RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 2 pp. 12-13
  • Kushanya kuSpain

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanya kuSpain
  • Mukai!—2017
Mukai!—2017
g17 nha. 2 pp. 12-13
Toledo iguta rekuSpain uye rinowanzoshanyirwa nevanhu vakawanda

Guta reToledo rinoratidza tsika dzekare dzevanhu vekuSpain nemagariro avo. Muna 1986, guta iri rakatanga kuverengwawo panzvimbo dzinoyevedza pasi rose uye vashanyi vakawanda vanorifarira

NYIKA DZAKASIYANA-SIYANA

Kushanya kuSpain

Spain

SPAIN inyika izere nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana. Nzvimbo dzakawanda dzemunyika iyi dzinorimwa gorosi, mazambiringa nemaorivhi. Kubva kuzasi kweSpain kusvika kuAfrica pane makiromita 14 chete uchifamba nemugungwa.

Vanhu vakawanda, kusanganisira vaFenikiya, vaGiriki, nevaCarthage vanobva kuNorth Africa vakatamira kuSpain. VaRoma pavakakunda Spain mumakore ekuma400 B.C.E., vakaitumidza kuti Hispania. Yakabva yazogarwawo nevaVisigoth nevaMoor, uye zvinhu zvavaiita patsika dzavo zvichiri kuitwa nanhasi.

Muna 2015, vanhu vanopfuura 68 miriyoni vakashanya kuSpain. Vakawanda vanoshanya panguva yakunenge kuchidziya, uye vamwe vanenge vachienda kumabeach, vamwe vachida kuona zvinhu zvekare zvinoyevedza zviri munyika iyi. Chimwewo chinoita kuti vaendeko inyaya yekuti vanofarira chikafu cheko. Chimwe chikafu chacho tupuka twemugungwa, cured ham, nyama ine muto, masalad, uyewo mavegetables akabikwa kana kuti anenge akaiswa olive oil. Chikafu chinonzi Spanish omelet, paella, uye tapas chinozivikanwa nevakawanda pasi rose.

Mariscada, chikafu chekuSpain chinobikwa netupuka twemugungwa

Mariscada chikafu chinobikwa netupuka twemugungwa

Vanhu vaviri vekuSpain vachitamba flamenco

Vanhu vari kutamba flamenco

Vanhu vemuSpain vakasununguka uye vane ushamwari. Vakawanda vavo vanoti vanopinda chechi yeRoma, asi vashoma ndivo vanoenda kuMisa. Mumakore achangobva kupfuura, vanhu vekuAfrica, Asia, uye Latin America vakatamira kuSpain. Vakawanda vavo vanofarira kukurukura nezvechitendero chavo uye tsika dzavo. Zvapupu zvaJehovha zvinokurukura navo uye zviri kubatsira vanhu ava kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya dzakasiyana-siyana.

Mugore ra2015, Zvapupu zvinopfuura 10 500 zvakazvipira kuvaka kana kugadziridza nzvimbo 70 dzinonamatirwa neZvapupu dzinonzi Dzimba dzeUmambo. Kanzuru dzeko dzakavapawo nzvimbo dzekuti vavakire Dzimba dzeUmambo. Zvapupu zvaJehovha zvinoita misangano mumitauro inopfuura 30, kusanganisira Spanish, kuti zvibatsire vanobva kune dzimwe nyika. Muna 2016, vanhu vanopfuura 186 000 vakapinda musangano unokosha weZvapupu zvaJehovha wekuyeuka rufu rwaJesu Kristu.

WAIZVIZIVA HERE?

Hakuna nyika inogadzira olive oil yakawanda kupfuura Spain.

Gomo rinonzi Teide Peak riri kuCanary Islands kuSpain rakareba mamita 3 718 uye ndiro rakareba kupfuura mamwe ose muSpain. Kana rikayerwa kubva pasi pegungwa, ndiro gomo rechitatu pakureba pamakomo ose akakonzerwa nevolcano ari pasi rose.

  • MITAURO INONYANYA KUSHANDISWA: SPANISH, BASQUE, CATALAN, GALICIAN, UYE VALENCIAN

  • VAGARI VEMO: 46 439 000

  • GUTA GURU: MADRID

  • MAMIRIRO EKUNZE: KUNOPISA CHAIZVO MUCHIRIMO, UYE KUNOTONHORA CHAIZVO MUCHANDO

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe