RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 5 pp. 14-15
  • Kushanya kuKazakhstan

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanya kuKazakhstan
  • Mukai!—2017
Mukai!—2017
g17 nha. 5 pp. 14-15
Astana, Kazakhstan

Guta reAstana

NYIKA DZAKASIYANA-SIYANA

Kushanya kuKazakhstan

Mepu yeKazakhstan

VANHU vekare vekuKazakhstan vaigara mumatende. Vamwe ndizvo zvavachiri kuita mazuva ano uye vanotama-tama nezvipfuwo zvavo vachienda kune mafuro. Mumwaka wechirimo, vanoenda kunzvimbo dzakakwirira dzinotonhorera. Panozosvika chando, vanobva vadzika nezvipfuwo zvavo munzvimbo dzinodziya.

Vamwe vekuKazakhstan vanogara mumataundi. Asi tsika dzavo, zvekudya uye zvavanoruka kana kusona zvinoratidza mararamiro aiita madzitateguru avo. Vanofarira nhetembo dzechinyakare, nziyo uye mimhanzi inoridzwa nezviridzwa zveko.

Dzimba dzematende dzinonzi mayurt dziri nyore kugadzira uye hadzikanganisi nharaunda. Vafudzi vanodzifarira uye vanhu vanogara mutaundi vanowanzodzishandisa pavanoita zvinhu zvakadai semichato. Vanhu vanoshanya kunyika iyi vanofarirawo kugara mudzimba idzi. Vakadzi veko vanogadzira mukati medzimba idzi zvakanaka, vachiisa zvirukwa zvinoyevedza uye makapeti.

Mhuri iri muyurt

Mukati meyurt

Vanhu vekumaruwa vanokoshesa chaizvo mabhiza. Mumutauro weKazakh mune mashoko anopfura 21 anotsanangura zvakaita mabhiza, uye anopfuura 30 anotsanangura ruvara rwawo. Kana ukapiwa bhiza, unenge wapiwa chipo chakakosha. Vakomana vanodzidzira kutasva mabhiza vachiri vadiki.

Nguva zhinji chikafu chavo chinenge chiine nyama uye havawanzoisi mhiripiri. Vanofarirawo kunwa koumiss, iyo inogadzirwa nemukaka wemabhiza uye inonzi ine utano, neimwe inonzi shubat, inogadzirwa nemukaka wakakora wengamera.

Vashanyi vakasununguka kushanyira hofisi yeZvapupu zvaJehovha yekuAlmaty uye vanogona kuratidzwa zvinoitwapo.

Mbada

Mbada dzinenge dziri mumakomo mumwaka wechirimo

WAIZVIZIVA HERE?

MuKazakhstan mune mhando dzemaruva emusango anonzi matulip dzinopfuura 36, uye vanhu vanoadhirowa pazvinhu zvakasiyana-siyana.

Mvura iri nechekumabvazuva kweLake Balkhash ine munyu, asi iri kumavirira haina.

Shiri dzakadai semakondo dzinodzidziswa kuvhima uye dzinoshandiswa nevakawanda. Vanhu veko vanofarira kudzidzisa makondo anonzi magolden eagles.

Gondo rakavharwa kumeso rakamhara paruoko

Gondo rakavharwa kumeso kuti risatya vanhu

  • MITAURO: KAZAKH UYE RUSSIAN

  • VAGARI VEMO: 17 563 000

  • GUTA GURU: ASTANA

  • MAMIRIRO EKUNZE: KUNOPISA CHAIZVO MUCHIRIMO, UYE KUNOITA SINOU MUCHANDO

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe