RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g18 nha. 1 p. 3
  • Nzira Yekuwana Mufaro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yekuwana Mufaro
  • Mukai!—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Vanofara Vaya Vanoshumira “Mwari Anofara”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Zvaungaita Kuti Uwane Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2018
  • Mufarwa Wechokwadi Mukubatira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2018
g18 nha. 1 p. 3
Murume ari kufamba munzira

NZIRA YEKUWANA MUFARO

Ungauwana Sei?

URI MUNHU ANOFARA HERE? Kana uchifara, chii chinoita kuti udaro? Imhuri yako here, ibasa here kana kuti ndezvaunodzidziswa kuchechi? Pamwe une zvinhu zvinofadza zvauri kutarisira zvakadai sekupedza chikoro, kuwana basa rinobhadhara kana kuti kutenga mota.

Vanhu vakawanda vanofara pavanobudirira kuita chimwe chinhu kana kuti pavanowana chinhu chavanga vachida. Asi vanofara kwenguva yakareba here? Kazhinji kacho ndezvenguva pfupi uye vanogona kuzoora mwoyo.

Mufaro unotsanangurwa uchinzi kugara uchinzwa kuti upenyu huri kukufambira uye uchishuva kuti dai zvaramba zvakadaro.

Kuti munhu afare hazvirevi kuti anofanira kunge aine zvese, asi chinongodiwa kugutsikana nezvaanazvo. Kutaura kuti, “Ndichazofara kana ndazo . . . ” unenge uchitosundira mufaro wacho kumberi.

Semuenzaniso, zvii zvatinofanira kuita kana tichida kuva neutano hwakanaka? Zvimwe zvacho zvinosanganisira kudya zvinhu zvine utano uye kuita maekisesaizi. Kana tichidawo kugara tichifara, tine zvinhu zvatinofanira kuita.

Zvii zvingaita kuti tigare tichifara? Zvimwe zvacho ndeizvi:

  • KUGUTSIKANA UYE KUVA NERUPO

  • KUVA NEUTANO

  • RUDO

  • KUREGERERA

  • CHINANGWA CHEUPENYU

  • TARIRO

Bhaibheri rinoti: “Vanofara vasina mhosva panzira dzavo.” (Pisarema 119:1) Verenga nyaya dzinotevera unzwe kuti nzira dzacho ndedzipi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe