RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 3 pp. 6-7
  • Zvinhu Zvipenyu Zvinotidzidzisei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvipenyu Zvinotidzidzisei?
  • Mukai!—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Kutarisisa Mune Zvisingaoneki—Chii Chinoratidzwa?
    Mukai!—2000
  • Upenyu Hwakatanga Sei?
    Dzimwe Nyaya
  • Kupatsanuka Kunoita Masero
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mazivire Atinogona Kuita Kuti Kuna Mwari
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
Mukai!—2021
g21 nha. 3 pp. 6-7
Zvakaita mukati mesero reyeast.

Sero reyeast harisi nyore kunzwisisa. Nechepakati paro rine DNA. Sero rimwe nerimwe rine tunoita setumichina tunoita mabasa akasiyana-siyana anoribatsira kugadzira zvekudya zvinodiwa kuti rirarame.

Zvinhu Zvipenyu Zvinotidzidzisei?

Zvinhu zvipenyu zvinokura uye zvinoramba zvichiberekana zvichiwanda. Zvinhu izvi zvinoita kuti nyika yedu iyevedze. Mazuva ano vanhu vava kuziva zvakawanda nezvezvinhu zvipenyu kupfuura zvavaiita kare. Zvinhu izvi zvinotiudzei nezvematangiro akaita upenyu? Funga izvi.

Zvakaita zvinhu zvipenyu zvinoratidza kuti pane akazvigadzira. Zvinhu zvese zvipenyu zvinogadzirwa netunhu tudikidiki tunonzi masero. Masero aya akaita setumafekitari, uye anoita mabasa akawanda anobatsira kuti zvinhu zvipenyu zvirambe zvichiberekana uye zvichirarama. Izvi ndizvo zvinoitika kuzvinhu zvese zvipenyu kunyange zviya zvinoita sezviri nyore kunzwisisa. Semuenzaniso, kafufu kamwe nekamwe keyeast, katori kanhu kapenyu kane sero rimwe chete. Sero reyeast rinogona kuita seriri nyore kunzwisisa kana richienzaniswa nesero remunhu, asi hazvisirizvo. Nechepakati paro, sero reyeast rine DNA. Sero rimwe nerimwe rine tunoita setumichina tunoita mabasa akasiyana-siyana anoribatsira kugadzira zvekudya zvinodiwa kuti rirarame. Kana pasisina zvekudya, mashandiro anoita tumichina utwu anoderera zvoita sekuti sero racho rakarara. Izvi ndizvo zvinoita kuti yeast ikwanise kugara kwenguva refu takaichengeta, yozoita seyamuka patinenge tava kuishandisa kubika chingwa.

Nyanzvi dzesainzi dzava nemakore dzichiongorora mashandiro eyeast kuitira kuti vakwanise kunzwisisa mashandiro anoita masero evanhu. Asi vachiine zvakawanda zvavasati vava kunzwisisa. “Tine zvakawanda zvatinoda kuita pakuongorora mashandiro anoita masero, asi dambudziko nderekuti tiri vashoma,” akadaro mumwe purofesa anonzi Ross King, wepaChalmers University of Technology iri kuSweden.

Unofungei? Kuoma kwazvakaita kunzwisisa mashandiro anoita sero reyeast hakuratidzi here kuti pane akarigadzira? Unofunga kuti zvakangoitika zvega here?

Kuti chinhu chirarame panofanira kuva neDNA. DNA inogadzirwa nemakemikari akasiyana-siyana anonzi manucleotides. Sero rimwe nerimwe remunhu rine manucleotides 3,2 bhiriyoni. Makemikari aya akarongwa nenzira yekuti sero rikwanise kugadzira maenzyme nemapuroteni.

Nyanzvi dzesainzi dzinoti kuti makemikari anzi anoungana ega obva agadzira DNA, zvinhu zvakadaro zvakaoma kuti zviitike. Zvinhu zvakadaro hazvimbofi zvakaitika.

Chokwadi ndechekuti nyanzvi dzesainzi hadzisati dzambogadzira chinhu chipenyu kubva pachinhu chisina upenyu.

Vanhu vakasiyana nezvimwe zvinhu zvipenyu. Hapana chimwe chinhu chipenyu chinokwanisa kunyatsonakidzwa neupenyu sezvinoita vanhu. Vanhu vanokwanisa kugarisana nevamwe, kugadzira zvinhu, uye kubudisa manzwiro avo. Tinokwanisa kuravira zvinhu zvakasiyana-siyana, kunzwa ruzha, kunhuwidza zvinhu, kuona mavara uye zvinhu zvakasiyana-siyana. Tinoronga ramangwana redu uyewo tinoda kurarama upenyu hune chinangwa.

Unofungei? Takashanduka-shanduka kusvika tava kukwanisa kuita zvinhu izvi nekuti ndizvo zvataida kuti tirarame uye tiberekane here? Kana kuti zvinhu izvi zvinoratidza kuti upenyu chipo chinobva kuMusiki ane rudo?

Iri irobhoti rinoongorora masero eyeast rinonzi Adam

Robhoti iri rakakura kunge mota diki. Rine firiji, maoko, makamera, masensor, uye makombiyuta 4. Robhoti iri rakagadzirwa kuti riongorore mashandiro anoita masero eyeast uye riri kukwanisa kuita izvi pasina rubatsiro rwakawanda runobva kuvanhu.

Nyanzvi yesainzi yakamira pedyo nerobhoti rinoongorora masero eyeast rinonzi Adam.

Kana ukaudzwa kuti robhoti iri rakangoerekana ravapo rega, pasina akarigadzira, waizozvibvuma here? Pamwe waisazozvibvuma. Asi mashandiro anoita sero reyeast akatooma kunzwisisa kupfuura mashandiro anoita robhoti. Kana robhoti risingakwanisi kungovapo rega, ko zvakadii nemasero?

Tarisa uone mienzaniso yezvimwe zvinhu zvinoshamisa zvatinoona. Enda pawebsite inonzi jw.org utsvage nyaya uye mavhidhiyo akanzi “Zvakangoitika Zvega Here?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe