RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 6 pp. 10-11
  • Kushanya kuNew Zealand

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanya kuNew Zealand
  • Mukai!—2017
Mukai!—2017
g17 nha. 6 pp. 10-11
Milford Sound, New Zealand

Milford Sound

NYIKA DZAKASIYANA-SIYANA

Kushanya kuNEW ZEALAND

New Zealand pamepu

MAKORE anenge 800 apfuura, vaMaori vakatama kubva kuzvitsuwa zvePolynesia vachienda kuNew Zealand. Vasvika ikoko, vakaona kuti nyika yacho yakanga yakasiyana chaizvo nekwavakanga vabva. MuNew Zealand maiva nemakomo, zvitubu zvemvura inopisa, makomo echando uye sinou. Papera makore 500, pakazouyawo rumwe rudzi rwaibva kuEurope. Mazuva ano, vanhu vakawanda vemuNew Zealand vanoziva tsika dzekuEurope uye dzekuPolynesia. Vanopfuura 90% vanogara mumaguta. Pamaguta makuru ari pasi rese, guta reWellington ndiro rega rakanyanyoenda kumaodzanyemba.

Madziva ematope anopisa ari muNorth Island

Madziva ematope anopisa ari muNorth Island

Kunyange zvazvo New Zealand iri kwayo yega, gore negore kunouya vashanyi vanosvika mamiriyoni matatu nekuti nyika yacho ine zvinhu zvinoyevedza.

Miti inonzi silver fern

Muti unonzi silver fern unogona kureba mamita anopfuura 10

Shiri isingabhururuki inonzi takahe

Shiri isingabhururuki inonzi takahe yaifungidzirwa kuti haisisiko yakazowanika muna 1948

MuNew Zealand mune mhuka dzakasiyana-siyana uye ndimo mune shiri dzakawanda dzisingabhururuki. Ndimowo munowanika tuatara, mhuka yakaita sedzvinyu iyo inogona kurarama kwemakore anosvika 100! Zviremwa-remwa nedzimwe mhuka dzakakura dzemumvura dzakadai semawhale uye madolphin, ndidzo chete mhuka dzakagara dziri muNew Zealand.

MuNew Zealand matova nemakore anoda kusvika 120 muine Zvapupu zvaJehovha. Vanodzidzisa Bhaibheri mumitauro inopfuura 19, kusanganisira mitauro yechiPolynesia yakadai sechiNiuean, chiRarotongan, chiSamoan, uye chiTongan.

VaMaori vachiimba

VaMaori vachiimba vakapfeka mbatya dzekwavo

WAIZVIZIVA HERE?

Zita rekuti New Zealand rinobva pane rekuti Zeeland, nzvimbo iri kuNetherlands. Zita rayakapiwa nevaMaori rekuti Aotearoa rinoreva kuti “Nyika Yemakore Machena Akaita Zienda Nakuenda.”

Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vemuNew Zealand vachitaura Chirungu, mutauro weko wechiMaori wava kushandiswa zvekare uye uri kutodzidziswa muzvikoro. Website yeZvapupu zvaJehovha, jw.org, inowanikawo muchiMaori.

  • VAGARI VEMO: MAMIRIYONI 4,7

  • GUTA GURU: WELLINGTON

  • NYIKA: NORTH ISLAND INE MAKOMO ANOPUTIKA UYE ZVITUBU ZVEMVURA INOPISA. SOUTH ISLAND INE ZVIURU ZVEMAKOMO ECHANDO

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe