RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 15 pp. 73-78
  • Kusvika Mwoyo Yavateereri Vako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusvika Mwoyo Yavateereri Vako
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Iva Nomwoyo Unofadza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kushingairira Kusvika Pamwoyo
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Chengeta Mwoyo Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ramba Uine Mwoyo Wakakwana Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 15 pp. 73-78

Fundo 15

Kusvika Mwoyo Yavateereri Vako

1-4. Nei mwoyo uchikosha kwatiri savashumiri?

1 Muapostora Pauro haana kurega kunyengetera kuna Jehovha, nokuda kwaavo akanga aparidzira mashoko akanaka, kuti ‘meso emwoyo yavo agovhenekerwa.’ (VaEf. 1:16-18) Cherechedza kuti iye akataura pano, kwete nezvendangariro, asi nezvemwoyo, sounovhenekerwa. Iye akarevei? Kuti tigova vakurukuri vanobudirira navadzidzisi, tinofanira kunzwisisa iyi nhau.

2 Kupfurikidza naPauro mudzimu waJehovha wakanga uchiwadzanyura izvo wakanga wataura chaizvo kupfurikidza navamwe vabatiri vakavimbika voMuyeri mukuru womwoyo. (Zvir. 21:2) Somuenzaniso, kumugari wenhaka wake weimba youmambo, mukweguru Mambo Dhavhidhi akapa iri zano rakanaka rokuti: “Mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha unonzvera mwoyo yose, unonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo; kana ukamutsvaka, iye uchawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye uchakurasha nokusingaperi.” (1 Mak. 28:9) Kunamata kwechokwadi kunobva mumwoyo ndiko kunounza mufaro kuMusiki.

3 Dhavhidhi Mukuru, Jesu Kristu, akapa zano rakafanana rokuchenjera apo iye akadzidzisa kuti: “Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.” (Marko 12:28-30) Munhau yokufadza Mwari, chiri mumwoyo wechisikwa ndicho choukoshi hukurusa. Apo tinonzwisisa ikoku, mashoko aZvirevo 4:23 anotijekera nesimba guru zvikuru anoti: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.”

4 Iyi nhau yokusvika uye kuorora mwoyo womuteereri mumwe nomumwe inofanira kuva inoitirwa hanya navose vanoparidza nokudzidzisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Inoitirwa hanya nomubereki wechiKristu pakudzidzisa vana, uye nomushumiri mumwe nomumwe anoitisa fundo yeBhaibheri yapamusha avo vachateerera mashoko akanaka. Inofanirwa nokusanorangarirwa nehama dzinodzidzisa dziri pachikuva. Mumamirire ezvinhu ose akadaro tinoedza kuendesa shoko rinokosha rechokwadi kundangariro dzavamwe. Asi tinofanira kuedza kuita zvakawanda zvikuru. Tinoda kusvika mwoyo. Tinoda kupesvedzera vamwe kuti ‘vape mwoyo yavo kuna Baba vakuru vokudenga.’—Zvir. 23:26.

5, 6. Nei tichifanira kuvavarira kuita zvakawanda zvinopfuura kungopa bedzi zivo kundangariro dzavamwe vanhu?

5 Kusiyanisa ndangariro nomwoyo. Mudzidzisi anokwanisa wamashoko akanaka anogona kupa zivo kundangariro dzavateereri. Nokukurumidza mudzidzi kana kuti muteereri anokwanisa kudzokorora uye kutsanangura dzidziso yacho iye pachake. Ainzwisisa uye yasimba mundangariro make. Asi mibvunzo inomuka, Chii chaachaita pamusoro payo? Anongofanira bedzi kupinza zivo here, kana kuti zivo yacho ichamusundira kuchiito?

6 Apa ndipo apo mwoyo unobatanidzwa, nokuti muBhaibheri iwo unobatanidzwa nesundo. Munamati wechokwadi waMwari anogona kutaura nomunyori akafuridzirwa weBhaibheri kuti: “Shoko renyu ndakariviga mumwoyo wangu, kuti ndirege kukutadzirai.” (Pis. 119:11) Mumwe munhu angagona kupinza zivo yakaisvonaka pamusoro pamadonzo aMwari mundangariro make, angagona kunzwisisa zhinji dzenheyo dzakaisvonaka dzeBhaibheri, asi asinayo mumwoyo make kuti ashandise nheyo idzodzo nezivo iyoyo kumararamire ake amene. Vanhu vazhinji vakanzwa zvokwadi dzinozorodza dzeShoko raMwari, asi kana toreva nezvokudzishandisa muupenyu hwavo kana kuti kutambanudzira mukana mumwe chetewo kuvamwe—ivo havana chaizvo mwoyo womubato unoponesa upenyu wakadaro.

7, 8. Ratidza musiyano uri pakati pendangariro nemwoyo.

7 Ndangariro inofanira kupinza mashoko ndokuafungisisa. Ndimo munogara ungwaru, nzvimbo munoitwa zivo. Inounganidza mashoko uye kupfurikidza nokurangarira uye mufungo inosvika mhedziso dzakati. Uye Magwaro anoratidzira kuti iyo, nenzira inoshamisa, ine chokuita zvakananga nomwoyo. Mwoyo une basa rinokosha, nokuti iwo unobatanidzwa nezvidakadaka nesundo. Nhungamiro yemwoyo yemararamire ose omunhu inova pachena kuvaoni. Ivo vanowana pakupedzisira izvo munhu wacho ari chaizvoizvo mukati. Asi Jehovha panguva dzose anoziva “munhu wakavanzika womwoyo.”—1 Pet. 3:3, 4.

8 Padzimwe nguva mwoyo ungakurira zvisarudzo zvendangariro, uchipa sundo inoda uye inosimudzira murangariro kana kuti chishuvo kupfuura kufunga kune mufungo. Munhu haasati achifanira bedzi kuziva nendangariro yake chiri chakarurama mumeso aJehovha, asi iye anofanira kuva nechishuvo mumwoyo make chokutevera nzira iyoyo. Uku kukwanisa kwomwoyo kusarudza pakati penzira dzechisarudzo ndokusarudza imwe yadzo kunotsanangura chikonzero nei Bhaibheri richitaura nezvomwoyo womunhu se‘unoronga’ uye ‘kufunga [kuisa ndangariro yake pa]nzira dzake.’ (Zvir. 19:21; 16:9) Kutoti mamirire ezvinhu achivamanikidza kuita neimwe nzira, vanhu vachatevera nzira inofadza mwoyo yavo. Ikoku ndokwechokwadi zvikurukuru kana toreva nezvenhau dzetsika nedzomudzimu.—Mat. 5:28.

9, 10. Chii chichatibetsera kusvika mwoyo womudzidzi?

9 Kusvika mwoyo. Ipapoka, mudzidzisi wechiKristu achasvika sei mwoyo yavanhu? Imwe nzira ndeyokukurudzira vadzidzi kufungisisa nenzira yokuonga zvinhu zvinodzidzwa. Yeuka kuti kunotaurwa sei nezvaMaria, amai vokunyama vaJesu, kuti “iye akachengeta nenzira yokungwarira mashoko iwaya ose mumwoyo make.” (Ruka 2:51, NW) Chinyorwa hachisati chichiti “muyeuko yake,” kunyange zvazvo iyoyowo yakabatanidzwa. Makanga muri mumwoyo make, munogara chidakadaka nesundo, zvokuti iye gare gare akava muKristu akatendeka. Kubetsera vadzidzi nhasi kupinza chokwadi mumwoyo yavo, iva nenguva yakakwana yokukudziridza mapfundo makuru nenzira inogutsa. Usaedza kufukidza mashoko akanyanyowandisa.

10 Mibvunzo inobetsera zvikuru mukuziva kana zvokwadi dzeBhaibheri dziri kurangarirwa dziri kugamuchirwa chaizvoizvo mumwoyo yavadzidzi. Pashure pokukurukura zvokwadi itsva ungada kubvunza kuti, “Munonzwa sei pamusoro paikoku zvino? Ndizvo zvamunodavira here?” Rovedza kuita izvozvo apo unopa hurukuro dzavadzidzi. Tinogona bedzi kubetsera munhu kufambira mberi mubasa raJehovha kupfurikidza nokuziva zviri mumwoyo make.

11. Tinogona sei kusimbisa kumudzidzi ukoshi hwoukama hwomunhu naJehovha?

11 Kuroverera Shoko raMwari mumwoyo yavo, vadzidzi vaunodzidzisa vanofanira kubetserwa kufunga maererano noukama hwavo vamene naJehovha. Uye ndapapi pane nzvimbo iri nani zvikuru yokuti iwe ushandire kukudziridza aya mano kupfuura apo unenge uchiita migove muchikoro choushumiri? Kurudzira avo unodzidzisa kuvimba naJehovha nemwoyo wavo wose, nemhaka yokumuda, uye nemhaka yokutida kwake. Kupfurikidza nemibvunzo inobvunzwa zvakanaka, unogona kunangidzira ngwariro yavo kuidi rokuti zvavari kudzidza muBhaibheri zvinobva kuMusiki wedu ane rudo, Jehovha, uyo “une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jak. 5:11) Vhiki nevhiki, kana uchiitisa fundo, simbisa rudo rwaJehovha nouchenjeri zvinooneka muzvokwadi dzinoshamisa dzamuri kufunda pamwe chete. Kurudzira vadzidzi kuona kuti upenyu hwavo vamene hunotapurwa sei uye kuti vachatapurwa sei mumazuva ari mberi. Hwirudzura navo nheyo dzeBhaibheri kakawanda kuti idzodzi dzigova dzakarovedzana navo zvikuru. Vabetsere kukudziridza muitiro wokugarotsvaka kuva nechokwadi chokuda kwaBaba vokudenga munhau ipi neipi vasati vaita chisarudzo. Zvishoma nezvishoma uchave uchivabetsera kuziva kuti upenyu hwedu uye chinhu chiri chose chatinacho ndezvaMwari, nokuti “iye amene unopa vose upenyu, nokufema, nezvose”; uye kuti kunamatwa kwake, basa rake, zvinofanira kuva zvokutanga muzvose zviri zviviri mumwoyo medu nendangariro yedu.—Mabasa 17:25.

12-14. Vadzidzi vanofanira kudzidzei pamusoro pevavariro, uye munhu anogona sei kunzvera vavariro dzake?

12 Nguva nenguva dudza pfundo rokuti kuna Mwari hazvisati zvichingova bedzi zvatinoita zvinokosha, asi vavariro yedu mukuzviita. Iye anoda kuti tifarire kuita kuda kwake. Kufanana nababa vari mubhuku raZvirevo, saizvozvo Baba vedu vokudenga vanotikumbira kuti: “Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Urambe uchiatarira, uachengete mukati momwoyo mako. Nokuti ndihwo upenyu kuna vanoawana, noukukutu hwenyama yavo yose.”—Zvir. 4:20-22.

13 Naizvozvo avo unodzidzisa vanogona kukurudzirwa kunzvera vavariro dzavo dzokuita zvinhu uye kuzvibvunza mibvunzo yakadai seyokuti: Nei ndichida kuita ichi kana kuti icho? Chii chiri kundisunda kusarudza aya maitire? Ini ndinoziva izvo ndangariro yangu inotaura, asi chii chaizvoizvo chiri mumwoyo mangu? Ndiri kutsvaka kufadza Mwari here kana kuti kugutsa zvishuvo zvangu ndimene? Kurangarira kwangu ndokwapachokwadi zvirokwazvo here? Kana kuti ndiri kuedza kuzvinyengera here kupfurikidza nokurangarira kwenhema?

14 Vadzidzi vanogona kunyeverwawo nezvengozi uye nyengedzo zvinopinza mungozi vasina kungwarira. Somuenzaniso, munhu anganangidzira mwoyo wake panharidzano yakati, zvichida iyo ingava yakafanira zvikuru pachayo, asi iyo inodzongonyedza kusvikira kutambanuko yakati kunamata kwake kana kuti basa rinoitirwa Jehovha. Nenzira yakananga chirevo chakafuridzirwa chinoti: “Unotenda mwoyo wake, ibenzi; asi unofamba nouchenjeri ucharwirwa.”—Zvir. 28:26.

15-17. Muenzaniso waJesu nekurukurirano pamusoro pomunyengetero zvinogona sei kubetsera mwoyo?

15 Pakupedzisira, kwakanaka kuramba uchidudza kuvadzidzi muenzaniso wakakwana watinawo muna Ishe Jesu. Iye akanga akavimbika kuna Baba vake vokudenga. Yakanga iri mhaka yokuti ‘aida kururama uye aivenga uipi kuti Jehovha akamuzodza namafuta omufaro kupfuura vamwe vose.’ (Pis. 45:7) Iye akachengeta sei mugariro iwoyo wakarurama womwoyo? Akafunda kwete bedzi kuti azive Mwari asiwo kuti afadze Mwari. Aiyeuka nguva dzose kuda kwaBaba. Jesu aigarotsvaka Baba vake mumunyengetero. Kupfurikidza neminyengetero yake iye akanga achikumbira Mwari, chaizvoizvo, kuti ‘amunzvere ndokumuedza, kuti anatse itsvo dzake ndokuedza mwoyo wake.’ (Pis. 26:2) Akanga asingadi kuvimba nokurangarira kwake amene bedzi kana kuti nesundo dzemwoyo wake amene. “Baba . . . kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu,” ndicho chakanga chiri chisarudzo chake chokunyengetera sezvo rufu rwake rwechibayiro rwakafanotaurwa rwakaswedera pedyo.—Marko 14:36.

16 Iwoyo hausati uri muenzaniso wakaisvonaka wokutaura pamberi pavadzidzi here? Ivowo vanogona kubetserwa kutsvaka nhungamiro yaMwari muupenyu hwavo kupfurikidza nomunyengetero—munyengetero wapachokwadi, womwoyo wose nokuda kwouchenjeri hwokutevera nzira inotenderwa naMwari. Varavire mimwe yeminyengetero yaJesu. Apo Jesu akauya pasi akanyengetera kuna Mwari seMwanakomana Wake. Achidzidzisa vateveri vake nzira yokunyengetera nayo, Jesu akatanga munyengetero womuenzaniso: “Baba vedu vari kudenga.” (Mat. 6:9) Naizvozvo munhu ari kunyengetera anofanira kuva somwanakomana ari kusvika baba. Zvichida kupfuura chinhu chipi nechipiwo zvacho minyengetero yedu inoratidza kuti tine rudzii rwoukama naJehovha. Ukama ihwohwo ndehwoushamwari, hwokuvimba, hwapedyo sohwemwanakomana kana kuti mwanasikana nababa vanoremekedzwa uye vanodiwa nomwoyo wake wose here? Kana kuti hunongova huya hwomuzivikanwi wokutaura naye sezvinoitwa nomuvakidzani kana kuti shamwari yakanakawo zvayo here? Vavarira kusvika mwoyo yaavo vaunotaura kwavari uye avo unofunda navo kupfurikidza nokukurukura munyengetero navo, nzira yavanonzwa nayo pamusoro pawo uye zvinhu zvavanonyengeterera.—Zvir. 15:8, 29.

17 Nemhaka yokukoshesa uko Mwari anoita mwoyo, isuwo tinofanira kusanorangarira mwoyo pakudzidzisa Shoko rake. Ungave uchipa hurukuro yavose kana kuti hurukuro yomudzidzi kana kuti kuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha, rega kuita kuti kufukidza zvitsama zvikuru zvamashoko kuve vavariro yako huru. Shandisa nguva inodikanwa kubetsera vamwe kuswedera pedyo naJehovha uye kuita kuti Shoko rake rirovererwe zvakasimba mumwoyo yavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe