamavambo chaipoipo zvikuru petsamba yako, dudza donzo rayo. Ipapo mugamuchiri achakurumidza kuziva kuti uri kunyorerei. Kana tsamba yacho ichitevera tsamba yomunguva yakapfuura, kwaizova kwakanaka kududza tsamba iyoyo yomunguva yakapfuura uye musoro wakananga wayakabata nawo. Uye apo kunyorerana tsamba nesangano guru rine madhipatimendi mazhinji kunoitwa, kunobetserawo kuratidzira zviratidzo zvinozivisa zvipi nezvipi zvaiva patsamba yokupedzisira yawakagamuchira ichibva kusangano racho. Kana uri mutumbi wetsamba yacho, uchawana kuti migumisiro yakanaka inobva mukushandisa ndima yakaparadzana nokuda kwenhau imwe neimwe yakananga kana kuti pfungwa. Izvi zvinobetsera kuita kuti mapfundo akasiyana-siyana ari mutsamba yako abude pachena zvakajeka uye kunowanzoguma nekubetserwa kuri nani. Kana tsamba yacho rumwe rutivi rwuri rwebasa rumwe rusiri, zvakanakisisa kutanga nenhau dzebhizimisi.

6 Kupfupikisa kunokosha nguva dzose mukunyora tsamba, bva mashoko aunoda kupa anofanira kuva akajeka uye akakwana. Asi kana mashoko asiri madikanwa kana kuti mifungo inodzokororwa ikabviswa, tsamba yako ichashanda zvikuru. Zvinobetsera kuita kuti donzo retsamba yako rijeke kana ukasiya mashoko asina chokuita nenhau yako. Uyewo, kutaura kwokuonga kwapachokwadi nhamburiko yavamwe kunowanzova kwakakodzera. Kunyange netsamba yebasa iri kupa udzame hwechinetso chakati, mhinduro inowanzova iri nani apo unoshandisa kutaura kwakadai sokuti, “Ndinoonga zvikuru kwazvo zvamuri kuita (kana kuti zvamungakwanisa kundiitira) nokuda kwangu munhau iyi chaiyo.”

7-9. Chii chingataurwa mutsamba inonyorerwa kupa uchapupu?

7 Kupa Uchapupu. Kunyora tsamba kwakabvumikisawo kuva kunokosha mukuparidza shoko roUmambo. Mune dzimwe nharaunda mune mafurati mahombe kana kuti mahotera anogarwa asingagoni kushandwa norusununguko, asi tinogona kunyorera vagari vemo tsamba. Ipapowo vamwe vanhu havawanzowanika pamba mubasa rapaimba neimba, asi vanotora tsamba dzavo. Uye, kumuparidzi asingagoni kubva pamusha pake, kunyorera vanhu ava tsamba kungava nzira bedzi yaanayo yokugoverana nayo navamwe shoko roUmambo.

8 Pakunyora tsamba yokupa uchapupu pamusoro poumambo hwaMwari, zvakanaka kutanga kuzvisuma. Ungadawo kutaura kuti nei uri kunyora panzvimbo pokushanya iwe pachako. Kuva kwako wapachokwadi kuchaorora mugamuchiri. Ipapo tanga kutaura zvawaida kumuudza iwe pachako kudai wanga wagona kushanya. Hazvina kuoma kuita kana ukashandisa nheyo dzawave uri kudzidza muchikoro choushumiri. Ungashandisa mharidzo yaMagwaro yomuchinyorwa chazvino uno choUshumiri Hwedu hwoUmambo kana kuti kunyora namashoko ako umene chikamu chamashoko chomuchinyorwa chazvino uno cheNharireyomurindi kana kuti Mukai! kana kuti bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Ungapfigirawo turakiti, magazini kana kuti bhukwana ndokukurudzira munhu wacho kurirava. Tsanangura chikonzero nei mashoko aya achikosha kwazvo. Sezvaunoita mubasa rapaimba neimba, ungakarakadza kuti iye arave magwaro muBhaibheri rake amene. Ipapo, uchirangarira kusakurira fariro ingave yamutswa, muudze kuona kwaangakuita ndokumukumbira kuita kudaro. Ipa zita rako nekero zvakajeka kuitira kuti kana achida kukuonga kana kuti kunyoresa Nharireyomurindi kana kuti Mukai!, achaziva kwokunyorera.

9 Kunze kwehamvuropu, ratidza kero yako umene nguva dzose. Nzvera kuti uve nechokwadi chokuti washandisa zvitambi zvakakwana, zvikurukuru kana wapfigira bhuku. Kana zvitambi zvisina kukwana, saimba angachajwa mari inoda kuripirwa, uye ikoku kungavhiringidza nhamburiko yako yokupa uchapupu hwakanaka.

10, 11. Nei tsamba kumitezo yemhuri uye shamwari dzichibetsera, uye dzingabatanidzei?

10 Dzinoenda kumitezo yemhuri uye shamwari dzapedyo. Muupenyu hwezuva nezuva tinopa nguva yedu uye ngwariro kumibato iya yatinorangarira kuva inokosha zvikurusa. Asi tinowana nguva yokuti tirambe tichinyorerana nehama dzokunyama dzine rudo uye shamwari dzapedyo here? Vabereki vanoonga zvikuru tsamba dzinobva kuvana vavo, uye vana vanobetserwa netsamba dzinonyorwa navabereki vavo. Kutsinhana “kurukurirano” kupfurikidza netsamba kunoita zvakawanda kuti mitezo yemhuri irambe iri pamwe chete, kunyange apo vanenge vari kure zvikuru. Shamwari dzako nehama dzokunyama dzaizovakwa zvirokwazvo kupfurikidza nokugamuchira ufakazi hwakati kuti hwegarikano yako, tsamba inofadza, izere nenhau yaunonyora nechinyoreso chako kana kuti netapureta. Hauna chokwadi nazvo here? Ipapoka ingofunga zvinoitika kwauri umene. Zvinhu zvishomanene zvinogamuchirwa nomufaro kwazvo setsamba yakaisvonaka. Panowanzova nemufaro unonakidza pamusoro payo. Zvinokufadza kuti mumwe munhu akufunga, handizvo here? Yeuka, vara rakatanhamara ravaKristu nderokuti vadane; uye imwe nzira yokuratidzira nayo kudaro ndeyokunyorerana kunyange muri kure nakure.

11 Asi uchanyora nezvei? Unofarikanya zvinoitika zvinofadza here? Zviya zvinokunakidza kazhinji kazhinji zvichafarikanywa navamwe. Zvingava zvakaitika kwauri muushumiri, kana kuti zvakaitika zvawakanzwa navamwe. (Asi hakusi kuchenjera kupfuudza zvinhu zvinoratidzika kuva zvisina chokwadi.) Padzimwe nguva ungada kuyeuchidza wauri kunyorera zvakaitika zvinofadza zvamakagoverana. Izvi zvinobatanidza shamwari. Unogonawo kunyora pamusoro pezvinhu zvitsva zvawakadzidza. Uye zvakadini nezvinhu zvawave uchiita misi yapfuura iwe pachako, zvichida nzvimbo dzawakashanyira? Zvinhu zvakadaro zvinowanzofadza shamwari. Munhu wauri kunyorera ari kurwara here? Govera mashoko ekurudziro. Ratidza kuitira hanya uye ratidzira tariro yokukurumidza kunaya kwake. Ungataurawo chimwe chinhu chefariro chaiyo chakaitika pamusangano muungano, chimwe chinhu chakanga chichikurudzira uye chichabetsera kuita kuti zuva romunhu ari kurwara rifadze. Uye pamusoro pezvinhu zvokunyora, kana zvichikunetsa kuyeuka zvose zvakaitika nguva pfupi yapfuura kana kuti zvawanga uchifunga, kuregererei kunyora zvinhu papepa rokunyorera pazvinouya mumusoro? Ipapo apo unogara pasi kuti unyore, mashoko acho achave achiwanika nyore nyore.

12, 13. Tsamba dzedu dzingakurudzira sei vamwe muchokwadi?

12 Uyewo pamusoro pezvokunyora, ungagona kufunga nezvechinhu chipi nechipi chinokosha zvikuru kupfuura kukurudzira munhu ari kugamuchira tsamba yacho muchokwadi here? Zvichida mumwe munhu wawaimbofunda naye Bhaibheri akatamira kune imwe taundi. Kana ukanyora tsamba uchiratidzira fariro yako pachako uye uchipa kurudziro, hazvingabetseri kumuita kuti arambe achifarira chokwadi here? Ipapowo funga manzwire anoita vabereki apo mwanakomana kana kuti mwanasikana asiri pamusha anonyora uye ndokuratidzira kuonga kutendeka kwavabereki kuna Jehovha kwamakore uye kurera vana kuti vanzwisise nzira dzaJehovha. Uyewo, zvakadini navaya vakatamira kunharaunda kunodikanwa Zvapupu zvikuru, kana kuti vakagamuchira migove mubasa roufundisi kana kuti mumisha yeBheteri? Ikurudziro yakadini kuti vagamuchire tsamba dzinovarumbidza nokuda kwebasa ravo rokutendeka kuna Jehovha! (Vat. 11:40) Uye vachaonga kana ukabatanidza mutsamba dzako zvinhu zvinotaura zviri kuitika muungano mavaiva.

13 Wedzera kunaka kwetsamba dzako kupfurikidza nokusapedzera pfungwa dzose pauri. Ratidza kufarira munhu wauri kunyorera kupfurikidza nokubatanidza mibvunzo pamusoro pegarikano yake, zvirongwa zvake, maperere akazoita zvinhu zvaakambonyora nezvazvo, shamwari dzenyu mose, uye fambiro mberi yaavo vaari kufunda navo Bhaibheri. Kufarira mumwe munhu kwakadaro kune tapuro yakanaka, inovaka uye kunonyandura kumwe kutsinhana nhau.

14, 15. Chii chinogona kuitwa kuti mhedziso yetsamba yako ive ine revo?

14 Apo unopedza mutumbi wetsamba yako, uchaipedzisa sei? Mhedziso dzine revo dzinoshuviwa zvirokwazvo. Kana tikangoti bedzi, “Ndinofanira kupedza zvino sezvo ndapererwa nenzvimbo,” hazvipi munyori chimiro chakanaka. Kuregerereiko kufunga nezvechimwe chinhu chine revo zvikuru? Muapostora Pauro akashandisa mhatsa yenzira dzinofadza dzokupedzisa tsamba dzake. Somuenzaniso: “Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu.” (VaG. 6:18; 2 VaK. 13:14) Muapostora Johane akagumisa imwe yetsamba dzake neiyi nzira: “Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake.” (3 Joh. 14) Shandisa mhedziso inowirirana nomusoro wose zvawo wetsamba yako uye inokodzerana noukama hwako nomunhu wacho.

15 Kunyora tsamba hakuna kuoma kana uchicherechedza zvinhu zvinoitika makakupoteredza zuva nezuva. Zvizhinji zviri kuitika mukuzadzika uporofita hweBhaibheri. Iyi tsika yekare yezvinhu, kubatanidza sangano rayo rorudzidziso, iri kuenda kumawere. Bva, basa raJehovha rinobudirira zvinoshamisa nemhaka yechikomborero chake pariri. Hama dzako dzinofarira kunzwa mashoko okuwedzera kwoubati ushe hwaMwari munharaunda yako. Pasinei zvapo nokuti uri ani, kuna vamwe vanhu vangafara kugamuchira mutsamba kutaura kwoushamwari, kwako pachako kwokufarira. Uye kuratidza kuitira vamwe hanya uku chaizvoizvo rutivi rwoushumiri hwedu, nokuti kuda kwedu hama hakufaniri kuguma nemhaka bedzi yokuti takaparadzaniswa nedaro. Zvirokwazvo, kunogona kusimbiswa kupfurikidza nokunyora tsamba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe