Fundo 8
Ukoshi Hwegadziriro
1-5. Gadziriro ndeyoukoshi nokuda kwavanaani, uye nei?
1 Pauro, muapostora kuna marudzi, akakurudzira mushumiri biyake Tito kuti “uvayeudzire [vaKristu] . . . kuti vave vanhu vakazvigadzirira kubata mabasa ose akanaka.” (Tito 3:1) Ikoko kwakareva kuti vaifanira kuva vakagadzirira mundangariro nepfungwa nokuda kwechiito chakati chomunguva yemberi.
2 Gadziriro inokosha zvirokwazvo murudzi rwupi norwupi rwebasa roubati ushe hwaMwari. Chokwadika, nguva yokutanga yaunotora rutivi mumubato wakati, kunoda gadziriro yomuraudzo nemhaka yokuti mubato wacho mutsva kwauri. Asi sezvo dura rako rezivo rinowedzera, unowana kuti unogona kushandisa fundo yawakaita munguva dzakapfuura, pamwe chete noruzivo rwokuzviwanira rwawakawana. Kunyange zvakadaro, pasinei zvapo nokuti kangani kawakaita rudzi rwakati rwomugove, gadziriro nguva dzose inokosha.
3 Gadziriro inodikanwa, kwete bedzi kuna avo vakagamuchira mugove wehurukuro, asiwo kumunhu ari wose anoda kuva mushumiri akasanokwaniriswa wamashoko akanaka. Pashure pokunge wagoverana mubasa rapaimba neimba kwemwedzi kana kuti kwamakore, unowana kuti haudi nguva yakawanda zvakafanana yegadziriro nguva imwe neimwe usati waenda. Kunyange zvakadaro, kana ukagadzirira uchagarova anobudirira zvikuru. Ndozvazvakaitawo nokuitisa fundo yeBhaibheri. Fundo yokutanga yeBhaibheri yawakaitisa yakada gadziriro huru zvikuru. Asi pasinei zvapo nokuti kangani kawakafunda mashoko akati iwayo, uchaita basa riri nani rokuitisa fundo kana ukaahwirudzurazve uchirangarira mudzidzi wako akati. Ndozvakwakaitawo apo unotaura uri pachikuva. Ruzivo rwokuzviwanira rwakawanwa mumakore apfuura ndorwebetsero huru. Asi apo unoziviswa pachine nguva mberi kuti uchapa hurukuro, usatongoedze kukuita pasina gadziriro.
4 Pamusoro peChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, gadziriro ndeyoukoshi hukuru nokuda kwedu tose. Mudzidzi mumwe nomumwe ane kopi yepurogiramu yechikoro uye anogona kucherechedza mairi maganhuro eBhaibheri kana kuti mamwe mashoko achapiwa pamusi upi noupi unopiwa. Ukagona kuita gadziriro yakawanda zvikuru, uchawana zvakawanda muchikoro chacho. Kukundikana kuziva ukoshi hwegadziriro yapachine nguva mberi kunogona kukunyima betsero zhinji chaidzoidzo.
5 Kugadzirira kunoda nguva, asi migumisiro yacho inosanokodzera nhamburiko yacho. Gadziriro haisati ichingobvirisa bedzi kutora rutivi nenzira inobetsera mukuhwirudzura kwokutaura, asi inokuyamura kuwana ndangariro yaJehovha uye kuvandudza nzwisiso yako yomutauro “wakachena” wechokwadi. (Zef. 3:9, NW) Kuita kuti kugadzirira chikoro pachine nguva mberi kuve muitiro, ungaronga kuti kurava kwakadaro nokufunda zviitwe nemitezo yemhuri yako umene kana kuti pamwe chete neshamwari. Chokwadika, munhu ari wose akanyoresa muchikoro ane mikana yokukurukura hurukuro, uye zvikarakadzo zvakati pamusoro pamagadzirirwe adzo zvichava zvinobetsera.
6. Tinofanira kugadzirira sei nokuda kwomugove wokurava muchikoro choushumiri?
6 Migove yokurava. Nguva nenguva migove yokurava ingarongwa sorutivi rwepurogiramu yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Kuti ugadzirire mugove wakadaro, sanorava mashoko acho. Rovedzana nekududzwa kwamazita uye mashoko akaoma. Rovedza uchidaidzisa kuti ukurukure mashoko acho sekurukurirano, nokudekudza pasina kuzengurira kana kuti kusarurama. Uye sanonzvera kuva nechokwadi kuti mashoko acho anogona kukurukurwa munguva yakagoverwa.
7-11. Mukuronga hurukuro inobva munyaya yakabudiswa, kurangarirai kuchatibetsera mukusarudza mashoko akananga okushandisa?
7 Kugadzirira hurukuro inobva munyaya yakabudiswa. Chinhu chokutanga chokuita nourwu rudzi rwehurukuro ndechokurava mashoko akagoverwa nenzira yokungwarira. Tara mapfundo makuru kana kuti nyora ndaza pfupi yamapfundo makuru pakapepa. Wana murangariro wakajeka wemifungo mikuru inosimudzirwa. Zvino, mashokoi auchasarudza, sezvo zvimwe pane anopfuura aunogona kushandisa munguva yakagoverwa? Zvimwe zvinhu zvingadzora nenzira inobetsera kusarudzwa kwamashoko: (1) Vateereri vako uye kuronga—kana kuronga kuchizobetsera kuratidzira kushandiswa kunogona kuitwa mashoko acho nenzira inoshanda, uyewo (2) musoro wako uye kushandiswa kwakananga kwamashoko achakurukurwa.
8 Uchirangarira vateereri vako, uchada kusarudza mashoko anobva munyaya yakabudiswa avachawana kuva anofadza uye anobetsera. Kana ndima dzakati dzenyaya yakabudiswa dzichiratidzika kuva dzakaomera vateereri vakati, ipapo nangidzira ngwariro pane dzimwe ndima. Uyewo, magwaro mashomanene akasarudzwa achajekesa chikonzero chezvinhu zvauri kutaura. Kana ukarangarira vateereri vako, hausati uchizoedza kufukidza mashoko akawandisa, nemhaka yokuti, kana ukaakurukura uchimhanya, uzhinji hwoukoshi hwawo hucharasika. Naizvozvo kuri nani kufukidza zvakanaka mapfundo mashomanene.
9 Nehurukuro zhinji dzavadzidzi, zvinobetsera kuva nokuronga kwakati nokuda kwehurukuro yako. Ungapa mashoko ako sokunge uri kutaura nemumwe munhu mubasa rapaimba neimba; kana kuti kungava kupindura mubvunzo pashanyo yedzokerero; kana kuti zvichida kuita kupupura kusina kurongwa. Ungatoapa sokunge uri kutsanangurira mashoko acho mumwe wavana vako umene. Kune kumwe kuronga kuzhinji kungagona kushandiswa. Chinhu chinokosha apo kuronga kunoshandiswa ndechokuti iko kuve chaikoiko sezvinobvira. Naizvozvo sanofunga nhau yekuronga. Ikurukure navamwe vaparidziwo, nemhaka yokuti ivo vangava nezvimwe zvikarakadzo zvakaisvonaka.
10 Musoroi wawasarudza uye uchashandisa zvakadini mashoko acho? Sarudza mashoko anobva munyaya yakabudiswa nenzira inowirirana. Bvisa mifungo isati ichibetsera zvirokwazvo kumusoro wako uye donzo rehurukuro yako. Kazhinji kazhinji, mifungo inofanira kufukidzwa iri munyaya macho, naizvozvo kuri nani kunangidzira ngwariro pane iyoyo pane kuedza kupinza mashoko okunze mazhinji zvikuru. Chokwadika, ikoku hakusati kuchireva kuti muenzaniso wakakodzera haungagoni kupinzwa, kana kuti mumwe mufungo wakati uchabetsera vateereri vako kunzwisisa ukoshi hwamashoko akagoverwa. Kwakunobvira, iva nechokwadi chokushandisira mashoko acho vateereri vako kuti vose vagowana betsero huru.
11 Pashure pokusarudza musoro wako uye kuronga, ungawana kuti dzimwe ndima dzenyaya yakabudiswa hadzisati dzichisanokodzerana nehurukuro yako. Hausati uchidikanirwa kushandisa mifungo yendima iri yose. Asi ita izvi: Edza kusarudza musoro uye marongere izvo zvichakubvumira kushandisa chikamu chikuru chamashoko chinoratidzika kuva chine mufungo.
12. Tingaita sei mukuronga ndaza yakagoverwa yamagwaro kuva hurukuro?
12 Kuronga ndaza yamagwaro kuva hurukuro. Panhambo nenhambo ungagoverwa ndaza yakati yamagwaro, zvichida omubhukwana rinonzi Misoro yeBhaibheri Yekurukurirano kana kuti bhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro kana rakadaro richiwanikwa mumutauro wenyu. Vavariro yako ipapo ndeyekuronga magwaro iwawa kuva hurukuro yenguva dzose kana kuti zvimwe mharidzo yakati inopiwa muushumiri hwomumunda. Kana mundaza mune magwaro akawanda anopfuura ayo unogona kufukidza munguva yakagoverwa, sarudza ayo unoda kushandisa. Kwakanakisisa kusaedza kushandisa anopfuura ayo unogona kufukidza nenzira inobudirira munguva yakagoverwa. Ipapo nzvera rugwaro rumwe norumwe rwauchashandisa. Wana chikonzero chako chokurwushandisa. Gadzirira mharidzo yako nenzira yakadaro zvokuti sumo yako yorugwaro rumwe norumwe inonangidzira ngwariro pachikonzero chako chokurwushandisa. Uyewo nzira yaunorava nayo rugwaro inofanira kusimbisa chikamu chikuru charwo. Pakupedzisira, kurwushandisa kwako kuchasimbisa mufungo mukuru.
13-15. Inhanoi dzingaitwa nenzira inobetsera mukuronga hurukuro pamusoro wakagoverwa apo kunenge kusina mashoko akananga akabudiswa anodudzwa sehwaro hwehurukuro yacho?
13 Apo musoro bedzi unogoverwa. Pachava nenhambo, pangave paChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, pamusangano webasa kana kuti pane dzimwe purogiramu, apo ungakumbirwa kukurukura hurukuro uchingogoverwa musoro chete. Hapana mashoko chaiwo aunopiwa okushandisa sehwaro hwokupiwa kwawo. Mune zviitiko zvakadaro heuno muitiro unorumbidzwa: Nzvera ndangariro yako uye nyora mifungo yaunodavira kuti ingava yakakodzera kukudziridza. Nhano iyeyo yokutanga inokosha. Iyoyi ndiyo ingasarudza kana hurukuro yako ichizova itsva mukukudziridzwa kwayo, kana kuti kudzokororwa zvako kwemifungo yavamwe vanhu. Ingadzivisawo kunzvera uye kurava kwakati kusina vavariro, nokuti ichave yadukupisa ukuru hwokunzvera kwako. Kupfuura izvozvo, sezvingabvira zvikuru kuchaguma nehurukuro inotaurwa nemataurire ako umene panzvimbo pomuitiro wakasiyana nounhu hwako. Kungavawo kunobetsera kutaura pamusoro pomusoro wako navanhu vakakura mumudzimu. Ivo vangava nemifungo yakanaka pamusoro pokukudziridzwa kungaitwa musoro wacho.
14 Tevere wagadzirira kuwedzera kumashoko ako umene kupfurikidza nokuita nzvero muBhaibheri uye zvimwe zvinyorwa nebetsero yekonikodhenzi uye indekisi dzeSosaiti. Kazhinji kazhinji unogona kuwana zvizhinjisa muchinyorwa chipi nechipi chaunoshandisa nokuda kwenzvero kupfurikidza nokutanga kunzvera ndaza yezviri mukati. Ipapo nzvera indekisi kuti ugoona apo mashoko achava anobetsera zvikurusa kwauri anowanika. Kuva anosarudza kuchakuchengetera nguva zhinji. Mukurava kwako pane ngozi yokutsauswa nemimwe mifungo inofadza yaunosangana nayo iyo, zvisinei, isina chokuita nomusoro uripo. Dzivisa ikoku kupfurikidza nokurava nokukurumidza mashoko acho, uchitara bedzi zvikamu zviya zvaunogona kushandisa. Kazhinji kazhinji zvaunofanira kuita bedzi kutara mutsetse womusoro wendima imwe neimwe ibvei worava bedzi ndima dziya dzinoratidzika kuva dzakafanira zvikurusa kushandisa kwako.
15 Une mifungo yako umene neiya inowanwa mune mamwe manyuko, zvino wagadzirira kusarudza mapfundo akaisvonaka zvikurusa anogona kukudziridzwa munguva yawakagoverwa. Mukusarudza muaya mashoko akawanda, zvibvunze mibvunzo yakadai seiyi: Anoshanda here? Anofadza here? Achasimbisa musoro wangu here?
16, 17. Zvikarakadzoi zvinopiwa mukunyora zvinonyorwa?
16 Kunyora zvinonyorwa. Mukugadzirira uye mukunzvera nokuda kwomugove upi noupi wokutaura pane kudikanwa kwenzira yakati yokuronda nayo mifungo mizhinji inokura. Vamwe vadzidzi vakakuwana kuva kunobetsera kushandisa twumakadhi kana kuti twumapepa, vachironga pane kamwe nakamwe mifungo mikuru yakati kuti ichashandiswa muhurukuro yacho.
17 Zvinonyorwa zvacho zvingava zvipfupi zvikuru, kazhinji kazhinji zvakakwana chete kukuyeuchidza mufungo wacho. Betsero yaikoku ndeyokuti zvinonyorwa zvipfupi zvinoita kuti mharidzo ive yokutaura usingaravi, panzvimbo pokuomerera zvikuru kuzvikamu zvamashoko nemitsetse zvakakumbirwa kune mumwe munhu. Nyora manyuko emifungo yako kuti ugogona kuwanazve peji uye ndima, kana zvikadikanwa. Rugwaro rwupi norwupi rukuru rwuchatsamirwa parwuri sechiremera runofanira kunyorwawo. Imwe betsero mukushandiswa kwamakadhi kana kuti twumasiripi ndeyokuti twutsva twunogona kuwedzerwa uye twumwe twuchibviswa mukati mokugadzirirwa kwehurukuro yacho, pasina kudikanwa kwokunyorazve kuzhinji.
18. Nei tichifanira kuda kuva vanhu vakagadzirira?
18 Vanhu vakagadzirira. Kana pakava nechimiro chendangariro chokuregeredza basa rokumba rine chokuita nomugove upi noupi woubati ushe hwaMwari, ungaita zvakanaka kurangarira pamusoro poukoshi hwokuva akagadzirira nokuda kwaavo vangava netendero yaJehovha. Yeuka, somuenzaniso, kuti Johane Mubhabhatidzi akatumwa kuti “agadzirire Jehovha vanhu vakagadzirirwa.” (Ruka 1:17, NW) VaIsraeri ivavo vaka“gadzirirwa” vaiva vanhu vakazvibvumira kuumbwa nenzira inobetsera kupfurikidza nokubata kwaJehovha navo kuti ivo vagokwanisa kuita basa raakanga achirangarira nokuda kwavo. Ndizvo zvakwakaitawo nesu: Kupfurikidza nokushandisa zvakazara Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari uye kugadzirira zvakanaka mugove mumwe nomumwe, tinozvibvumira kuumbwa neiyi gadziriro yefundo iyo Jehovha akagovera. Neiyi nzira isuwo tinova vakashongedzerwa nokuda kwebasa rinobudirira savashumiri vaMwari.